|
| 1 |
|
| Panguva iyoyo Herodhi, mumwe wavatongi vana akanzwa zvomukurumbira waJesu akati kumakurukota ake, |
|
| 2 |
|
| “Uyu ndiJohani Muombeki akamutswa muvafi, ndokusaka achigona kuita zvishamiso izvi” |
|
| 3 |
|
| nokuti Herodhi akanga abata Johani akamusunga ndokumuisa mujeri pamusana paHerodhiasi mudzimai womunun'una wake Firipi. |
|
| 4 |
|
| Chikonzero ndechokuti Johani akanga amuti, “Hazvibvumirwi, pamutemo, kuti agare naye.” |
|
| 5 |
|
| Kunyange zvazvo aida kumuuraya aitya vanhu nokuti vaimutora somuporofita. |
|
| 6 |
|
| Asi pakasvika zuva rokupemberera kuberekwa kwaHerodhi, mukunda waHerodhiasi akatamba pamberi pechikwata chose chavanhu akafadza Herodhi |
|
| 7 |
|
| zvokuti akatsidza nemhiko kumupa chose zvacho chaangakumbire. |
|
| 8 |
|
| Asokwa mashoko naamai vake akati, “Ndipei, musoro waJohani Muombeki mudhishi iye zvino.” |
|
| 9 |
|
| Mambo zvakamutambudza mwoyo asi nokuda kwemhiko dzake uye pamusanawo pavaenzi vake akati ngaapiwe. |
|
| 10 |
|
| Akatuma munhu kuti andodimura musoro waJohani mujeri. |
|
| 11 |
|
| Musoro wake wakaunzwa uri mudhishi ukapiwa kumusikana. Iyewo akaenda nawo kuna amai vake. |
|
| 12 |
|
| Vadzidzi vaJohani vakauya vakatora chitunha ichocho vakachiviga. Vakaenda vakandotaurira Jesu. |
|
| 13 |
|
| Jesu paakanzwa izvi, akabva ipapo negwa akaenda kunzvimbo isina vanhu, kwake oga. Voruzhinji rwavanhu pavakazvinzwa vakatevera ikoko netsoka vachibva mumaguta. |
|
| 14 |
|
| Paakabuda mugwa pamahombekombe, akaona chita chikuru chavanhu. Akavanzwira tsitsi akaporesa varwere vavo. |
|
| 15 |
|
| Zuva parakanga rava kuda kudoka, vadzidzi vake vakauya kwaari vakati, “Muno murenje uye kwava kudoka. Dai machiendesa vanhu vaende mumisha vandozvitengera zvokudya.” |
|
| 16 |
|
| Jesu akati, “Havafaniri kuenda. Vapei iyemi zvokudya.” |
|
| 17 |
|
| Vakati kwaari, “Pano tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri chete.” |
|
| 18 |
|
| Iye akati, “Uyai nazvo kuno kwandiri.” |
|
| 19 |
|
| Akati vanhu ngavagare pasi pauswa. Akatora zvingwa zviya zvishanu nehove mbiri. Akatarisa kudenga, ndokukomborera, ndokumedura, akapa zvingwa zviya kuvadzidzi. Vadzidzi vakazvipa kuvanhu. |
|
| 20 |
|
| Vose vakadya vakaguta. Vakaunganidza tswanda gumi nembiri dzizere dzezvimedu zvakasara. |
|
| 21 |
|
| Vanhu vakadya vaiva zviuru zvishanu zvavarume tisingaverengi zvedu vakadzi navana. |
|
| 22 |
|
| Pakarepo akagombedzera vadzidzi kuti vakwire mugwa kuti vafanotungamira kumhiri; iye oonekana negungano riya ravanhu. |
|
| 23 |
|
| Paakapedza kuonekana negungano riya ravanhu akakwira mugomo ari oga kundonamata. Paakanga ava madeko, akanga arimo ari oga. |
|
| 24 |
|
| Asi igwa, panguva iyoyo, rakanga rava makiromita akawanda kubva kumahombekombe richiitwa suku nasai namafungu nokuti mhepo yakanga yakanangana navo. |
|
| 25 |
|
| Kuzoti yava nguva yomurirakamwe akauya kwavari achifamba pamusoro pegungwa. |
|
| 26 |
|
| Asi vadzidzi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa vakatya zvikuru vachiti, “Idzimudzangara.” Vakaridza mhere nokutya. |
|
| 27 |
|
| Pakarepo Jesu akabva ataura kwavari achiti, “Tsungai mwoyo, ndini. Musatye.” |
|
| 28 |
|
| Ipapo Pita akati, “Tenzi kana murimi, itii ndiuye kwamuri ndichifambawo pamusoro pemvura.” |
|
| 29 |
|
| Iye akati, “Uya.” Pita akabuda mugwa akafamba napamusoro pemvura achienda kuna Jesu. |
|
| 30 |
|
| Pita paakaona mhepo, akatya. Akatangisa kunyura ndokudaidzira achiti, “Tenzi ndiponesei.” |
|
| 31 |
|
| Pakarepo Jesu akabva atambanudza ruoko rwake akamubata achiti kwaari, “Inga une chitendero chiduku. Wakahadzikireiko.” |
|
| 32 |
|
| Pavakakwira mugwa, mhepo yakabva yanyarara. |
|
| 33 |
|
| Vaya vaiva mugwa vakamugwadamira vachiti, “Zvechokwadi imi muri Mwanakomana waMwari.” |
|
| 34 |
|
| Zvino kuzoti vayambuka mhiri, vakasvika kuGenezareti. |
|
| 35 |
|
| Varume voko pavakamuziva, vakatuma nhume kunharaunda iyoyo yose vakaunza kwaari vose vairwara. |
|
| 36 |
|
| Vakamukumbirisa kuti vangobatawo mupendero wehanzu yake. Vose vakaibata vakaporeswa. |
|
|
|
|