Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Panguva iyoyo mambo Herodhi akanzwa nezvaJesu |
| 2 |
| uye akati kuvaranda vake, “Uyu ndiJohani Mubhabhatidzi; amuka kubva kuvakafa! Ndokusaka masimba ezvishamiso achishanda maari.” |
| 3 |
| Zvino Herodhi ainge abata Johani akamusunga achibva amuisa mutorongo nokuda kwaHerodhiasi mudzimai waFiripi, munun'una wake, |
| 4 |
| sezvo Johani ainge ati kwaari, “Hautenderwi kutora mukadzi uyu.” |
| 5 |
| Herodhi aida kuuraya Johani asi aitya vanhu nokuti vaimuona somuprofita. |
| 6 |
| Asi zuva rokupemberera kuberekwa kwaHerodhi rakati rasvika, mwanasikana waHerodhiasi akatamba pamberi pavo uye zvikafadza Herodhi kwazvo, |
| 7 |
| zvokuti akamuvimbisa nemhiko kuti aizomupa chipi nechipi chaaizokumbira. |
| 8 |
| Arayirwa namai vake mwanasikana akati, “Ndipei pano musoro waJohani Mubhabhatidzi uri mundiro.” |
| 9 |
| Mambo akasuwiswa nazvo, asi nokuda kwemhiko yake uye navaainge agere navo pakudya, akarayira kuti upiwe kwaari, |
| 10 |
| ndokutuma vanhu kundogura musoro waJohani mutorongo. |
| 11 |
| Uye musoro wake wakauyiwa nawo uri mundiro uye ukapiwa kumusikana, iye akaenda nawo kuna mai vake. |
| 12 |
| Vadzidzi vaJohani vakauya vakatora mutumbi wake vakandouviga. Vakazoenda vakandoudza Jesu. |
| 13 |
| Jesu paakanzwa zvakanga zvaitika, akabvapo negwa ari oga akaenda kurenje. Vachinzwa izvi, vanhu vazhinji vakamutevera netsoka vachibva kumaguta. |
| 14 |
| Paakabuda mugwa, Jesu akaona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi uye akaponesa varwere vavo. |
| 15 |
| Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakauya kwaari vakati, “Tiri musango, uye kwava kusviba. Endesai vanhu ava, kuti vaende mumisha vandozvitengera zvokudya.” |
| 16 |
| Jesu akapindura achiti, “Havafaniri kuenda. Imi vapei chavangadye.” |
| 17 |
| Ivo vakapindura vakati, “Pano tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri.” |
| 18 |
| Akati, “Uyai nazvo kuno kwandiri.” |
| 19 |
| Uye akarayira kuti vanhu vagare pasi pauswa. Akatora zvingwa zvishanu nehove dziya mbiri akatarira kudenga akavonga, akazviropafadza uye akazvimedura. Ipapo akazvipa kuvadzidzi uye vadzidzi vakapa vanhu. |
| 20 |
| Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakaunganidza zvimedu zvainge zvasara zvikazadza matengu gumi namaviri. |
| 21 |
| Vanhu vakadya vaisvika varume zviuru zvishanu pasingaverengwi vakadzi navana. |
| 22 |
| Pakarepo Jesu akaudza vadzidza vake kuti vapinde mugwa vafanotungamira kuenda kune rimwe divi, iye ndokusara achiendesa vanhu vazhinji ava. |
| 23 |
| Mushure mokuendesa vanhu vazhinji ava, akakwira mugomo ari oga kundonyengetera. Madekwana akasvika iye achingovako ari oga, |
| 24 |
| asi igwa rakanga rava chinhambwe chikuru kwazvo kubva kunyika asi richitambudzwa namasaisai nokuti mhepo yairwisana naro. |
| 25 |
| Panguva yechina yousiku Jesu akaenda kwavari, achifamba pamusoro pegungwa. |
| 26 |
| Vadzidzi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa vakatya kwazvo. Vakaridza mhere nokutya vakati, “Hero dzangaradzimu!” |
| 27 |
| Asi pakarepo Jesu akati kwavari, “Musatya, ndini!” |
| 28 |
| Petro akapindura akati, “Ishe, kana murimi ndirayirei kuti ndiuye kwamuri ndichifamba pamusoro pemvura.” |
| 29 |
| Iye akati, “Uya.” Ipapo Petro akabuda mugwa akafamba pamusoro pemvura akananga kuna Jesu. |
| 30 |
| Asi akati achiona mhepo ine simba, akatya, ndokubva atanga kunyura, achibva adanidzira achiti, “Ishe, ndiponesei!” |
| 31 |
| Pakarepo Jesu akatambanudza ruoko rwake akamubata, uye akati kwaari, “Iwe wokutenda kuduku, sei wakahadzika?” |
| 32 |
| Uye vakati vapinda mugwa, mhepo ikanyarara. |
| 33 |
| Zvino vaya vaiva mugwa vakamunamata vachiti, “Chokwadi muri Mwanakomana waMwari.” |
| 34 |
| Kuzoti vayambukira mhiri, vakaburukira paGenesareti. |
| 35 |
| Uye varume venzvimbo iyoyo vakati vamuziva, vakatumira shoko mudunhu rose rakapoteredza. Vanhu vakauya navarwere vavo vose kwaari |
| 36 |
| uye vakamukumbira zvikuru kuti abvumire varwere kuti vangobata mupendero wenguo yake uye vose vakamubata vakaporeswa. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/matthew/014.mp3
28
14