|
| 1 |
|
| “ ‘Pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe, muite ungano tsvene uye murege kubata basa ramazuva ose. Izuva rokuti muridze hwamanda. |
|
| 2 |
|
| Munofanira kugadzirira Jehovha chipiriso chinopiswa chehando imwe chete duku, gondohwe rimwe chete uye makwayana makono manomwe egore rimwe chete, ose asina kuremara, zvive zvinonhuwira zvinofadza pamberi paJehovha. |
|
| 3 |
|
| Mugadzire pamwe chete nehando duku chipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi zveefaa yeupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa pamwe chete namafuta, negondohwe, zvikamu zviviri mugumib; |
|
| 4 |
|
| pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumic. |
|
| 5 |
|
| Muisewo nhongo imwe chete yembudzi sechipiriso chechivi kuti muzviyananisire. |
|
| 6 |
|
| Izvi zviri kupamhidzirwa pamusoro pezvipiriso zvinopiswa zvomwedzi nomwedzi, nezvezuva nezuva uye nezvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa sokurongwa kwazvo. Ndizvo zvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto, zvinonhuwira zvinofadza. |
|
| 7 |
|
| “ ‘Pazuva regumi romwedzi wechinomwe munofanira kuita ungano tsvene. Munofanira kuzviramba uye murege kubata basa. |
|
| 8 |
|
| Mupe chibayiro chinopiswa chehando duku yegore rimwe chete kuna Jehovha sezvinonhuwira zvinofadza: hando imwe chete negondohwe rimwe chete uye namakwayana makono manomwe egore rimwe chete, zvisina kuremara. |
|
| 9 |
|
| Mugadzire pamwe chete nehando, chipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta; pamwe chete negondohwe, zvikamu zviviri mugumi; |
|
| 10 |
|
| uye parimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi. |
|
| 11 |
|
| Muisewo nhongo yembudzi sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chechivi chokuyananisira uye nechibayiro chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chezviyo, uye nezvipiriso zvazvo zvokunwa. |
|
| 12 |
|
| “ ‘Pazuva regumi namashanu romwedzi wechinomwe, muite ungano tsvene uye musaita basa ramazuva ose. Muite mutambo wokupemberera Jehovha kwamazuva manomwe. |
|
| 13 |
|
| Muuye nechibayiro chinopiswa kuti chive chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha, chibayiro chinopiswa chehando duku gumi nenhatu, makondohwe maviri namakwayana makono gumi namana egore rimwe chete, ose asina kuremara. |
|
| 14 |
|
| Mugadzire chipiriso chezvikamu zvitatu mugumi zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta pamwe chete neimwe neimwe yehando duku gumi nenhatu; pamwe chete nerimwe nerimwe ramakondohwe maviri, zvikamu zviviri mugumi, |
|
| 15 |
|
| uye pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana gumi namana, chikamu chimwe chete mugumi. |
|
| 16 |
|
| Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, pamusoro pechipiriso chinopiswa nechipiriso chacho chezviyo nechipiriso chokunwa. |
|
| 17 |
|
| “ ‘Pazuva rechipiri mugadzire hando duku gumi nembiri, makondohwe maviri uye makwayana makono gumi namana egore rimwe, zvose zvisina kuremara. |
|
| 18 |
|
| Mugadzire nehando, namakondohwe uye namakwayana, zvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvinonwiwa maererano nouwandu hwakarayirwa. |
|
| 19 |
|
| Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho uye nezvipiriso zvazvo zvokunwa. |
|
| 20 |
|
| “ ‘Pazuva rechitatu, mugadzire hando gumi neimwe, makondohwe maviri uye namakwayana makono gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara. |
|
| 21 |
|
| Mugadzire pamwe chete nehando, makondohwe, uye namakwayana, zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa. |
|
| 22 |
|
| Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa. |
|
| 23 |
|
| “ ‘Pazuva rechina, mugadzire hando gumi, makondohwe uye makwayana gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara. |
|
| 24 |
|
| Pamwe chete nehando, namakondohwe, namakwayana, mugadzire zvipiriso zvazvo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa. |
|
| 25 |
|
| Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chezviyo, uye nechipiriso chokunwa. |
|
| 26 |
|
| “ ‘Pazuva rechishanu, mugadzire hando pfumbamwe, makondohwe maviri uye namakwayana makono gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara. |
|
| 27 |
|
| Pamwe chete nehando, makondohwe namakwayana, mugadzire zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa. |
|
| 28 |
|
| Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa. |
|
| 29 |
|
| “ ‘Pazuva rechitanhatu, mugadzire hando sere, makondohwe maviri uye makwayana makono egore rimwe chete, gumi namana, zvose zvisina kuremara. |
|
| 30 |
|
| Pamwe chete nehando, namakondohwe uye namakwayana mugadzire zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa. |
|
| 31 |
|
| Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa. |
|
| 32 |
|
| “ ‘Pazuva rechinomwe, mugadzire hando nomwe, makondohwe maviri uye makwayana makono gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara. |
|
| 33 |
|
| Pamwe chete nehando, makondohwe namakwayana mugadzire zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa. |
|
| 34 |
|
| Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye chipiriso chokunwa. |
|
| 35 |
|
| “ ‘Pazuva rorusere, unganai uye murege kuita basa ramazuva ose. |
|
| 36 |
|
| Mupe chibayiro chinopiswa nomoto chive chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha, chibayiro chinopiswa chehando imwe chete, gondohwe rimwe chete namakwayana makono manomwe egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara. |
|
| 37 |
|
| Mugadzire hando, gondohwe namakwayana, zvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvinonwiwa, maererano nouwandu hwakarayirwa. |
|
| 38 |
|
| Muisewo nhongo imwe chete yembudzi sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa. |
|
| 39 |
|
| “ ‘Kupamhidzira pamusoro pezvamakapika uye zvipo zvokungopa, mugadzirire Jehovha izvi pamitambo yenyu yakatarwa: zvipiriso zvenyu zvinopiswa, zvipiriso zvezviyo, zvipiriso zvokunwa uye nezvipiriso zvokuwadzana.’ ” |
|
| 40 |
|
| Mozisi akataurira vaIsraeri zvose zvaakarayirwa naJehovha. |
|
|
|
|