Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Akadana vadzidzi vake gumi navaviri akavapa simba rokudzinga mweya yakaipa nokuporesa marudzi ose ezvirwere namarudzi ose ehosha. |
| 2 |
| Zvino aya ndiwo mazita avapostori gumi navaviri: wokutanga ndiSimoni ainzi (Petro) nomunun'una wake Andirea; Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomunun'una wake Johani; |
| 3 |
| Firipi naBhatoromeo; Tomasi naMateo muteresi; Jakhobo mwanakomana waArifeo naTadheo; |
| 4 |
| Simoni muZiroti naJudhasi Iskarioti uyo akazomupandukira. |
| 5 |
| Ava gumi navaviri Jesu akavatuma, akavarayira achiti, “Musaenda munzira yavaHedheni kana kupinda muguta ripi zvaro ravaSamaria. |
| 6 |
| Asi endai kumakwai akarasika eimba yaIsraeri. |
| 7 |
| Pamunoenda, muparidze muchiti, ‘Umambo hwokudenga hwaswedera.’ |
| 8 |
| Poresai vanorwara, mutsai vakafa, natsai vaya vana maperembudzi, dzingai madhimoni. Makangogamuchira, chingopai henyu. |
| 9 |
| Musatakura goridhe, kana sirivha kana ndarira, muzvikwama zvenyu; |
| 10 |
| musatakura hombodo yorwendo kana dzimwe nguo, shangu kana tsvimbo nokuti mushandi anofanira kurarama nomubayiro webasa rake. |
| 11 |
| “Muguta ripi neripi nomusha upi noupi wamunenge mapinda, tsvakai munhu akakodzera uye mugogara mumba make kusvikira mabvamo. |
| 12 |
| Pamunopinda mumusha, kwazisai vanenge varimo. |
| 13 |
| Kana musha uyu wakakodzera, rugare rwenyu ngaruuye pauri asi kana usina kukodzera, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri. |
| 14 |
| Kana ani naani zvake akasakugamuchirai, kana kuteerera mashoko enyu, gumai guruva retsoka dzenyu pamunenge mobva pamusha ipapo kana muguta imomo. |
| 15 |
| Ndinokuudzai chokwadi kuti zvichava nani kuSodhomu neGomora pazuva rokutongwa pane zvichaitwa kuguta iroro. |
| 16 |
| Ndiri kukutumai samakwai pakati pamapere. Naizvozvo ivai vakachenjera senyoka uye mugova vasina mhosva senjiva. |
| 17 |
| Chenjerai kuti vanhu vachakuisai kumatare uye vagokurovai mumasinagoge avo. |
| 18 |
| “Nokuda kwangu, vachakuendesai pamberi pavabati namadzishe kuti muve zvapupu zvangu kwavari nokuvaHedheni. |
| 19 |
| Asi kana vakusungai, musafunganya pamusoro pokuti muchataurei kana kuti muchataura sei. Panguva iyoyo muchapiwa zvokutaura, |
| 20 |
| nokuti munenge musiri imi munotaura, asi Mweya waBaba venyu uchataura nomamuri. |
| 21 |
| “Mukoma achaurayisa munun'una wake, nababa mwana wavo zvimwe chetezvo, vana vachapandukira vabereki vavo uye vachavaurayisa. |
| 22 |
| Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu, asi uyo achatsungirira kusvikira kumagumo achaponeswa. |
| 23 |
| Kana mukatambudzwa mune rimwe guta, tizirai kune rimwe. Ndinokuudzai chokwadi kuti hamungapoteredzi maguta ose omuIsraeri Mwanakomana woMunhu asati adzoka. |
| 24 |
| “Mudzidzi haasi mukuru kumudzidzisi wake, kana muranda kuna ishe wake. |
| 25 |
| Zvakakwana kuti mudzidzi ave somudzidzisi wake nomurandawo sashe wake. Zvino kana mukuru weimba akanzi ndiBheerizebhubhi, vachadaro zvikuru sei kune veimba yake! |
| 26 |
| “Naizvozvo musavatya. Hapana chakavanzika chisingazobudiswi pachena kana chakavigwa chisingazozivikanwi. |
| 27 |
| Zvandinokuudzai murima muzvitaure muchiedza; zvinozevezerwa munzeve dzenyu, muzviparidze muri pamusoro pedzimba. |
| 28 |
| Musatya avo vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya. Asi mutye uyo anogona kuparadza zvose muviri nomweya mugehena. |
| 29 |
| Ko, shiri duku mbiri hadzitengeswi nesendi here? Kunyange zvakadaro hapana imwe chete yadzo inowira pasi kunze kwokunge Baba venyu vazvibvumira. |
| 30 |
| Uye kunyange nebvudzi riri mumusoro yenyu rakaverengwa. |
| 31 |
| Naizvozvo musatya nokuti munokosha kupfuura shiri duku zhinji. |
| 32 |
| “Ani naani anondipupura pamberi pavanhu neniwo ndichamupupura pamberi paBaba vangu vari kudenga. |
| 33 |
| Asi ani naani anondiramba pamberi pavanhu, neni ndichamuramba pamberi paBaba vangu vari kudenga. |
| 34 |
| “Musafunga kuti ndakauya kuzouyisa rugare panyika. Handina kuuya kuzouyisa rugare asi munondo. |
| 35 |
| Ndakauya kuti: “ ‘mwanakomana apesane nababa vake, mwanasikana apesane namai vake, muroora apesane navamwene vake, |
| 36 |
| vavengi vomunhu vachava hama dzake dzomumba.’ |
| 37 |
| “Ani naani achada baba vake kana mai vake kupfuura ini haana kukodzera kuva wangu; uye ani naani anoda mwanakomana kana mwanasikana wake kupfuura ini haana kukodzera kuva wangu. |
| 38 |
| Uye uyo asingatakuri muchinjikwa wake akanditevera haana kukodzera kuva wangu. |
| 39 |
| Ani naani anowana upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi uyo acharasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuwana. |
| 40 |
| “Anokugamuchirai anogamuchira ini, uye anogamuchira ini anogamuchira iye akandituma. |
| 41 |
| Ani naani anogamuchira muprofita nokuti muprofita achagamuchira mubayiro womuprofita, uye ani naani anogamuchira munhu akarurama nokuda kwokuti akarurama, achagamuchira mubayiro womunhu akarurama. |
| 42 |
| Uye kana munhu akapa mukombe wemvura inotonhorera kuno mumwe wavaduku ava nokuda kwokuti iye mudzidzi wangu, ndinokuudzai chokwadi kuti haazorasikirwi nomubayiro wake.” |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/matthew/010.mp3
28
10