|
| 1 |
|
| Vakuru vakuru vomumhuri dzaGireadhi mwanakomana waMakiri, wedzinza rokwaManase, wemhuri dzokwaJosefi vakataura pana Mosesi navatungamiriri vamadzinza avaIsiraeri |
|
| 2 |
|
| vachiti, “Changamire, Tenzi akuudzai kuti mugovere vaIsiraeri nyika dzenhaka yavo nechin'ange. Makaudzwawo naTenzi kuti mupe nhaka yehama yedu Zerofehadhi kuvanasikana vake. |
|
| 3 |
|
| Zvino kana vakazoroorwa navakomana vamamwe madzinza avaIsiraeri, nhaka yavo ichazotorwa panhaka yamadzibaba edu yoendeswa kudzinza ravanenge vaenda. Ipapo tichatorerwa nhaka yamadzibaba edu yatakagoverwa. |
|
| 4 |
|
| Naizvozvo panozosvika gore ravaIsiraeri reHwamanda nhaka yavanenge vapiwa ichawedzerwa kunhaka yedzinza kwavanezenge varoorwa. Saka nhaka yavo ichabviswa munhaka yedzinza ramadzibaba edu.” |
|
| 5 |
|
| Mosesi akapa vaIsiraeri murao waTenzi achiti, “Zviri kutaurwa nevedzinza revana vaJosefi ndizvo chaizvo. |
|
| 6 |
|
| Zvataurwa naTenzi panyaya yavanasikana vaZerofehadhi ndezvizvi: zvokuti ngavaroorwe zvavo navarume vavanoda, asi vanovaroora ngavave vomudzinza rababa vavo. |
|
| 7 |
|
| Naizvozvo nhaka yavaIsiraeri ngairege kuzobva kune rimwe dzinza ichienda kune rimwe nokuti mumwe nomumwe wavaIsiraeri anofanira kuramba akati kwati nenhaka yamadzibaba ake. |
|
| 8 |
|
| Mwanasikana wose ane nhaka mudzinza ripi neripi ravaIsiraeri ngaaroorwe nomurume wemhuri yomudzinza rababa vake kuitira kuti muIsiraeri wose agare ari munhaka yamadzibaba ake. |
|
| 9 |
|
| Saka hakuna nhaka inozobva kune rimwe dzinza ichienda kune rimwe, nokuti dzinza rimwe nerimwe ravaIsiraeri richaramba rakati kwati nenhaka yaro pacharo.” |
|
| 10 |
|
| Vanasikana vaZerofehadhi vakaita zvakaudzwa Mosesi naTenzi. |
|
| 11 |
|
| Vanasikana vaZerofehadhi ava vaiti Mahara naTiriza naHogira naMirika naNowa vakaroorwa nehanzvadzi dzavo dzokumadzibabamukuru namadzibabamudiki avo. |
|
| 12 |
|
| Vakaroorwa kumhuri dzedzinza raManase mwanakomana waJosefi, nhaka yavo ikaramba ichingova mudzinza remhuri yababa wavo. |
|
| 13 |
|
| Iyi ndiyo mitemo nemirao yakatemerwa vaIsiraeri naTenzi ichipiwa nokuna Mosesi vari mumapani eMoabhu pana Jorodhani pakatarisana neJeriko. |
|
|
|
|