|
| 1 |
|
| Jehovha akati kuna Mozisi, |
|
| 2 |
|
| “Taura naAroni uti kwaari, ‘Kana uchimisa mwenje minonwe, inofanira kuvhenekera nzvimbo iri mberi kwechigadziko chomwenje.’ ” |
|
| 3 |
|
| Aroni akaita saizvozvo; akamisa mwenje kuti atarisane nechigadziko chomwenje, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. |
|
| 4 |
|
| Aya ndiwo magadzirirwo akanga akaitwa chigadziko chomwenje: Chakanga chakaitwa negoridhe rakapambadzirwa kubva pahwaro hwacho kusvikira pamaruva acho. Chigadziko chomwenje chakanga chakagadzirwa zvakanyatsofanana nomufananidzo wakanga waratidzwa Mozisi naJehovha. |
|
| 5 |
|
| Jehovha akati kuna Mozisi: |
|
| 6 |
|
| “Bvisa vaRevhi pakati pavamwe vaIsraeri ugovanatsa. |
|
| 7 |
|
| Pakuvanatsa, unofanira kuita izvi: Sasa pamusoro pavo mvura yokuvachenesa; ipapo ugoita kuti vaveure miviri yavo yose vagosuka nguo dzavo, kuitira kuti vazvinatse. |
|
| 8 |
|
| Uite kuti vatore hando duku nechipiriso chayo chezviyo choupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta, ipapo munofanira kutorazve imwe hando duku yechipiriso chechivi. |
|
| 9 |
|
| Uuye navaRevhi mberi kweTende Rokusangana ugounganidza ungano yose yavaIsraeri. |
|
| 10 |
|
| Unofanira kuuya navaRevhi pamberi paJehovha, uye vaIsraeri vanofanira kuisa maoko avo pamusoro pavo. |
|
| 11 |
|
| Aroni anofanira kuisa vaRevhi pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira chinobva kuvaIsraeri, kuitira kuti vagadzirire kuita basa raJehovha. |
|
| 12 |
|
| “Mushure mokunge vaRevhi vaisa maoko avo pamisoro yehando, ushandise imwe yacho sechipiriso chechivi kuna Jehovha uye imwe yacho sechipiriso chinopiswa, kuti uyananisire vaRevhi. |
|
| 13 |
|
| Uite kuti vaRevhi vamire pamberi paAroni navanakomana vake ipapo ugovakumikidza sechipiriso chokuninira kuna Jehovha. |
|
| 14 |
|
| Nenzira iyi unofanira kutsaura vaRevhi pakati pavamwe vaIsraeri, uye vaRevhi vachava vangu. |
|
| 15 |
|
| “Mushure mokunge wanatsa vaRevhi nokuvakumikidza sechipiriso chokuninira, vanofanira kuuya kuzoita basa ravo paTende Rokusangana. |
|
| 16 |
|
| Ivo ndivo vaIsraeri vachapiwa zvachose kwandiri. Ndakavatora kuti vave vangu pachinzvimbo chamatangwe, vanakomana vokutanga vomukadzi mumwe nomumwe womuIsraeri. |
|
| 17 |
|
| Chibereko chose chokutanga chechikono muIsraeri, angava munhu kana chipfuwo, ndechangu. Pandakauraya matangwe ose muIjipiti, ndakazvitsaurira ivo kwandiri. |
|
| 18 |
|
| Uye ndakatora vaRevhi panzvimbo yavanakomana veIsraeri vamatangwe. |
|
| 19 |
|
| PavaIsraeri vose, ndakapa vaRevhi sezvipo kuna Aroni navanakomana vake kuti vaite basa paTende Rokusangana vakamirira vaIsraeri uye kuti vayananisire vaIsraeri kuti varege kuurayiwa nedenda pavanenge vaswedera kunzvimbo tsvene.” |
|
| 20 |
|
| Mozisi, Aroni neungano yose yeIsraeri vakaitira vaRevhi sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. |
|
| 21 |
|
| VaRevhi vakazvinatsa vakasuka nguo dzavo. Ipapo Aroni akavaisa pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira akavayananisa kuti vanatswe. |
|
| 22 |
|
| Shure kwaizvozvo, vaRevhi vakauya kuzoshanda basa ravo paTende Rokusangana vachitungamirirwa naAroni navanakomana vake. Vakaitira vaRevhi sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. |
|
| 23 |
|
| Jehovha akati kuna Mozisi, |
|
| 24 |
|
| “Izvi ndizvo zvichaitwa navaRevhi: Vamwe vana makore makumi maviri namashanu kana anopfuura vachauya kuzoshanda basa paTende Rokusangana, |
|
| 25 |
|
| asi kana vasvika makore makumi mashanu, vanofanira kuregedza basa ravo uye varege kuzoshandazve. |
|
| 26 |
|
| Vangabatsira havo hama dzavo kuita mabasa apaTende Rokusangana, asi ivo pachavo havafaniri kushanda basa. Zvino, izvi ndizvo zvaunofanira kurayira vaRevhi kuti vaite.” |
|
|
|
|