|
| 1 |
|
| Nezuva iro Jesu akabuda mumba, akandogara pagungwa. |
|
| 2 |
|
| Zvino vanhu vazhinji zhinji vakaungana kwaari, nokudaro akapinda muigwa, akagaramo vazhinji vose vakamira pamhenderekedzo. |
|
| 3 |
|
| Ipapo akavaudza zvinhu zvizhinji nemifananidzo, akati, “Tarirai, mukushi akabuda kundokusha. |
|
| 4 |
|
| Zvino pakukusha kwake dzimwe mbeu dzakawira panzira, shiri dzikasvika dzikadzidya. |
|
| 5 |
|
| Dzimwe dzakawira parukangarabwe, padzakanga dzisina ivhu zhinji, dzikamera pakarepo, nokuti dzakanga dzisina ivhu rakadzika. |
|
| 6 |
|
| “Asi zuva rakati rabuda, dzikapiswa; dzikaoma, nokuti dzakanga dzisina mudzi. |
|
| 7 |
|
| Dzimwe dzakawira muminzwa; minzwa ikamera, ikadzivhunga. |
|
| 8 |
|
| “Asi dzimwe dzakawira muvhu rakanaka, dzikabereka vana; dzimwe zana, dzimwe makumi matanhatu, dzimwe makumi matatu.” |
|
| 9 |
|
| “Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.” |
|
| 10 |
|
| Zvino vadzidzi vakauya, vakati kwaari, “Munotaurireiko kwavari nemifananidzo?” |
|
| 11 |
|
| Akapindura, akati kwavari, “Nokuti imi makapiwa kuziva zvakavanzika zvoushe hwedenga, asi ava havana kupiwa. |
|
| 12 |
|
| Nokuti ani naani anazvo achapiwa, ave nezvakawanda; asi ani naani asina, achatorerwa kunyangwe nezvaanazvo. |
|
| 13 |
|
| Naizvozvo ndinotaura kwavari nemifananidzo, nokuti vanoona, asi havaoni; vanonzwa, asi havanzwi, kana kunzwisisa. |
|
| 14 |
|
| Kuporofita kwaIsaya kwakaitika kwavari, kunoti, ‘Kunzwa, muchanzwa, musingatongonzwisisi; Kuona, muchaona, musingatongoonesesi; |
|
| 15 |
|
| Nokuti mwoyo yavanhu ava yava mikukutu, Nzeve dzavo hadzinzwi zvakanaka; Nameso avo vakaatsinzina. Kuti zvimwe varege kuona nameso, Nokunzwa nenzeve, Nokunzwisisa nomwoyo, Kuti varege kupinduka Ini ndichivaporesa.’ |
|
| 16 |
|
| “Asi meso enyu akaropafadzwa, nokuti anoona; nenzeve dzenyu, nokuti dzinonzwa. |
|
| 17 |
|
| Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti vaporofita navakarurama vazhinji vakanga vachida kuona zvinhu zvamunoona, asi havana kuzviona; nokunzwa zvamunonzwa, asi havana kuzvinzwa. |
|
| 18 |
|
| “Naizvozvo imi inzwai mufananidzo womukushi. |
|
| 19 |
|
| Kana munhu akanzwa shoko roushe, asingarinzwisisi, muipi anosvika, ndokubvuta chakakushwa mumwoyo make. Ndiye akakushwa munzira. |
|
| 20 |
|
| “Asi akakushwa parukangarabwe, ndiye anonzwa shoko, ndokurigamuchira pakarepo nomufaro. |
|
| 21 |
|
| Asi haana mudzi mukati make, ndiye wechinguva chiduku; kana kutambudzika nokuvengwa zvichiuya nokuda kweshoko, pakarepo anogumburwa. |
|
| 22 |
|
| Akakushwa pakati peminzwa, ndiye anonzwa shoko; zvino kufunganya kwenyika nokunyengera kwepfuma zvinounga shoko, rikashaiwa zvibereko. |
|
| 23 |
|
| Akakushwa muvhu rakanaka, ndiye anonzwa shoko, akarinzwisisa; ndiye anobereka zvibereko, mumwe achiita zana, mumwe makumi matanhatu, mumwe makumi matatu.” |
|
| 24 |
|
| Akaisa pamberi pavo mumwe mufananidzo, achiti, “Ushe hwedenga hunofananidzwa nomunhu akakusha mbeu yakanaka mumunda make. |
|
| 25 |
|
| Asi vanhu vavete, muvengi wake akauya, akakusha masawi pakati pezviyo, akaenda. |
|
| 26 |
|
| Asi chipande chakati chamera nokubereka, zvino masawi akaonekwawo. |
|
| 27 |
|
| Zvino varanda vomuridzi weimba vakauya, vakati kwaari, ‘Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Munda wawanepiko masawi?’ |
|
| 28 |
|
| Akati kwavari, ‘Munhu anondivenga aita izvozvo.’ Varanda vakati kwaari, ‘Ko munoda kuti tindoaunganidza here?’ |
|
| 29 |
|
| Akati, ‘Kwete, zvimwe kana muchiunganidza masawi, mungadzura nezviyowo.’ |
|
| 30 |
|
| “Regai zvikure zvose zviri zviviri kusvikira pakucheka; nenguva yokucheka ndichati kuvacheki, ‘Tangai kuunganidza masawi, muasunge zvimwanda kuti apiswe, asi mututire zviyo mudura rangu.’ ” |
|
| 31 |
|
| Akaisa pamberi pavo mumwe mufananidzo, achiti, “Ushe hwedenga hwakafanana netsanga yembeu yemasitadhi, yakatorwa nomunhu, akaidyara mumunda make; |
|
| 32 |
|
| iyo iduku kumbeu dzose, asi kana yakura, ihuru pamiriwo yose, inoita muti wakakura ukadaro kuti shiri dzedenga dzinouya, dzichigara mumatavi awo.” |
|
| 33 |
|
| Akavaudza mumwe mufananidzo, akati, “Ushe hwedenga hwakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi, akaiisa muzviero zvitatu zvoupfu, kusvikira hwose hwaviriswa.” |
|
| 34 |
|
| Zvinhu zvose Jesu wakaudza vanhu vazhinji nemifananidzo; haana kutaura chinhu kwavari asingafananidzi; |
|
| 35 |
|
| kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita, achiti, “Ndichataura nemifananidzo, Ndichataura zvakavanzika kubva pakuvambwa kwenyika.” |
|
| 36 |
|
| Zvino Jesu akati aendesa vanhu vazhinji, akapinda mumba, vadzidzi vake vakauya kwaari, vakati, “Tidudzirei mufananidzo wamasawi omumunda.” |
|
| 37 |
|
| Akapindura, akati, “Anokusha mbeu yakanaka ndiye Mwanakomana womunhu. |
|
| 38 |
|
| Munda inyika; mbeu yakanaka ndivo vanakomana voushe, masawi ndiwo vanakomana vomuipi. |
|
| 39 |
|
| Muvengi akakusha ndiye Dhiabhori; kucheka ndiko kuguma kwenyika; vacheki ndivo vatumwa vaMwari. |
|
| 40 |
|
| “Zvino masawi sezvaanounganidzwa achipiswa mumoto, ndizvo zvichaitwa pakuguma kwenyika. |
|
| 41 |
|
| Mwanakomana womunhu achatuma vatumwa vake, vagounganidza muushe hwake zvose zvinogumbusa, navanoita zvisakarurama, |
|
| 42 |
|
| vachavakandira muvira romoto; ipapo pachava nokuchema nokugeda–geda kwameno. |
|
| 43 |
|
| Ipapo vakarurama vachapenya sezuva muushe hwaBaba vavo. Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe. |
|
| 44 |
|
| “Ushe hwedenga hwakafanana nepfuma yakavanzwa mumunda, iyo yakawanikwa nomunhu, akaivanzazve; zvino nokufara kwake anoenda, akatengesa zvose zvaanazvo, akatenga munda uyo. |
|
| 45 |
|
| “Ushe hwedenga hwakafananazve nomushambadzi anotsvaka mapera akanaka; |
|
| 46 |
|
| akati awana pera rimwe rinomutengo mukuru, akaenda, akandotengesa zvose zvaakanga anazvo, akaritenga iro. |
|
| 47 |
|
| “Ushe hwedenga hwakafananazve nousvasvi hunokandirwa mugungwa, hunounganidza marudzi ose ehove; |
|
| 48 |
|
| kana hwazara vanohukwevera pamhenderekedzo, vakagara pasi, vakaunganidzira dzakanaka mumidziyo, asi dzakaipa vanodzirasa. |
|
| 49 |
|
| Ndizvo zvichaitwa pakuguma kwenyika; vatumwa vachabuda, vachabudisa vakaipa pakati pavakarurama, |
|
| 50 |
|
| vachavakandira muvira romoto; ipapo pachava nokuchema nokugeda–geda kwameno.” |
|
| 51 |
|
| (Jesu akati kwavari), “Manzwisisa izvozvo zvose here?” Vakati kwaari, “Hongu, Ishe.” |
|
| 52 |
|
| Akati kwavari, “Naizvozvo munyori mumwe nomumwe wakadzidziswa zvoushe hwekudenga, akafanana, mwene weimba, anobudisa zvinhu zvitsva nezvekare papfuma yake.” |
|
| 53 |
|
| Jesu akati apedza mifananidzo iyo, akabvapo. |
|
| 54 |
|
| Akasvika kunyika yake, akavadzidzisa musinagoge ravo, nokudaro vakakatyamara, vakati, “Munhu uyu awanepiko kuchenjera uku namabasa esimba? |
|
| 55 |
|
| Ko haasi mwanakomana womuvezi here? Ko mai vake havazi Maria here, vakoma navanun'una vake havanzi Jakobho, naJosefa, naSimoni, naJudhasi here. |
|
| 56 |
|
| Nehanzvadzi dzake hadzisi pakati patiri dzose here? Ko iye akagowanepi zvinhu izvozvo zvose?” |
|
| 57 |
|
| Vakagumburwa naye. Asi Jesu akati kwavari, “Muporofita haangashayiwi kukudzwa, asi munyika yake, nomumba make.” |
|
| 58 |
|
| Akasaita mabasa esimba mazhinji ipapo nokusatenda kwavo. |
|
|
|
|