|
| 1 |
|
| Ndidzo nzendo dzavana VaIsiraeri, pakubuda kwavo panyika yeIjipiti namapoka avo vachitungamirirwa naMosesi naAroni. |
|
| 2 |
|
| Mosesi akanyora kusimuka kwavo nenzendo dzavo, arairwa naJehovha; ndidzo nzendo dzavo nokusimuka kwavo. |
|
| 3 |
|
| Vakasimuka paRamesesi nomwedzi wokutanga, nezuva regumi namashanu romwedzi wokutanga; mangwanani akatevera Pasika vana VaIsiraeri vakabuda noruoko rune simba pamberi pavaIjipiti vose, |
|
| 4 |
|
| vaIjipiti vachiviga matangwe avo ose, akanga aurayiwa naJehovha pakati pavo; Jehovha akatongawo vamwari vavo. |
|
| 5 |
|
| VaIsiraeri vakasimuka paRamesesi, vakandodzika matende avo paSukoti. |
|
| 6 |
|
| Vakasimuka paSukoti, vakandodzika paEtami, pamuuyo werenje. |
|
| 7 |
|
| Vakasimuka paEtami, vakadzokera Pi–hahiroti, pamberi peBhaari–sefoni, vakadzika pamberi peMigidhori. |
|
| 8 |
|
| Vakasimuka pamberi peHahiroti, vakapinda nomukati megungwa, vakasvika murenje; vakafamba mazuva matatu murenje reEtami, vakandodzika paMara. |
|
| 9 |
|
| Vakasimuka paMara, vakasvika Erimi; paErimi pakanga pana matsime ane gumi namaviri emvura, nemiti yemichindwe ina makumi manomwe; vakadzika matende avo ipapo. |
|
| 10 |
|
| Vakasimuka paErimi, vakandodzika paGungwa Dzvuku. |
|
| 11 |
|
| Vakasimuka paGungwa Dzvuku, vakandodzika murenje reSini. |
|
| 12 |
|
| Vakasimuka murenje reSini, vakandodzika paDhofika. |
|
| 13 |
|
| Vakasimuka paDhofika, vakandodzika paArushi. |
|
| 14 |
|
| Vakasimuka paArushi, vakandodzika paRefidhimu, pakanga pasina mvura yokunwa yavanhu. |
|
| 15 |
|
| Vakasimuka paRefidhimu, vakandodzika murenje reSinai. |
|
| 16 |
|
| Vakasimuka murenje reSinai, vakandodzika paKibhuroti–hatava. |
|
| 17 |
|
| Vakasimuka paKibhuroti–hatava, vakandodzika paHazeroti. |
|
| 18 |
|
| Vakasimuka paHazeroti, vakandodzika paRitima. |
|
| 19 |
|
| Vakasimuka paRitima, vakandodzika paRimoni–perezi. |
|
| 20 |
|
| Vakasimuka paRimoni–perezi, vakandodzika paRibhina. |
|
| 21 |
|
| Vakasimuka paRibhina, vakandodzika paRisa. |
|
| 22 |
|
| Vakasimuka paRisa, vakandodzika paKeherata. |
|
| 23 |
|
| Vakasimuka paKeherata, vakandodzika pagomo reSheferi. |
|
| 24 |
|
| Vakasimuka pagomo reSheferi, vakandodzika paHaradha. |
|
| 25 |
|
| Vakasimuka paHaradha, vakandodzika paMakeroti. |
|
| 26 |
|
| Vakasimuka paMakeroti, vakandodzika paTahati. |
|
| 27 |
|
| Vakasimuka paTahati, vakandodzika paTera. |
|
| 28 |
|
| Vakasimuka paTera, vakandodzika paMitika. |
|
| 29 |
|
| Vakasimuka paMitika, vakandodzika paHashimona. |
|
| 30 |
|
| Vakasimuka paHashimona, vakandodzika paMoseroti. |
|
| 31 |
|
| Vakasimuka paMoseroti, vakandodzika paBhene–jakani. |
|
| 32 |
|
| Vakasimuka paBhene–jakani, vakandodzika paHori–hagidhigadi. |
|
| 33 |
|
| Vakasimuka paHori–hagidhigadi, vakandodzika paJotibhata. |
|
| 34 |
|
| Vakasimuka paJotibhata, vakandodzika paAbhurona. |
|
| 35 |
|
| Vakasimuka paAbhurona, vakandodzika paEzioni–gebheri. |
|
| 36 |
|
| Vakasimuka paEzioni–gebheri, vakandodzika murenje reZini (ndipo paKadheshi). |
|
| 37 |
|
| Vakasimuka paKadheshi, vakandodzika pagomo reHori, pamuuyo wenyika yeEdhomu. |
|
| 38 |
|
| Aroni mupristi akakwira pagomo reHori, arairwa naJehovha, akafirapo, negore ramakumi mana rokubuda kwavana VaIsiraeri paIjipiti, nomwedzi wechishanu, nezuva rokutanga romwedzi. |
|
| 39 |
|
| Aroni wakanga anamakore ane zana namakumi maviri namatatu pakufa kwake pagomo reHori. |
|
| 40 |
|
| Zvino mambo weAradhi, muKenani, wakanga agere kurutivi rweZasi munyika yeKenani, akanzwa kuti vana VaIsiraeri vouya. |
|
| 41 |
|
| Vakasimuka pagomo reHori, vakandodzika matende avo paZarimona. |
|
| 42 |
|
| Vakasimuka paZarimona, vakandodzika paPunoni. |
|
| 43 |
|
| Vakasimuka paPunoni, vakandodzika paObhoti. |
|
| 44 |
|
| Vakasimuka paObhoti, vakandodzika paIye–aBharimi, pamuganhu weMoabhu. |
|
| 45 |
|
| Vakasimuka paIyimi, vakandodzika paDhibhoni–gadhi. |
|
| 46 |
|
| Vakasimuka paDhibhoni–gadhi, vakandodzika paArimoni–dhibhurataimi. |
|
| 47 |
|
| Vakasimuka paArimoni–dhibhurataimi, vakandodzika paAbharimu, pamberi peNebho. |
|
| 48 |
|
| Vakasimuka pamakomo eAbharimu, vakandodzika pamapani eMoabhu, paJodhani paJeriko. |
|
| 49 |
|
| Vakadzika matende avo paJodhani, kubva paBheti–jeshimoti kusvika paAbherishitimu, pamapani eMoabhu. |
|
| 50 |
|
| Zvino Jehovha akataura naMosesi pamapani eMoabhu, paJodhani paJeriko, akati, |
|
| 51 |
|
| “Taura navana VaIsiraeri, uti kwavari, ‘Kana mayambuka Jodhani, mukasvika munyika yeKenani, |
|
| 52 |
|
| munofanira kudzinga vanhu vose vagere munyika pamberi penyu, nokuparadza zvifananidzo zvavo zvamabwe, nokuparadza zvifananidzo zvavo zvakaumbwa, nokuputsa nzvimbo dzavo dzakakwirira. |
|
| 53 |
|
| Munofanira kutora nyika, ive yenyu, mugaremo; nokuti ndakakupai nyika iyo, ive yenyu. |
|
| 54 |
|
| Munofanira kupiwa nhaka yenyika iyo nemijenya, nemhuri dzenyu; vazhinji munofanira kuvapa nhaka zhinji, vashoma munofanira kuvapa nhaka shoma; sezvakagoverwa nemijenya, saizvozvo inofanira kuva nhaka yomunhu; munofanira kugara nhaka namarudzi amadzibaba enyu. |
|
| 55 |
|
| Asi kana musingadi kudzinga vanhu vagere munyika pamberi penyu, ipapo ivo kwavari vamunorega vachava sechinhu chinobaya pameso enyu, neseminzwa panhivi dzenyu, vacharwa nemi munyika mamugere. |
|
| 56 |
|
| Ipapo ndichakutirai imi sezvandakafunga kuvaitira ivo.’ ” |
|
|
|
|