|
| 1 |
|
| Tenzi akataurira Mosesi achiti, |
|
| 2 |
|
| “Udza vaIsiraeri kuti, kana masvika kunyika yeKanani, nyika ichava yenhaka yenyu, nyika yeKanani nemiganho yayo ndeiyi inoti: |
|
| 3 |
|
| rutivi rwenyika iyoyo rwokuchamhembe ruchatangira kurenje reZini, ruchitevedza nokurutivi rweEdhomu. Muganho wayo wokumaodzanyemba uchatangisira kunoperera gungwa Romunyu nechokumabvazuva. |
|
| 4 |
|
| Muganho wayo uchapota napamukwidza weAkirabhimu uchipfuura nokurenje reZini, uchizondosvika kumaodzanyemba kweKadheshibharinea wozoenda kuHazariadhari, uchizondosvika kuAzimoni. |
|
| 5 |
|
| Muganho wacho uchabva kuAzimoni wopota nokukakova kanonzi KakovakeIjipiti wozondogumira kugungwa. |
|
| 6 |
|
| “Muganho wavo wokumadokero uchava gungwa Dzvuku nemahombekombe aro. Iwoyu ndiwo muganhu wenyu wokumadokero. |
|
| 7 |
|
| “Muganho wenyu wokuchamhembe ndouyu, muchautara uchibva kugungwa guru uchienda kugomo reHoru, |
|
| 8 |
|
| wozobva kugomo reHoru, woita sewava kupinda muguta reHamati. Muganho iwoyu unozosvika kuZedhadhi. |
|
| 9 |
|
| Wozobvapo woenda kuZifuroni, wondoperera wava Hazarenani. Iwoyu ndiwo uchava muganho wavo wokuchamhembe. |
|
| 10 |
|
| “Muchatara muganho wenyu wokumabvazuva kubva paHazarenani kusvika kuShefamu. |
|
| 11 |
|
| Wozodzika uchibva Shefamu wosvika kuRibhura nechokumabvazuva kweAini. Wodzikazve kundosvika kumateru egungwa reKinereti kuri kumabvazuva. |
|
| 12 |
|
| Wozodzika kuna Jorodhani uchindoperera kuGungwa roMunyu. Iyoyi ndiyo nyika yenyu nemiganhu yayo inoipoteredza.” |
|
| 13 |
|
| Mosesi akaudza vaIsiraeri kuti, “Iyoyi ndiyo nyika yenhaka yenyu yamuchagovana nechin'ange sekutemwa kwayakaitwa naTenzi, ichipiwa madzinza mapfumbamwe nechikamu chapakati napakati cherimwe dzinza |
|
| 14 |
|
| nokuti vedzinza rokwaRubheni nemhuri dzavo, nevedzinza rokwaGadhi nemhuri dzavo pamwechete nechikamu chapakati napakati chevedzinza rokwaManase vanenge vatowana kare nhaka yavo. |
|
| 15 |
|
| Vamadzinza iwaya maviri, nechikamu chepakati nepakati cherimwe dzinza vanenge vatowana kare nhaka yavo kumhiri kwaJorodhani kwakatarisana neJeriko kunobuda nezuva kumabvazuva.” |
|
| 16 |
|
| Tenzi akataurira Mosesi achiti, |
|
| 17 |
|
| “Aya ndiwo mazita avanhu vachakugovanisai nyika yenyu kunoti: Mupristi Ereazari naJoshuwa mwanakomana waNuni. |
|
| 18 |
|
| Munofanira kusarudza mutungamiriri mumwechete padzinza roga roga wokugova nyika. |
|
| 19 |
|
| Aya ndiwo mazita avarume vacho: “Wedzinza rokwaJudha ndiKarebhu mwanakomana waJefune. |
|
| 20 |
|
| Wedzinza rokwaSimeoni ndiShemueri mwanakomana waAmihudhi. |
|
| 21 |
|
| Wedzinza rokwaBhenjamini ndiEridhadhi mwanakomana waKisironi. |
|
| 22 |
|
| Wedzinza rokwaDhani ndiBhuki mwanakomana waJongiri. |
|
| 23 |
|
| VokwaJosefi, wedzinza rokwaManase ndiHanieri mwanakomana waEfodhi. |
|
| 24 |
|
| Wedzinza rokwaEfuremu ndiKemueri mwanakomana waShifutani. |
|
| 25 |
|
| Wedzinza rokwaZebhuruni ndiErizafani mwanakomana waParinaki. |
|
| 26 |
|
| Wedzinza rokwaIsakari ndiParitieri mwanakomana waAzani. |
|
| 27 |
|
| Wedzinza rokwaAsheri ndiAhihudhi mwanakomana waSheromi. |
|
| 28 |
|
| Wedzinza rokwaNafutari ndiPedhaheri mwanakomana waAmihudhi.” |
|
| 29 |
|
| Ava ndivo varume vakapiwa naTenzi basa rokugovanisa vaIsiraeri nyika yeKanani. |
|
|
|
|