|
| 1 |
|
| VaFarisi navaSadhusi vakauya kuna Jesu vakamuedza nokumukumbira kuti avaratidze chiratidzo chinobva kudenga. |
|
| 2 |
|
| Akavapindura achiti, “Panosvika nguva yamadekwana munoti, ‘Mamiriro okunze achange akanaka nokuti denga rakatsvuka.’ |
|
| 3 |
|
| Uye mangwanani munoti, ‘Nhasi kuchanaya mvura ine dutu nokuti denga rakatsvuka uye kwakakwidibira.’ Munoziva kududzira zvinoonekwa mudenga, asi hamugoni kududzira zviratidzo zvenguva. |
|
| 4 |
|
| Rudzi rwakaipa rwoupombwe runotsvaka chiratidzo, asi hapana chichapiwa kwarwuri kunze kwechiratidzo chaJona.” Ipapo Jesu akavasiya, uye akaenda kumwe. |
|
| 5 |
|
| Pavakayambuka mhiri kwegungwa, vadzidzi vakakanganwa kutakura chingwa. |
|
| 6 |
|
| Jesu akati kwavari, “Chenjerai mungwarire mbiriso yavaFarisi navaSadhusi.” |
|
| 7 |
|
| Vakakurukura nezvenyaya iyi pakati pavo vakati, “Anodaro nokuti hatina kuuya nechingwa.” |
|
| 8 |
|
| Achiziva izvi Jesu akavabvunza akati, “Imi vokutenda kuduku, ko, muri kutauriranei pakati penyu nezvokusava nechingwa? |
|
| 9 |
|
| Hamusati mava kunzwisisa here? Hamurangariri here zvingwa zvishanu zvavanhu vane zviuru zvishanu uye kuti makazadza matengu mangani ezvamakaunganidza? |
|
| 10 |
|
| Kana kuti zvingwa zvinomwe zvavanhu zviuru zvina uye kuti makazadza matengu mangani ezvamakaunganidza? |
|
| 11 |
|
| Hamunzwisisi sei kuti ndanga ndisingatauri kwamuri nezvechingwa? Asi chenjererai mbiriso yavaFarisi navaSadhusi.” |
|
| 12 |
|
| Ipapo vakanzwisisa kuti ainge asingavaudzi kuti vachenjerere mbiriso inoshandiswa muchingwa, asi nezvedzidziso yavaFarisi navaSadhusi. |
|
| 13 |
|
| Jesu akati asvika kudunhu reKesaria Firipi, akabvunza vadzidzi vake akati, “Vanhu vanoti Mwanakomana woMunhu ndiani?” |
|
| 14 |
|
| Vakati, “Vamwe vanoti Johani Mubhabhatidzi, vamwewo vanoti Eria, vamwewo vachiti Jeremia kana mumwe wavaprofita.” |
|
| 15 |
|
| Akabvunza akati, “Ko, imi munoti ndini ani?” |
|
| 16 |
|
| Simoni Petro akapindura akati, “Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.” |
|
| 17 |
|
| Jesu akapindura akati, “Wakaropafadzwa iwe Simoni mwanakomana waJona, nokuti izvi hazvina kuzarurirwa kwauri nomunhu asi naBaba vangu vari kudenga. |
|
| 18 |
|
| Ndinoti kwauri, iwe ndiwe Petro, paruware urwu ndichavaka kereke yangu, kunyange masuwo eHadhesi haangaikundi. |
|
| 19 |
|
| Ndichakupa kiyi dzoumambo hwokudenga; chose chaunosunga pano pasi chichasungwa kudenga, uye chose chaunosunungura pano pasi nokudenga chichasunungurwa.” |
|
| 20 |
|
| Ipapo akayambira vadzidzi vake kuti vasaudze ani zvake kuti iye ndiye Kristu. |
|
| 21 |
|
| Kubva panguva iyoyo Jesu akatanga kutsanangurira vadzidzi vake kuti anofanira kuenda kuJerusarema kundotambudzwa zvizhinji pamaoko avakuru navaprista vakuru navadzidzisi vemirayiro uye kuti anofanira kuurayiwa nokumutswazve pazuva retatu. |
|
| 22 |
|
| Petro akamutora padivi akatanga kumutsiura, akati, “Hazviitiki, Ishe. Izvi hazvisi kuzoitika kwamuri!” |
|
| 23 |
|
| Jesu akatendeukira kwaari akati, “Enda shure kwangu Satani! Uri chigumburiso kwandiri nokuti hauna zvinhu zvaMwari mupfungwa dzako asi zvavanhu.” |
|
| 24 |
|
| Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, “Kana paine anoda kunditevera, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere. |
|
| 25 |
|
| Nokuti ani naani anoda kuchengetedza upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuwana. |
|
| 26 |
|
| Ko, munhu achabatsirwa nei kana akawana nyika yose, asi achirasikirwa noupenyu hwake? Kana kuti munhu acharipeiko kuti adzikinure upenyu hwake? |
|
| 27 |
|
| Nokuti Mwanakomana woMunhu achauya ari mukubwinya kwaBaba vake aine vatumwa vake ipapo achapa mubayiro kuno mumwe nomumwe maererano namabasa ake. |
|
| 28 |
|
| Ndinokuudzai chokwadi kuti vamwe vamire pano havazofi vasati vaona Mwanakomana woMunhu achiuya muumambo hwake.” |
|
|
|
|