|
| 1 |
|
| Panguva iyoyo vadzidzi vakauya kuna Jesu uye vakamubvunza vachiti, “Ndianiko mukuru pana vose muumambo hwokudenga?” |
|
| 2 |
|
| Akadana mwana muduku ndokumumisa pakati pavo. |
|
| 3 |
|
| Uye akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, kana musina kushanduka mukava savana vaduku, hamungatongopindi muumambo hwokudenga. |
|
| 4 |
|
| Naizvozvo ani naani anozvininipisa somwana uyu ndiye achava mukuru muumambo hwokudenga. |
|
| 5 |
|
| “Uye ani naani anogamuchira mwana muduku souyu muzita rangu anogamuchira ini. |
|
| 6 |
|
| Asi ani naani anoita kuti mumwe wavaduku vanotenda kwandiri atadze, zvaiva nani kwaari kuti asungirirwe guyo guru muhuro make agonyudzwa mugungwa makadzika. |
|
| 7 |
|
| “Ine nhamo nyika nokuda kwezvinhu zvinoita kuti vanhu vatadze! Zvinhu izvozvo zvinofanira kuuya asi ane nhamo munhu anoita kuti zviitike. |
|
| 8 |
|
| Ruoko rwako kana rutsoka rwako zvichikuita kuti utadze, zvidimure uzvirasire kure. Zviri nani kupinda muupenyu wakaremara kana kuti uchikamhina, pano kupinda mumoto usingadzimi uine maoko maviri namakumbo maviri. |
|
| 9 |
|
| Kana ziso rako richikuita kuti utadze ribvise urirasire kure. Zviri nani kuti upinde muupenyu uine ziso rimwe chete pane kunge uine maziso maviri asi ugokandwa mumoto wegehena. |
|
| 10 |
|
| “Onai kuti hamuzvidze mumwe wavaduku ava. Ndinokuudzai kuti vatumwa vavo kudenga vanogaroona chiso chaBaba vangu vari kudenga. |
|
| 11 |
|
| Nokuti Mwanakomana woMunhu akauya kuzoponesa chakarasika. |
|
| 12 |
|
| “Imi munofungei? Kana munhu ane makwai zana, rimwe chete rawo rikarasika, haangasiyi makumi mapfumbamwe ane pfumbamwe mumakomo achinotsvaka rakarasika here? |
|
| 13 |
|
| Uye kana akariwana, ndinokuudzai chokwadi kuti anorifarira kukunda makumi mapfumbamwe namapfumbamwe asina kurasika. |
|
| 14 |
|
| Nenzira imwe cheteyo Baba venyu vari kudenga havafariri kuti mumwe wavaduku ava arasike. |
|
| 15 |
|
| “Kana hama yako yakutadzira enda umuudze mhosva yake, muri vaviri chete. Kana akakunzwa wodzora hama yako. |
|
| 16 |
|
| Asi akaramba kuteerera, enda nomumwe kana vaviri kuitira kuti ‘nyaya imwe neimwe isimbiswe nezvapupu zviviri kana zvitatu.’ |
|
| 17 |
|
| Kana akaramba kuteerera, uudze kereke, kana akaramba kuteerera kunyange kereke, umutore zvako somuhedheni kana muteresi. |
|
| 18 |
|
| “Ndinokuudzai chokwadi kuti chose chamuchasunga pano pasi chichasungwa kudenga, nechamunosunungura pano pasi chichasunungurwa kudenga. |
|
| 19 |
|
| “Ndinokuudzai zvakare kuti kana vaviri venyu mukabvumirana pane chamunokumbira kuna Baba vangu vari kudenga, muchachiitirwa. |
|
| 20 |
|
| Nokuti panoungana vaviri kana vatatu muzita rangu, neni ndiripo pakati pavo.” |
|
| 21 |
|
| Ipapo Petro akauya kuna Jesu uye akamubvunza achiti, “Ishe, kanganiko kandingaregerera hama yangu kana achinditadzira? Kanomwe here?” |
|
| 22 |
|
| Jesu akapindura akati, “Kwete kanomwe chete, asi kakapetwa makumi manomwe ane nomwe. |
|
| 23 |
|
| “Naizvozvo, umambo hwokudenga hwakafanana namambo aida kuripirwa zvikwereti zvake navaranda vake. |
|
| 24 |
|
| Paakatanga kuzviongorora, murume ainge aine chikwereti chamatarenda zviuru gumia akauyiswa kwaari. |
|
| 25 |
|
| Sezvo ainge asingakwanisi kuripa chikwereti ichi, tenzi wake akaronga kuti iye nomudzimai wake, navana vake nezvose zvaaiva nazvo zvitengeswe kuti zviripe chikwereti. |
|
| 26 |
|
| “Muranda uya akazviwisira pamberi patenzi wake akamukumbira zvikuru achiti, ‘Ndiitireiwo mwoyo murefu, ndicharipa hangu zvose.’ |
|
| 27 |
|
| Tenzi womuranda uya akamunzwira tsitsi, ndokubva adzima chikwereti chose chiya, uye akamuregedza achienda zvake. |
|
| 28 |
|
| “Asi muranda uya paakabuda, akasangana nomumwewo muranda saiye ainge aine chikwereti chake chamadhenari zana. Akamubata ndokutanga kumudzipa. Akati, ‘Ndipe chikwereti changu!’ |
|
| 29 |
|
| “Muranda uya saiye akapfugama ndokumukumbira zvikuru achiti, ‘Ndiitirewo mwoyo murefu, ndichakupa chikwereti chako.’ |
|
| 30 |
|
| “Asi akaramba. Pamusoro pezvo akamusungisa uye akaita kuti aiswe mutorongo kusvikira aripa chikwereti chose. |
|
| 31 |
|
| Vamwe varanda vakati vaona zvakanga zvaitika, zvakavatambudza zvikuru ndokubva vanoudza tenzi wavo zvose zvakanga zvaitika. |
|
| 32 |
|
| “Tenzi akadana muranda uya akati, ‘Iwe muranda akaipa. Ndakadzima chikwereti changu chawaiva nacho nokuti wakandikumbira zvikuru. |
|
| 33 |
|
| Saka hawaifanira here kuva netsitsi kuno mumwe wako sezvandakakuitira iwe?’ |
|
| 34 |
|
| Nehasha tenzi wake akamuisa kune vejeri kuti arangwe zvinorwadza kusvikira aripa chikwereti chose chaaiva nacho. |
|
| 35 |
|
| “Izvi ndizvo zvichaitirwa mumwe nomumwe wenyu naBaba vangu vari kudenga kana musingaregereri hama yenyu nomwoyo wose.” |
|
|
: |
| 1 | | 2 | | 3 | | 4 | | 5 | | 6 | | 7 | | 8 | | 9 | | 10 | | 11 | | 12 | | 13 | | 14 | | 15 | | 16 | | 17 | | 18 | | 19 | | 20 | | 21 | | 22 | | 23 | | 24 | | 25 | | 26 | | 27 | | 28 | | 29 | | 30 | | 31 | | 32 | | 33 | | 34 | | 35 | 1
1
1 |
|
|---|
|
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/matthew/018.mp3
28
18