Baiberi Magwaro 1949
|
| 1 |
| Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: |
| 2 |
| Raira ʋana ʋaIsraeri kuti ʋaɓuɗise pakati pemisasa ʋose ʋanamaperembudzi, naʋose ʋanehosha yokuyerera, naʋose ʋakaȿiɓiswa naʋakafa. |
| 3 |
| Munofanira kuɓuɗisa ʋose, ʋarume naʋakadzi; muʋaɓuɗise kunze kwemisasa, kuti ʋarege kuȿiɓisa misasa yaʋo, yandigere pakati payo. |
| 4 |
| Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita saiɀoɀo; ʋakaʋaɓuɗisa kunze kwemisasa; seɀakataura Jehova naMosesi, ndiɀo ɀakaita ʋana ʋaIsraeri. |
| 5 |
| Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati: |
| 6 |
| Taura naʋana ʋaIsraeri, uti: Kana murume kana mukadzi aciŋge atadza nokutadza kwaʋanhu, akatadzira Jehova, munhu uyu akaʋa nemhoȿa; |
| 7 |
| ipapo unofanira kureʋurura ɀiʋi ɀake ɀaakaita, ndokuripira mhoȿa yake yose, aciwedzera ceshanu cayo, ndokupa iye waakatadzira. |
| 8 |
| Kana munhu uyo asinehama, iŋgaripirwa pamsoro pemhoȿa iyo, muripo wemhoȿa, unoripirwa Jehova, unofanira kuʋa womuprista; kunze kwegondobge rokuyananisira, raanofanira kuyananisirwa naro. |
| 9 |
| Neɀipiriso ɀinotsaurwa paɀinhu ɀitȿene ɀose ɀaʋana ʋaIsraeri, ɀaʋanoʋuya naɀo kumuprista, ɀinofanira kuʋa ɀake. |
| 10 |
| Ɀinhu ɀakatsaurwa ɀomunhu mumŋe nomumŋe ɀinofanira kuʋa ɀake; cinhu cipi necipi cinopiwa muprista nomunhu cinofanira kuʋa cake. |
| 11 |
| Jehova akataura naMosesi, akati: |
| 12 |
| Taura naʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Kana mukadzi womurume upi noupi akacinya, akamutadzira, |
| 13 |
| mumŋe murume akaʋata naye, ɀikaʋanzwa kumurume wake, ɀikasazikanwa, iye akaȿiɓiswa, asi ʋakashaiwa capupu, naiye asina‐kuɓatwa aciita iɀoɀo: |
| 14 |
| murume wake akaɓatwa nomŋeya weshuŋgu, akaʋa neshuŋgu nomukadzi wake, wakaȿiɓiswa; kana ɀimŋe akaɓatwa nomŋeya weshuŋgu, akaʋa neshuŋgu nomukadzi wake, usina‐kuȿiɓiswa; |
| 15 |
| ipapo murume unofanira kuʋuya nomukadzi wake kumuprista, aciʋuya ʋo necipo cake pamsoro pake, cinoti, cegumi coʋupfu bgebari; haafaniri kuɗira mafuta pamsoro pabgo, kana kuisa ɀinonhuwira pamsoro pabgo; nokuti ico cipiriso coʋupfu ceshuŋgu, cipiriso coʋupfu cokuraŋgaridza, cinoraŋgaridza ɀakaipa. |
| 16 |
| Ɀino muprista unofanira kumusweɗedza, ndokumuisa pamberi paJehova. |
| 17 |
| Ipapo muprista unofanira kutora mvura tȿene mumudziyo wevu, muprista agotora ʋo guruʋa riri pasi mutabernakeri, ndokuriisa mumvura. |
| 18 |
| Ɀino muprista unofanira kuisa mukadzi pamberi paJehova, ndokusunuŋgura vudzi romusoro womukadzi, ndokuisa cipiriso cokuraŋgaridza mumaʋoko ake, ico cipiriso coʋupfu ceshuŋgu; muprista ndokuɓata muruʋoko rwake mvura inoʋaʋisa, inoʋuyisa kutuka. |
| 19 |
| Ipapo muprista unofanira kumupikisa, aciti kumukadzi: Kana kusinomurume wakaʋata newe, kana usina‐kutsaukira kuneɀakaipa, uri pasi pomurume wako, usunuŋgurwe hako pamvura iyi inoʋaʋisa, inoʋuyisa kutuka; |
| 20 |
| asi kana wakatsauka, uri pasi pomurume wako, ukaȿiɓiswa, mumŋe murume asati ari murume wako aciŋge aʋata newe, |
| 21 |
| ɀino muprista unofanira kupikisa mukadzi mhiko inoʋuyisa kutuka, muprista ndokuti kumukadzi: Jehova ŋgaakuite cipiko cemhiko pakati porudzi rwako, kana Jehova aciwondisa hudyu yako nokuɀimbisa ɗumbu rako; |
| 22 |
| mvura iyi inoʋuyisa kutuka icapinda muʋura bgako, ndokuɀimbisa ɗumbu rako, nokuwondisa hudyu yako; ɀino mukadzi unofanira kuti: Ameni, ameni. |
| 23 |
| Ipapo muprista unofanira kunyora kutuka uku parugwaro, ndokukusuka nemvura inoʋaʋisa. |
| 24 |
| Ɀino unofanira kunwisa mukadzi mvura inoʋaʋisa, inoʋuyisa kutuka; mvura inoʋuyisa kutuka inofanira kupinda mukati make, imuʋaʋise. |
| 25 |
| Ɀino muprista unofanira kutora cipiriso coʋupfu ceshuŋgu paruʋoko rwomukadzi, ndokuzuŋguzira cipiriso coʋupfu pamberi paJehova, ndokuʋuya naco kuartari; |
| 26 |
| muprista ndokutora tsama imŋe yecipiriso coʋupfu, kuti ciʋe cokuraŋgaridza caco, ndokubgupisa paartari, ndokunwisa mukadzi mvura iyo pashure. |
| 27 |
| Ɀino kana amunwisa mvura iyo, kana aciŋge aȿiɓiswa, atadzira murume wake, mvura iyo inoʋuyisa kutuka icapinda maari, ikamuʋaʋisa, ɗumbu rake ricaɀimba, nehudyu yake icawonda; mukadzi uyu ucaʋa cituko pakati porudzi rwake. |
| 28 |
| Asi kana mukadzi uyo asina‐kuȿiɓiswa, akanaka hake, ucasunuŋgurwa hake, akaʋa nemimba ɀe. |
| 29 |
| Ndiwo murairo weshuŋgu, kana mukadzi ari pasi pomurume wake, akacinya, akaȿiɓiswa; |
| 30 |
| kana ɀimŋe murume aciŋge aɓatwa nomŋeya weshuŋgu, aneshuŋgu nomukadzi wake; ipapo unofanira kuisa mukadzi pamberi paJehova, muprista agomuitira nomurairo uyu wose. |
| 31 |
| Murume haaŋgaʋi nemhoȿa, asi mukadzi unofanira kuʋa nemhoȿa yake. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona1949/numbers/005.mp3
36
5