Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Nenguva iyo Jesu akafamba napakati peminda yezviyo nomusi weSabata; vadzidzi vake vakanga vane nzara, vakapurura hura, vachidya. |
| 2 |
| VaFarisi vakati vachizviona, vakati kwaari, “Tarira, vadzidzi vako vanoita zvisina kutenderwa nomusi weSabata.” |
| 3 |
| Asi akati kwavari, “Ko hamuna kurava here zvakaitwa naDhavhidhi, musi waakanga aziya, iye navakanga vanaye; |
| 4 |
| kuti akapinda mumba maMwari, akadya zvingwa zvokuratidza, zvakanga zvisina kutenderwa kudyiwa naye, navaiva naye, asi navapristi bedzi? |
| 5 |
| Ko hamuna kurava muMutemo, kuti neSabata vapristi vanotyora murairo weSabata mutemberi, vasina mhosva? |
| 6 |
| Asi ndinoti kwamuri, anokurira temberi ari pano. |
| 7 |
| Asi dai maiziva kuti zvinoti kudini kuti, ‘Ndinoda ngoni, handidi chibayiro,’ mungadai musina kutonga vasina mhosva. |
| 8 |
| Nokuti Mwanakomana womunhu ndiye Ishe weSabata.” |
| 9 |
| Akabvapo, akapinda musinagoge ravo. |
| 10 |
| Zvino tarira, kwakanga kuno munhu akanga anoruoko rwakakokonyara. Vakamubvunza, vachiti, “Zvakatenderwa kuporesa neSabata here?” Kuti vamupomere mhosva. |
| 11 |
| Akati kwavari, “Ndiani kwamuri angava negwai rimwe, kana rikawira mugomba neSabata, angarega kuribata akaribudisa here? |
| 12 |
| Munhu anopfuura hwai zvikuru sei! Saka zvakatenderwa kuita zvakanaka neSabata.” |
| 13 |
| Zvino akati kumunhu, “Tambanudza ruoko rwako!” Akarutambanudza, rukapora, rukava sorumwe. |
| 14 |
| Zvino VaFarisi vakabuda, vakarangana pamusoro pake, kuti vangamuuraya sei. |
| 15 |
| Jesu akati achizviziva, akabvapo; vanhu vazhinji vakamutevera, akavaporesa vose, |
| 16 |
| akavaraira kuti varege kumuzivisa pachena, |
| 17 |
| kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita Isaya, achiti, |
| 18 |
| “Tarira, muranda wangu wandakasanangura; Mudikanwi wangu, anofarirwa nomweya wangu, Ndichaisa Mweya wangu pamusoro pake, Iye achazivisa vahedheni kutonga. |
| 19 |
| Haangarwi, haangaiti mhere–mhere; Hakuna munhu achanzwa izwi rake mumigwagwa. |
| 20 |
| Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, Nomwenje unopwititika haangaudzimi, Kusvikira achiita kutonga kuti kukunde. |
| 21 |
| Vahedheni vachaita zita rake tariro yavo.” |
| 22 |
| Zvino vakaisa kwaari munhu aiva nomweya wakaipa, raiva bofu nembeveve; akamuporesa, naizvozvo mbeveve yakataura nokuonawo. |
| 23 |
| Vanhu vazhinji vose vakashamiswa, vakati, “Ko uyu haasi mwanakomana waDhavhidhi here?” |
| 24 |
| Zvino VaFarisi vakati vachizvinzwa, vakati, “Munhu uyu haabudisi mweya yakaipa, asi naBheerizebhuri, muchinda wemweya yakaipa.” |
| 25 |
| Zvino Jesu achiziva kufunga kwavo, akati kwavari, “Ushe humwe nohumwe hunozvipesanisa, hunoparadzwa; neguta kana imba inozvipesanisa, haingamiri. |
| 26 |
| NaSatani kana achibudisa Satani, anozvipesanisa; ushe hwake huchamira seiko? |
| 27 |
| “Neni, kana ndichibudisa mweya yakaipa naBheerizebhuri, ko vanakomana venyu vanoibudisa nani? Saka ivo vachava vatongi venyu. |
| 28 |
| Asi kana ndichibudisa mweya yakaipa noMweya waMwari, ipapo hushe hwaMwari hwasvika kwamuri. |
| 29 |
| “Munhu angapinda seiko paimba yaanesimba, akatora nhumbi dzake, kana asati ambosunga uya ane simba? Ipapo achaparadza imba yake. |
| 30 |
| Asi neni, anopesana neni, noasingaunganidzi neni, anoparadza. |
| 31 |
| “Naizvozvo ndinoti kwamuri, vanhu vacharegererwa zvivi zvose nokushonha, asi kushonha Mweya, havangaregererwi. |
| 32 |
| Ani naani anotaura shoko rakaipa pamusoro poMwanakomana womunhu, acharegererwa asi anotaura shoko rakaipa pamusoro peMweya Mutsvene, haaregererwi, kana panguva ino, kana pane inouya. |
| 33 |
| “Itai muti uve wakanaka, nemichero yawo yakanakawo; kana itai muti uve wakaipa, nemichero yawo yakaipawo; nokuti muti unozikanwa nemichero yawo. |
| 34 |
| Imi, vana venyoka, mungagona seiko kutaura zvinhu zvakanaka, zvamuri vakaipa? Nokuti muromo unotaura zvizere mumwoyo. |
| 35 |
| “Munhu akanaka anobudisa zvinhu zvakanaka papfuma yake yakanaka; nomunhu akaipa anobudisa zvinhu zvakaipa papfuma yake yakaipa. |
| 36 |
| Ndinoti kwamuri, shoko rimwe nerimwe risina maturo rakarehwa navanhu, vachazvidavirira pamusoro paro nezuva rokutonga. |
| 37 |
| Nokuti namashoko ako ucharuramiswa, uye namashoko ako uchapiwa mhosva.” |
| 38 |
| Zvino vamwe vanyori naVaFarisi vakapindura, vakati, “Mudzidzisi, tinoda kuona chiratidzo kwamuri.” |
| 39 |
| Akapindura, akati kwavari, “Rudzi rwakaipa rwoupombwe runotsvaka chiratidzo, asi harungapiwi chiratidzo, asi chiratidzo chomuporofita Jona. |
| 40 |
| Nokuti Jona sezvaakava mudumbu rehove huru mazuva matatu nousiku utatu, saizvozvo Mwanakomana womunhu achava mumwoyo wenyika mazuva matatu nousiku utatu. |
| 41 |
| Varume veNinivha vachasimuka pakutongwa norudzi urwu, vacharupa mhosva, nokuti vakatendeuka nokuparidza kwaJona; asi tarirai, mukuru kuna Jona ari pano. |
| 42 |
| Mambokadzi weZasi achasimuka pakutongwa norudzi urwu, acharupa mhosva, nokuti akabva pamagumisiro enyika kuzonzwa kuchenjera kwaSoromoni; asi tarirai, mukuru kuna Soromoni ari pano. |
| 43 |
| “Zvino kana mweya wetsvina wabuda kumunhu unopota panzvimbo dzisina mvura, uchitsvaka zororo, uchirishayiwa. |
| 44 |
| “Zvino unoti, ‘Ndichadzokera kumba kwangu kwandakabuda;’ asi uchisvika, unoiwana isina chiro, yakatsvairwa, yanatswa. |
| 45 |
| Zvino unoenda, ndokutora mimwe mweya minomwe inoupfuura nokuipa, ndokupinda, ndokugaramo. Kupedzisira kwomunhu uyu kwakaipa kupfuura kutanga kwake. Zvichaita saizvozvowo norudzi urwu rwakaipa.” |
| 46 |
| Akati achataura navanhu vazhinji, tarira, mai vake navanun'una vake vakamira kunze, vachitsvaka kutaura naye. |
| 47 |
| Mumwe akati kwaari, “Havo mai venyu navanun'una venyu vamire kunze, vachitsvaka kutaura nemi.” |
| 48 |
| Akapindura, akati kuna iye amuudza, “Mai vangu ndianiko, navanun'una vangu ndivanaaniko?” |
| 49 |
| Ndokutambanudza ruoko rwake kuvadzidzi vake, akati, “Tarirai, mai vangu navanun'una vangu! |
| 50 |
| “Nokuti ani naani anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga, ndiye mukoma nomunun'una, nehanzvadzi, namai kwandiri.” |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/matthew/012.mp3
28
12