|
| 1 |
|
| Tenzi akataurira Mosesi achiti, |
|
| 2 |
|
| “Tsiva vaMidhiani pane zvavakakanganisira vaIsiraeri. Kana waita izvozvo uchatorwa uchindosanganiswa nehama dzako, vachakabvu.” |
|
| 3 |
|
| Mosesi akataurira vaIsiraeri achiti, “Vamwe varume pakati penyu ngavapakate zvombo zvokundorwisa vaMidhiani kuti vavarange vachitsiva kukanganisira Tenzi kwakaitwa navaMidhiani. |
|
| 4 |
|
| Dzinza rimwe nerimwe ravaIsiraeri ngaritumire chiuru chimwechete chavarwi.” |
|
| 5 |
|
| Ipapo muzviuru nezviuru zvavaIsiraeri makaunzwa chiuru chimwechete chavarwi padzinza roga roga. Saka varwi vakagadzirira kuenda kuhondo vakakwana zviuru gumi nezviviri. |
|
| 6 |
|
| Mosesi akatumira kuhondo chiuru chimwe nechimwe chavarwi vemadzinza ose avaIsiraeri pamwechete naFiniyasi mwanakomana womupristi, Ereazari. Finiyasi akaenda navo aine midziyo yomutendhe rinoera netsuri dzairidzirwa kurongera varwi zvokuita. |
|
| 7 |
|
| Vakarwisa vaMidhiani sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi. |
|
| 8 |
|
| Vakauraya varume vose pamwechete namadzimambo mashanu vaMidhiani aiti: Evhi naRekemu naZuri naHuri naRebha. Vakaurayawo Bhiriamu mwanakomana waBheori vachimubaya nebakatwa. |
|
| 9 |
|
| VaIsiraeri vakatapa vanhukadzi navana vavaMidhiani. Vakatorawo zvipfuwo zvavaMidhiani nepfuma yavo yose. |
|
| 10 |
|
| Vakapisa maguta mavaigara namatendhe avo. |
|
| 11 |
|
| Vakatora vanhu vavakatapa nezvipfuwo noupfumi hwose hwavakapamba vakaenda nazvo. |
|
| 12 |
|
| Vakauya nenhapwa dziya nezvipfuwo zviya nepfuma iya vakasvika kuna Mosesi nomupristi Ereazari negungano rose ravaIsiraeri vaiva pamatendhe avo kumapani eMoabhu muna Jorodhani pakatarisana neJeriko. |
|
| 13 |
|
| Mosesi nomupristi Ereazari navatungamiriri vose vegungano ravaIsiraeri vakandochingura varwi kunze kwamatendhe. |
|
| 14 |
|
| Ipapo Mosesi akashatiriswa navakuru vakuru vehondo vaya vaiva vatungamiriri vamapoka ezviuru nevemazana avarwi vakanga vadzoka vachibva kuhondo. |
|
| 15 |
|
| Mosesi akati, “Ko magorega vakadzi vose vari vapenyu sei? |
|
| 16 |
|
| Ndivoka ivava vakarasikisa vaIsiraeri, panyaya iya yaBhiriamu. VaIsiraeri vakabva vatadzira Tenzi panyaya iya yokuPeori yakarakatisa gungano raTenzi nedenda. |
|
| 17 |
|
| Zvino ndinoti chiurayai vanakomana vavo vose navanhukadzi vose vakamborara navarume. |
|
| 18 |
|
| Asi vanasikana vavo vose vasina kumbozivana nomurume nokurara naye varegei vari vapenyu, muzvichengetere imi pachenyu. |
|
| 19 |
|
| Ani naani wenyu akauraya munhu kana ani naani akabata chitunha ngaambogara kunze kwenharaunda yamatendhe kwamazuva manomwe. Zvichenurei imi pachenyu nenhapwa dzenyu pazuva retatu napazuva rechinomwe. |
|
| 20 |
|
| Chenuraiwo hanzu dzenyu dzose, nezvose zvamunazvo zvakagadzirwa namatehwe kana nemvere dzembudzi kana nemapuranga.” |
|
| 21 |
|
| Mupristi Ereazari akataurira varwi vaya vakanga vadzoka vachibva kuhondo, achiti, “Uyu ndiwo murao wakapiwa Mosesi naTenzi. |
|
| 22 |
|
| Ndarama nesirivha nendarira noutare nesimbi inomutobvu ndizvo |
|
| 23 |
|
| chete zvamuchanatsa nomoto nezvose zvisingaparadzwe nomoto ngazvinatswe mumoto. Zvichabva zvachenurwa kunyange mukazvidaro zvinatseiwo nemvura yokunatsisa zvinhu. Zvinhu zvisingagoni kunatswa mumoto ngazvinatswe nemvura. |
|
| 24 |
|
| Sukai hanzu dzenyu pazuva rechinomwe kuti muve vanhu vakachenurwa, shure kwaizvozvo mozopinda mumatendhe.” |
|
| 25 |
|
| Tenzi akataurira Mosesi achiti, |
|
| 26 |
|
| “Iwe naEreazari navakuru vakuru vavaIsiraeri, verengai zvinhu zvamakapamba kuhondo nhapwa nezvipfuwo. |
|
| 27 |
|
| Kamurai zvamakapamba kuhondo napakati. Chimwe chikamu ngachipiwe kuvarwi vakadzoka vachibva kuhondo. Chimwe chikamu ngachipiwe gungano ravaIsiraeri. |
|
| 28 |
|
| Pamugove wavarwi vakadzoka kuhondo torai chikamu chakatarwa chokupa Tenzi. Pazvinhu zvinenge zviri mazana mashanu torai chinhu chimwechete. Zvitorei panhapwa napamombe napamadhongi napahwai napambudzi. |
|
| 29 |
|
| Torai chikamu chazvo pamugove uya wevarwi mupe mupristi Ereazari kuti uve mupiro unopirwa kuna Tenzi. |
|
| 30 |
|
| Pamugove uya wavaIsiraeri vose pazvinhu makumi mashanu, torai chinhu chimwechete. Zvitorei panhapwa napamombe napamadhongi napahwai napambudzi napazvipfuwo zvose mupe vaRevhi vane basa rokuchengeta tendhe rinoera raTenzi.” |
|
| 31 |
|
| Mosesi nomupristi Ereazari vakaita zvakanga zvaudzwa Mosesi naTenzi. |
|
| 32 |
|
| Zvino zvinhu zvose zvaiva zvapambwa navarwi kuhondo zvakanga zvakamira zvakadai: hwai dzaiva mazana matanhatu ezviuru nezviuru makumi manomwe nezvishanu. |
|
| 33 |
|
| Mombe makumi manomwe ezviuru nezviuru zviviri. |
|
| 34 |
|
| Madhongi makumi matanhatu ezviuru nechiuru chimwechete. |
|
| 35 |
|
| Nhapwa dzechikadzi makumi matatu ezviuru nezviuru zviviri, vose vakanga vasati vambozivana nomurume. |
|
| 36 |
|
| Saka chikamu chazvo chakapiwa varwi chaiva: mazana matatu ana makumi matatu ezviuru ane zviuru zvinomwe zvine mazana mashanu ehwai. |
|
| 37 |
|
| Hwai dzakapiwa kuna Tenzi dzaiva mazana matanhatu ana makumi manomwe ehwai nehwai shanu. |
|
| 38 |
|
| Mombe makumi matatu ezviuru ane zviuru zvitanhatu. Mombe dzakapiwa kuna Tenzi dzaiva mombe makumi manomwe nembiri. |
|
| 39 |
|
| Madhongi zviuru makumi matatu ana mazana mashanu. Madhongi akapiwa kuna Tenzi makumi matanhatu nerimwechete amadhongi. |
|
| 40 |
|
| Vanhu vaiva zviuru gumi nezvitanhatu; vakapihwa kuna Tenzi makumi matatu navaviri. |
|
| 41 |
|
| Naizvozvo Mosesi akapa mupristi Ereazari chikamu chiya chakatarwa chomugove waTenzi sezvaakanga audzwa naTenzi. |
|
| 42 |
|
| Mosesi paakapa varwi mugove wavo akatsaura chimwe chikamu chawo chiya ndokupa vaIsiraeri. |
|
| 43 |
|
| Saka mugove wakapiwa gungano rose waiti: mazana matatu ana makumi matatu ezviuru ane zviuru zvinomwe zvina mazana mashanu ehwai. |
|
| 44 |
|
| Mombe makumi matatu ezviuru nezviuru zvitanhatu, |
|
| 45 |
|
| madhongi aiva zviuru makumi matatu ana mazana mashanu, |
|
| 46 |
|
| vanhu vaiva gumi rezviuru nezviuru zvitanhatu. |
|
| 47 |
|
| Pazvinhu makumi mashanu zvoga zvoga zvomugove wakapiwa vaIsiraeri. Mosesi akatsaura chinhu chimwechete pamakumi mashanu pavanhu napazvipfuwo ndokupa vaRevhi vaiva nebasa rokuchengeta tendhe rinoera raTenzi sezvaakarayirwa naTenzi. |
|
| 48 |
|
| Ipapo vakuru vakuru vekuhondo vaitungamirira mapoka ezviuru namapoka amazana vakauya kuna Mosesi. |
|
| 49 |
|
| Vakati kuna Mosesi, “Changamire, isu varanda venyu takaverenga varwi vatinotungamirira tikaona kuti hakuna nomumwe wavo asipo. |
|
| 50 |
|
| Zvino tauya nezvinhu zvendarama zvatakawana zvatinoda kupa Tenzi sechipo. Tauya namakoza nemhete nemarin'i nezvishongo zvomuhuro zvomupiro wedu kuna Tenzi wokuripira.” |
|
| 51 |
|
| Mosesi nomupristi Ereazari vakagamuchira ndarama iyoyo, zvinhu zvakanga zvakagadzirwa kare. |
|
| 52 |
|
| Ndarama yose yechipo chakapiwa Tenzi navaitungamirira mapoka ezviuru namapoka amazana avarwi yakaita mari yamashekeri yakasvika gumi rezviuru nezviuru zvitanhatu zvina mazana manomwe ana makumi mashanu. |
|
| 53 |
|
| Mumwe nomumwe wavarwi aiva nezvinhu zvaakanga apambawo iye pachake. |
|
| 54 |
|
| Mosesi nomupristi Ereazari vakagamuchira ndarama iya yavakapiwa navaitungamirira mapoka ezviuru namapoka amazana avarwi, ndokuiunza mutendhe rokusanganira kuti ive chiyeuchidzo chevaIsiraeri pana Tenzi. |
|
|
|
|