Shona Bible 2002
|
| 1 |
| Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati, |
| 2 |
| “Raira vaIsiraeri kuti vabudise pakati pemisasa vose vana maperembudzi, navose vane hosha yokuyerera, navose vakasvibiswa navakafa. |
| 3 |
| Munofanira kubudisa vose, varume navakadzi; muvabudise kunze kwemisasa, kuti varege kusvibisa misasa yavo, yandigere pakati payo.” |
| 4 |
| Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; vakavabudisa kunze kwemisasa; sezvakataura Jehovha naMosesi, ndizvo zvakaita vana vaIsiraeri. |
| 5 |
| Zvino Jehovha akataura naMosesi akati, |
| 6 |
| “Taura navana vaIsiraeri, uti, ‘Kana murume kana mukadzi achinge atadza nokutadza kwavanhu, akatadzira Jehovha, munhu uyu akava nemhosva; |
| 7 |
| Ipapo anofanira kureurura zvivi zvake zvaakaita, ndokuripira mhosva yake yose, achiwedzera cheshanu chayo, ndokupa iye waakatadzira. |
| 8 |
| Kana munhu uyo asina hama, ingaripirwa pamusoro pemhosva iyo, muripo wemhosva, unoripirwa Jehovha, unofanira kuva womupristi; kunze kwegondohwe rokuyananisira, raanofanira kuyananisirwa naro.’ |
| 9 |
| Nezvipiriso zvinotsaurwa pazvinhu zvitsvene zvose zvavana vaIsiraeri, zvavanouya nazvo kumupristi, zvinofanira kuva zvake. |
| 10 |
| Zvinhu zvakatsaurwa zvomunhu mumwe nomumwe zvinofanira kuva zvake; chinhu chipi nechipi chinopiwa mupristi nomunhu chinofanira kuva chake.” |
| 11 |
| Jehovha akataura naMosesi akati, |
| 12 |
| “Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, ‘Kana mukadzi womurume upi noupi akachinya, akamutadzira, |
| 13 |
| mumwe murume akavata naye, zvikavanzwa kumurume wake, zvikasazikanwa, iye akasvibiswa, asi vakashaiwa chapupu, naiye asina kubatwa achiita izvozvo;’ |
| 14 |
| murume wake akabatwa nomweya weshungu, akava neshungu nomukadzi wake, wakasvibiswa; kana zvimwe akabatwa nomweya weshungu, akava neshungu nomukadzi wake, usina kusvibiswa; |
| 15 |
| ipapo murume anofanira kuuya nomukadzi wake kumupristi, achiuyawo nechipo chake pamusoro pake, chinoti, chegumi choupfu hwebhari; haafaniri kudira mafuta pamusoro pahwo, kana kuisa zvinonhuwira pamusoro pahwo; nokuti icho chipiriso choupfu cheshungu, chipiriso choupfu chokurangaridza, chinorangaridza zvakaipa. |
| 16 |
| Zvino mupristi anofanira kumuswededza, ndokumuisa pamberi paJehovha. |
| 17 |
| Ipapo mupristi anofanira kutora mvura tsvene mumudziyo wevhu, mupristi agotorawo guruva riri pasi mutabhenakeri, ndokuriisa mumvura. |
| 18 |
| Zvino mupristi anofanira kuisa mukadzi pamberi paJehovha, ndokusunungura vhudzi romusoro womukadzi, ndokuisa chipiriso chokurangaridza mumaoko ake, icho chipiriso choupfu cheshungu; mupristi ndokubata muruoko rwake mvura inovavisa, inouyisa kutuka. |
| 19 |
| Ipapo mupristi anofanira kumupikisa, achiti kumukadzi, ‘Kana kusina murume akavata newe, kana usina kutsaukira kune zvakaipa, uri pasi pomurume wako, usunungurwe hako pamvura iyi inovavisa, inouyisa kutuka; |
| 20 |
| asi kana wakatsauka, uri pasi pomurume wako, ukasvibiswa, mumwe murume asati ari murume wako achinge akavata newe,’ |
| 21 |
| zvino mupristi anofanira kupikisa mukadzi mhiko inouyisa kutuka, mupristi ndokuti kumukadzi, ‘Jehovha ngaakuite chipiko chemhiko pakati porudzi rwako, kana Jehovha achiwondisa hudyu yako nokuzvimbisa dumbu rako; |
| 22 |
| mvura iyi inouyisa kutuka ichapinda muura hwako, ndokuzvimbisa dumbu rako, nokuwondisa hudyu yako;’ zvino mukadzi anofanira kuti, ‘Ameni, ameni.’ |
| 23 |
| Ipapo mupristi anofanira kunyora kutuka uku parugwaro, ndokukusuka nemvura inovavisa. |
| 24 |
| Zvino anofanira kunwisa mukadzi mvura inovavisa, inouyisa kutuka inofanira kupinda mukati make, imuvavise. |
| 25 |
| Zvino mupristi anofanira kutora chipiriso choupfu cheshungu paruoko rwomukadzi, ndokuzunguzira chipiriso choupfu pamberi paJehovha, ndokuuya nacho kuatari; |
| 26 |
| mupristi ndokutora tsama imwe yechipiriso choupfu, kuti chive chokurangaridza chacho, ndokuhupisa paatari, ndokunwisa mukadzi mvura iyo pashure. |
| 27 |
| Zvino kana amunwisa mvura iyo, kana achinge asvibiswa, atadzira murume wake, mvura iyo inouyisa kutuka ichapinda maari, ikamuvavisa, dumbu rake richazvimba, nehudyu yake ichawonda; mukadzi uyu achava chituko pakati porudzi rwake. |
| 28 |
| Asi kana mukadzi uyo asina kusvibiswa, akanaka hake, achasunungurwa hake, akava nemimbazve. |
| 29 |
| Ndiwo murayiro weshungu, kana mukadzi ari pasi pomurume wake, akachinya, akasvibiswa; |
| 30 |
| kana zvimwe murume achinge abatwa nomweya weshungu, ane shungu nomukadzi wake; ipapo anofanira kuisa mukadzi pamberi paJehovha, mupristi agomuitira nomurayiro uyu wose. |
| 31 |
| Murume haangavi nemhosva, asi mukadzi anofanira kuva nemhosva yake.” |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona2002/numbers/005.mp3
36
5