|
| 1 |
|
| Zvino vakuru vedzimba dzamadzibaba vemhuri yavana vaGireadhi, mwanakomana waManase, vemhuri dzavana vaJosefa, vakaswedera, vakataura pamberi paMosesi, napamberi pamachinda, vaiva vakuru vedzimba dzamadzibaba avana VaIsiraeri, |
|
| 2 |
|
| vakati, “Jehovha akaraira tenzi wangu, kuti agovere nyika nemijenya pakati pavana VaIsiraeri, ive nhaka yavo; uyezve, tenzi wangu wakarairwa naJehovha kupa vanasikana vaZerofehadhi, mun'una wedu, nhaka yake. |
|
| 3 |
|
| Zvino kana ivo vakawanikwa nomumwe wavanakomana vamarudzi mamwe avana VaIsiraeri, nhaka yavo ichafanira kubviswa panhaka yamadzibaba edu, ikawedzerwa panhaka yorudzi kwavanozondogara; saizvozvo ichabviswa panhaka yatakapiwa nemijenya. |
|
| 4 |
|
| Zvino kana gore reJubheri ravana VaIsiraeri richisvika, nhaka yavo ichawedzerwa panhaka yorudzi kwavagere; naizvozvo nhaka yavo ichabviswa panhaka yorudzi rwamadzibaba edu.” |
|
| 5 |
|
| Zvino Mosesi akaraira vana VaIsiraeri sezvakataura Jehovha, akati, “Rudzi rwavana vaJosefa runotaura kwazvo. |
|
| 6 |
|
| Ndiro shoko rakarairwa naJehovha pamusoro pavanasikana vaZerofehadhi: Ngavawanikwe navavanoda; asi ngavawanikwe naveimba yorudzi rwababa vavo. |
|
| 7 |
|
| Naizvozvo hapana nhaka yavana VaIsiraeri ingabva kuno rumwe rudzi ikaenda kuno rumwe; nokuti vana VaIsiraeri vanofanira, mumwe nomumwe, kunamatira nhaka yorudzi rwamadzibaba avo. |
|
| 8 |
|
| Mwanasikana mumwe nomumwe ane nhaka parudzi rupi norupi rwavana VaIsiraeri, ngaawanikwe nomumwe weimba yorudzi rwababa vake, kuti vana VaIsiraeri, mumwe nomumwe, vagare nhaka yamadzibaba avo. |
|
| 9 |
|
| Naizvozvo hapana nhaka ingazobva kuno rumwe rudzi, ikaenda kuno rumwe rudzi, nokuti marudzi avana VaIsiraeri achanamatira, rumwe norumwe, nhaka yarwo.” |
|
| 10 |
|
| Vanasikana vaZerofehadhi vakaita sezvakarairwa Mosesi naJehovha. |
|
| 11 |
|
| Nokuti Mara, naTiriza, naHogira, naMirika, naNowa, ivo vanasikana vaZerofehadhi, vakawanikwa navanakomana vavanun'una vababa vavo. |
|
| 12 |
|
| Vakawanikwa padzimba dzavana vaManase, mwanakomana waJosefa, nhaka ikagara parudzi rweimba yababa vavo. |
|
| 13 |
|
| Ndiyo mirairo nemitemo, yakarairwa vana VaIsiraeri naJehovha nomuromo waMosesi pamapani eMoabhu paJodhani paJeriko. |
|
|
|
|