|
| 1 |
|
| VaRubheni navaGadhi, vakanga vane mombe zhinji uye namakwai akawanda kwazvo, vakaona nyika yaJazeri neGireadhi kuti yakanga yanakira zvipfuwo. |
|
| 2 |
|
| Saka vakauya kuna Mozisi naEreazari muprista nokuvatungamiri veungano, vakati, |
|
| 3 |
|
| “Ataroti, Dhibhoni, Jazeri, Nimira, Heshibhoni, Ereare, Sebhami, Nebho neBheoni, |
|
| 4 |
|
| nyika yakakundwa naJehovha pamberi pavanhu vaIsraeri, yakanakira zvipfuwo, uye varanda venyu vane zvipfuwo.” |
|
| 5 |
|
| Vakati, “Kana tawana nyasha pamberi penyu, nyika iyi ngaipiwe kuvaranda venyu ive yedu. Musatiyambutsa Jorodhani.” |
|
| 6 |
|
| Mozisi akati kuvaGadhi nokuvaRubheni, “Ko, vanhu venyika yokwenyu vangaenda kuhondo imi makagara henyu pano? |
|
| 7 |
|
| Ko, munoodzerei mwoyo wavaIsraeri kuti vasayambuka vachienda kunyika yavakapiwa naJehovha? |
|
| 8 |
|
| Izvi ndizvo zvakaitwa namadzibaba enyu pandakavatuma kubva paKadheshi Bharinea kuti vandosora nyika. |
|
| 9 |
|
| Shure kwokukwira kwavo kuMupata weEshikori vakandoona nyika, vakaodza mwoyo yavaIsraeri kuti varege kupinda munyika yavakanga vapiwa naJehovha. |
|
| 10 |
|
| Kutsamwa kwaJehovha kwakamutswa nomusi uyo uye akapika mhiko iyi: |
|
| 11 |
|
| ‘Nokuda kwokuti havana kunditevera nomwoyo wose, hakuna mumwe wavo ane makore makumi maviri kana anodarika akabuda munyika yeIjipiti achaona nyika yandakanga ndavimbisa nemhiko kuna Abhurahama, Isaka naJakobho, |
|
| 12 |
|
| hakuna mumwe wavo kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune muKenizi naJoshua mwanakomana waNuni nokuti vakatevera Jehovha nomwoyo wose.’ |
|
| 13 |
|
| Kutsamwa kwaJehovha kwakapfuta pamusoro pavaIsraeri akavaita kuti vadzungaire murenje kwamakore makumi mana, kusvikira zera rose ravaya vakaita zvakaipa pamberi pake rapera. |
|
| 14 |
|
| “Hezvino muri pano, imi chibereko chavatadzi, mumire panzvimbo yamadzibaba enyu muchiwedzera kutsamwa kwaJehovha kukuru pamusoro pavaIsraeri. |
|
| 15 |
|
| Kana mukatsauka pakumutevera, achasiyazve vanhu ava vose murenje, uye imi ndimi muchauyisa kuparadzwa kwavo.” |
|
| 16 |
|
| Ipapo vakakwira kwaari vakati, “Tinoda kuvaka matanga ezvipfuwo zvedu kuno namaguta avakadzi vedu navana. |
|
| 17 |
|
| Asi takagadzirira kurwa nokuenda mberi navaIsraeri kusvikira tavasvitsa kunzvimbo yavo. Pari zvino vakadzi vedu navana vedu vachagara mumaguta akakomberedzwa, kuti vadzivirirwe pavagari venyika ino. |
|
| 18 |
|
| Hatizodzokeri kumisha yedu kusvikira vaIsraeri vose vagamuchira nhaka yavo. |
|
| 19 |
|
| Hatizogamuchiri nhaka ipi zvayo pamwe chete navo mhiri kweJorodhani, nokuti nhaka yedu tava nayo kumabvazuva kwaJorodhani.” |
|
| 20 |
|
| Ipapo Mozisi akati kwavari, “Kana mukaita izvi, kana mukazvishongedza nhumbi dzokurwa pamberi paJehovha kuti mundorwa, |
|
| 21 |
|
| uye kana imi mose mukaenda makashonga nhumbi dzokurwa mhiri kwaJorodhani pamberi paJehovha kusvikira adzinga vavengi vake pamberi pake, |
|
| 22 |
|
| ipapo kana nyika ichinge yakundwa pamberi paJehovha, mungadzokera henyu uye musununguke pabasa renyu pamberi paJehovha napamberi pavaIsraeri. Uye nyika iyi ichava yenyu pamberi paJehovha. |
|
| 23 |
|
| “Asi kana mukakoniwa kuita izvi, muchange matadzira Jehovha; uye zvirokwazvo chivi chenyu chichakuwanai. |
|
| 24 |
|
| Vakai maguta avakadzi navana venyu, uye matanga amakwai enyu, asi muite zvamakavimbisa.” |
|
| 25 |
|
| VaGadhi navaRubheni vakati kuna Mozisi, “Isu varanda venyu tichaita sezvarayirwa naishe wedu. |
|
| 26 |
|
| Vana vedu navakadzi vedu, makwai edu nemombe dzedu zvichasara kuno mumaguta eGireadhi. |
|
| 27 |
|
| Asi varanda venyu, varume vose vakazvigadzirira kundorwa, vachayambuka kundorwa pamberi paJehovha sezvataurwa naishe wedu.” |
|
| 28 |
|
| Ipapo Mozisi akarayira pamusoro pavo kuna Ereazari muprista nokuna Joshua mwanakomana waNuni nokuvakuru vemhuri dzamarudzi avaIsraeri. |
|
| 29 |
|
| Akati kwavari, “Kana vaGadhi navaRubheni, murume mumwe nomumwe akazvigadzirira kundorwa, vakayambuka Jorodhani nemi pamberi paJehovha, ipapo kana nyika ikakundwa pamberi pako, uvape nyika yeGireadhi ive yavo. |
|
| 30 |
|
| Asi kana vakasayambuka nemi vakashonga zvokurwa, vanofanira kupiwa nhaka yavo pamwe chete nemi muKenani.” |
|
| 31 |
|
| VaGadhi navaRubheni vakapindura vakati, “Varanda venyu vachaita zvarehwa naJehovha. |
|
| 32 |
|
| Tichayambuka mhiri pamberi paJehovha tigopinda muKenani, takashonga nhumbi dzokurwa nadzo, asi nhaka yatichawana ichava kudivi rino reJorodhani.” |
|
| 33 |
|
| Ipapo Mozisi akapa kuvaGadhi, navaRubheni nerudzi rwehafu rwaManase, mwanakomana waJosefa, umambo hwaSihoni mambo wavaAmori noumambo hwaOgi mambo weBhashani, nyika yose namaguta ayo uye nenyika dzose dzakavapoteredza. |
|
| 34 |
|
| VaGadhi vakavaka Dhibhoni, Ataroti, Aroeri, |
|
| 35 |
|
| Ataroti Shafani, Jazeri, Jogubheha, |
|
| 36 |
|
| Bheti Nimura neBheti Harani samaguta akakomberedzwa, uye vakavaka matanga amakwai avo. |
|
| 37 |
|
| Uye vaRubheni vakavakazve Heshibhoni, Ereare Kiriatihaimi, |
|
| 38 |
|
| pamwe chete neNebho neBhaari Meoni (mazita aya akashandurwa) neSibhima. Vakapa mazita kumaguta avakavaka. |
|
| 39 |
|
| Zvizvarwa zvaMakiri mwanakomana waManase vakaenda kuGireadhi, vakaritapa vakadzinga vaAmori vakanga varimo. |
|
| 40 |
|
| Saka Mozisi akapa Gireadhi kuvaMakiri, zvizvarwa zvaManase, ivo vakagara ikoko. |
|
| 41 |
|
| Jairi, chizvarwa chaManase, akakunda misha yaro akaitumidza kuti Havhoti Jairi. |
|
| 42 |
|
| Uye Nobha akakunda Kenati nenzvimbo dzakaripoteredza akaritumidza kuti Nobha zita rake. |
|
|
|
|