Shona Bible 2002
|
| 1 |
| Ndidzo nzendo dzavana vaIsiraeri, pakubuda kwavo panyika yeIjipiti namapoka avo vachitungamirirwa naMosesi naAroni. |
| 2 |
| Mosesi akanyora kusimuka kwavo nenzendo dzavo, arairwa naJehovha; ndidzo nzendo dzavo nokusimuka kwavo. |
| 3 |
| Vakasimuka paRamesesi nomwedzi wokutanga, nezuva regumi namashanu romwedzi wokutanga; mangwanani akatevera Pasika vana vaIsiraeri vakabuda noruoko rune simba pamberi pavaIjipiti vose, |
| 4 |
| vaIjipiti vachiviga matangwe avo ose, akanga aurawa naJehovha pakati pavo; Jehovha akatongawo vamwari vavo. |
| 5 |
| VaIsiraeri vakasimuka paRamesesi, vakandodzika matende avo paSukoti. |
| 6 |
| Vakasimuka paSukoti, vakandodzika paEtami, pamuuyo werenje. |
| 7 |
| Vakasimuka paEtami, vakadzokera Pi‐hahiroti, pamberi peBhaari‐sefoni, vakadzika pamberi peMigidhori. |
| 8 |
| Vakasimuka pamberi peHahiroti, vakapinda nomukati megungwa, vakasvika murenje; vakafamba mazuva matatu murenje reEtami, vakandodzika paMara. |
| 9 |
| Vakasimuka paMara, vakasvika Erimi; paErimi pakanga pana matsime ane gumi namaviri emvura, nemiti yemichindwe ina makumi manomwe; vakadzika matende avo ipapo. |
| 10 |
| Vakasimuka paErimi, vakandodzika paGungwa Dzvuku. |
| 11 |
| Vakasimuka paGungwa Dzvuku, vakandodzika murenje reSini. |
| 12 |
| Vakasimuka murenje reSini, vakandodzika paDhofika. |
| 13 |
| Vakasimuka paDhofika, vakandodzika paArushi. |
| 14 |
| Vakasimuka paArushi, vakandodzika paRefidhimu, pakanga pasina mvura yokunwa yavanhu. |
| 15 |
| Vakasimuka paRefidhimu, vakandodzika murenje reSinai. |
| 16 |
| Vakasimuka murenje reSinai, vakandodzika paKibhuroti‐hatava. |
| 17 |
| Vakasimuka paKibhuroti‐hatava, vakandodzika paHazeroti. |
| 18 |
| Vakasimuka paHazeroti, vakandodzika paRitima. |
| 19 |
| Vakasimuka paRitima, vakandodzika paRimoni‐perezi. |
| 20 |
| Vakasimuka paRimoni‐perezi, vakandodzika paRibhina. |
| 21 |
| Vakasimuka paRibhina, vakandodzika paRisa. |
| 22 |
| Vakasimuka paRisa, vakandodzika paKeherata. |
| 23 |
| Vakasimuka paKeherata, vakandodzika pagomo reSheferi. |
| 24 |
| Vakasimuka pagomo reSheferi, vakandodzika paHaradha. |
| 25 |
| Vakasimuka paHaradha, vakandodzika paMakeroti. |
| 26 |
| Vakasimuka paMakeroti, vakandodzika paTahati. |
| 27 |
| Vakasimuka paTahati, vakandodzika paTera. |
| 28 |
| Vakasimuka paTera, vakandodzika paMitika. |
| 29 |
| Vakasimuka paMitika, vakandodzika paHashimona. |
| 30 |
| Vakasimuka paHashimona, vakandodzika paMoseroti. |
| 31 |
| Vakasimuka paMoseroti, vakandodzika paBhene‐jakani. |
| 32 |
| Vakasimuka paBhene‐jakani, vakandodzika paHori‐hagidhigadi. |
| 33 |
| Vakasimuka paHori‐hagidhigadi, vakandodzika paJotibhata. |
| 34 |
| Vakasimuka paJotibhata, vakandodzika paAbhurona. |
| 35 |
| Vakasimuka paAbhurona, vakandodzika paEzioni‐gebheri. |
| 36 |
| Vakasimuka paEzioni‐gebheri, vakandodzika murenje reZini (ndipo paKadheshi). |
| 37 |
| Vakasimuka paKadheshi, vakandodzika pagomo reHori, pamuuyo wenyika yeEdhomu. |
| 38 |
| Aroni mupristi akakwira pagomo reHori, arairwa naJehovha, akafirapo, negore ramakumi mana rokubuda kwavana vaIsiraeri paIjipiti, nomwedzi wechishanu, nezuva rokutanga romwedzi. |
| 39 |
| Aroni wakanga ana makore ane zana namakumi maviri namatatu pakufa kwake pagomo reHori. |
| 40 |
| Zvino mambo weAradhi, muKenani, wakanga agere kurutivi rweZasi munyika yeKenani, akanzwa kuti vana vaIsiraeri vouya. |
| 41 |
| Vakasimuka pagomo reHori, vakandodzika matende avo paZarimona. |
| 42 |
| Vakasimuka paZarimona, vakandodzika paPunoni. |
| 43 |
| Vakasimuka paPunoni, vakandodzika paObhoti. |
| 44 |
| Vakasimuka paObhoti, vakandodzika paIye‐aBharimi, pamuganhu weMoabhu. |
| 45 |
| Vakasimuka paIyimi, vakandodzika paDhibhoni‐gadhi. |
| 46 |
| Vakasimuka paDhibhoni‐gadhi, vakandodzika paArimoni‐dhibhurataimi. |
| 47 |
| Vakasimuka paArimoni‐dhibhurataimi, vakandodzika paAbharimu, pamberi peNebho. |
| 48 |
| Vakasimuka pamakomo eAbharimu, vakandodzika pamapani eMoabhu, paJorodhani paJeriko. |
| 49 |
| Vakadzika matende avo paJorodhani, kubva paBhetijeshimoti kusvika paAbherishitimu, pamapani eMoabhu. |
| 50 |
| Zvino Jehovha akataura naMosesi pamapani eMoabhu, paJorodhani paJeriko, akati, |
| 51 |
| “Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, ‘Kana mayambuka Jorodhani, mukasvika munyika yeKenani, |
| 52 |
| munofanira kudzinga vanhu vose vagere munyika pamberi penyu, nokuparadza zvifananidzo zvavo zvamabwe, nokuparadza zvifananidzo zvavo zvakaumbwa, nokuputsa nzvimbo dzavo dzakakwirira. |
| 53 |
| Munofanira kutora nyika, ive yenyu, mugaremo; nokuti ndakakupai nyika iyo, ive yenyu. |
| 54 |
| Munofanira kupiwa nhaka yenyika iyo nemijenya, nemhuri dzenyu; vazhinji munofanira kuvapa nhaka zhinji, vashoma munofanira kuvapa nhaka shoma; sezvakagoverwa nemijenya, saizvozvo inofanira kuva nhaka yomunhu; munofanira kugara nhaka namarudzi amadzibaba enyu. |
| 55 |
| Asi kana musingadi kudzinga vanhu vagere munyika pamberi penyu, ipapo ivo kwavari vamunorega vachava sechinhu chinobaya pameso enyu, neseminzwa panhivi dzenyu, vacharwa nemi munyika mamugere. |
| 56 |
| Ipapo ndichakutirai imi sezvandakafunga kuvaitira ivo.’ ” |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona2002/numbers/033.mp3
36
33