Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Ipapo vanyori navaFarisi vakauya kuna Jesu vachibva kuJerusarema uye vakamubvunza vachiti, |
| 2 |
| “Sei vadzidzi venyu vachityora tsika dzavakuru? Havashambi maoko avo vasati vadya!” |
| 3 |
| Jesu akavapindura achiti, “Ko, imi munotyorerei murayiro waMwari nokuda kwetsika dzenyu? |
| 4 |
| Nokuti Mwari akati, ‘Kudza baba vako namai vako’ uye, ‘Ani naani anotuka baba kana mai vake anofanira kuurayiwa.’ |
| 5 |
| Asi imi munoti kana munhu akati kuna baba vake kana mai vake, ‘Chinhu chipi nechipi chamaiti munozogamuchira kubva kwandiri, chava chipo chakakumikidzwa kuna Mwari, |
| 6 |
| haachafaniri kukudza baba vake nacho. Saizvozvo munoshayisa shoko raMwari simba nokuda kwetsika dzenyu. |
| 7 |
| Imi vanyengeri! Isaya akaprofita kwazvo pamusoro penyu achiti: |
| 8 |
| “ ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni. |
| 9 |
| Vanondinamata pasina; vachidzidzisa dzidziso nemirayiro yavanhu.’ ” |
| 10 |
| Jesu akadana vanhu vazhinji kwaari akati, “Teererai, munzwisise. |
| 11 |
| Icho chinopinda mumuromo momunhu hachimusvibisi, asi chinobuda mumuromo make ndicho chinomusvibisa.” |
| 12 |
| Ipapo vadzidzi vakauya kwaari vakamubvunza vachiti, “Munoziva here kuti vaFarisi vagumburwa pavanzwa shoko iri?” |
| 13 |
| Akapindura akati, “Muti mumwe nomumwe usina kusimwa naBaba vangu vokudenga uchadzurwa. |
| 14 |
| Vasiyei vakadaro, vatungamiriri vamapofu. Kana bofu rikatungamirira rimwe bofu, vose vachawira mugomba.” |
| 15 |
| Petro akati, “Titsanangurirei mufananidzo uyu.” |
| 16 |
| Jesu akavabvunza akati, “Nemiwo hamusati mava kunzwisisa? |
| 17 |
| Hamuoniwo here kuti chose chinopinda mumuromo chinopinda mudumbu chichizobuda kunze! |
| 18 |
| Asi zvinhu zvinobuda mumuromo zvinobva mumwoyo, izvozvi ndizvo zvinosvibisa munhu. |
| 19 |
| Nokuti mumwoyo munobuda pfungwa dzakaipa, umhondi, upombwe, unzenza, umbavha, uchapupu hwenhema nokureva nhema pamusoro pavamwe vanhu. |
| 20 |
| Izvi ndizvo zvinosvibisa munhu, asi kudya asina kushamba maoko hazvimusvibisi.” |
| 21 |
| Jesu akabvapo akaenda kudunhu reTire neSidhoni. |
| 22 |
| Mumwe mukadzi muKenani womunzvimbo iyi akauya achidanidzira achiti, “Ishe, mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni! Mwanasikana wangu ari kutambudzwa zvikuru nedhimoni rakamubata.” |
| 23 |
| Jesu haana chaakapindura. Ipapa vadzidzi vake vakauya kwaari vakasvikoti, “Mudzingei nokuti ari kuramba achidanidzira kwatiri.” |
| 24 |
| Akati kwavari, “Ndakatumwa kumakwai akarasika eIsraeri chete.” |
| 25 |
| Mukadzi uya akauya akasvikopfugama pamberi pake akati, “Ishe, ndibatsireiwo!” |
| 26 |
| Akapindura akati, “Hazvina kunaka kutora chingwa chavana muchichikandira imbwa.” |
| 27 |
| Mukadzi uya akati, “Hongu Ishe, kunyange nembwa dzinodyawo zvimedu zvinodonha kubva patafura yatenzi wadzo.” |
| 28 |
| Ipapo Jesu akapindura akati, “Mai, mune kutenda kukuru! Chikumbiro chenyu chanzwikwa.” Mwanasikana wake akabva aporeswa kubva panguva iyoyo. |
| 29 |
| Jesu akabvapo akatevedza gungwa reGarirea. Ipapo akakwira mugomo akagara pasi. |
| 30 |
| Uye vanhu vazhinji vakauya kwaari navakaremara, mapofu, mhetamakumbo, mbeveve navamwe vazhinji, vakasvikovaisa patsoka dzake uye akavaporesa. |
| 31 |
| Vanhu vakashamiswa kuona mbeveve dzichitaura, mhetamakumbo dzichitwasanudzwa, vakaremara vachifamba namapofu achiona. Vakarumbidza Mwari weIsraeri. |
| 32 |
| Jesu akadana vadzidzi vake akati kwavari, “Ndiri kunzwa tsitsi pamusoro pavanhu ava; vanga vachingova neni kwamazuva matatu uye havachina chokudya. Handidi kuti ndivaendese vaine nzara nokuti vangaziya nenzara munzira.” |
| 33 |
| Vadzidzi vake vakapindura vachiti, “Ndokupi kwatingawana chingwa chinokwana vanhu vose ava muno musango makadai?” |
| 34 |
| Jesu akabvunza akati, “Mune zvingwa zvingani?” Ivo vakati, “Tine zvinomwe notuhove tushomashoma.” |
| 35 |
| Akarayira kuti vanhu vose vagare pasi. |
| 36 |
| Ipapo akatora zvingwa zvinomwe zviya nehove dziya, uye akati avonga, akazvimedura ndokuzvipa kuvadzidzi, ivowo ndokupa vanhu vose. |
| 37 |
| Vose vakadya vakaguta. Mushure, vadzidzi vakanhongera zvimedu zvakanga zvasara zvikazadza matengu manomwe. |
| 38 |
| Vanhu vakadya vaiva varume zviuru zvina, vakadzi navana vasingaverengerwi. |
| 39 |
| Mushure mokunge Jesu aendesa vanhu vazhinji ava, akapinda mugwa ndokubva aenda kudunhu reMagadhani. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/matthew/015.mp3
28
15