|
| 1 |
|
| Jehovha akati kuna Mozisi, |
|
| 2 |
|
| “Rayira vaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mapinda muKenani, nyika ichagoverwa kwamuri senhaka, ichava nemiganhu iyi: |
|
| 3 |
|
| “ ‘Rutivi rwenyu rwezasi ruchasanganisira chikamu cheGwenga reZini chinotevedzana nomuganhu weEdhomu. Muganhu wenyu wezasi, uchatangira kumagumo eGungwa roMunyu nechokumabvazuva, |
|
| 4 |
|
| uchiyambukira zasi kweAkirabhimu, uchipfuurira nokuZini uye uchienda nezasi kweKadheshi Bharinea. Ipapo uchazoenda nokuHazari Adhari uchindosvika kuAzimoni, |
|
| 5 |
|
| kwaunondopota, wobatana noRukova rweIjipiti uchindogumira paGungwa. |
|
| 6 |
|
| “ ‘Muganhu wenyu wokumavirira uchange uri mahombekombe eGungwa Guru. Ndiwo uchava muganhu wenyu nechokumavirira. |
|
| 7 |
|
| “ ‘Pamuganhu wenyu wokumusoro, munofanira kutara mutaro unobva kuGungwa Guru uchisvika kuGomo reHori |
|
| 8 |
|
| uye kubva paGomo reHori uchisvika kuRebho Hamati. Ipapo muganhu uchaenda kuZedhadhi, |
|
| 9 |
|
| wopfuurira kuZifurani uchindogumira paHazari Enani. Ndiwo uchava muganhu wenyu nechokumusoro. |
|
| 10 |
|
| “ ‘Pamuganhu wenyu wokumabvazuva, munofanira kutara mutaro unobva kuHazari Enani uchisvika kuShefani. |
|
| 11 |
|
| Muganhu uchadzika uchibva nokuShefani uchisvika kuRibhura nechokumabvazuva kweZini ugopfuurira wakatevedza materu ari kumabvazuva kweGungwa reKinereti. |
|
| 12 |
|
| Ipapo muganhu uchadzika uchitevedza Jorodhani uchindoguma paGungwa roMunyu. “ ‘Iyi ndiyo ichava nyika yenyu, nemiganhu yayo kumativi ose.’ ” |
|
| 13 |
|
| Mozisi akarayira vaIsraeri akati, “Goverai nyika iyi nomujenya wenhaka yenyu. Jehovha akarayira kuti ipiwe kumarudzi mapfumbamwe nehafu, |
|
| 14 |
|
| nokuti mhuri dzorudzi rwaRubheni, norudzi rwaGadhi uye rwehafu rwaManase vakagamuchira nhaka yavo. |
|
| 15 |
|
| Marudzi maviri aya nehafu vakagamuchira nhaka yavo kumabvazuva kweJorodhani reJeriko, kwakatarisana nokumabudazuva.” |
|
| 16 |
|
| Jehovha akati kuna Mozisi, |
|
| 17 |
|
| “Aya ndiwo mazita avarume vanofanira kukugoverai nyika senhaka yenyu: Ereazari muprista naJoshua mwanakomana waNuni. |
|
| 18 |
|
| Uye ugadze mutungamiri mumwe chete kubva kurudzi rumwe norumwe kuti vabatsire pakugova nyika. |
|
| 19 |
|
| Aya ndiwo mazita avo: Karebhu mwanakomana waJefune, kubva kurudzi rwaJudha; |
|
| 20 |
|
| Kubva kurudzi rwaSimeoni, Shemueri mwanakomana waAmihudhi; |
|
| 21 |
|
| Kubva kurudzi rwaBhenjamini, Eridhadhi mwanakomana waKisironi; |
|
| 22 |
|
| Kubva kurudzi rwaDhani mutungamiri Bhuki mwanakomana waJogiri; |
|
| 23 |
|
| Mutungamiri kubva kurudzi rwaManase mwanakomana waJosefa, Hanieri mwanakomana waEfodhi; |
|
| 24 |
|
| Mutungamiri kubva kurudzi rwaEfuremu mwanakomana waJosefa, Kemueri mwanakomana waShifutani; |
|
| 25 |
|
| Mutungamiri kubva kurudzi rwaZebhuruni, Erizafani mwanakomana waParanaki; |
|
| 26 |
|
| Mutungamiri kubva kurudzi rwaIsakari, Paritieri mwanakomana waAzani; |
|
| 27 |
|
| Mutungamiri kubva kurudzi rwaAsheri, Ahihudhi mwanakomana waSheromi; |
|
| 28 |
|
| Mutungamiri kubva kurudzi rwaNafutari, Pedhaheri mwanakomana waAmihudhi.” |
|
| 29 |
|
| Ava ndivo varume vakarayirwa naJehovha kuti vagovere nhaka kuvaIsraeri munyika yeKenani. |
|
|
|
|