|
| 1 |
|
| Jesu akati aberekwa muBheterehemu reJudhea, pamazuva amambo Herodhi, tarira, vachenjeri vakasvika Jerusaremu vachibva mabvazuva, |
|
| 2 |
|
| vakati, “Aripiko Mambo wavaJudha akazvarwa? Nokuti takaona nyeredzi yake kumabvazuva, tauya kuzomupfugamira.” |
|
| 3 |
|
| Mambo Herodhi akati achizvinzwa, akatambudzika kwazvo, neJerusaremu rose naye. |
|
| 4 |
|
| Akakokera vapristi vakuru vose navanyori pakati pevanhu, akavabvunza kuti, “Kristu uchaberekerwepi.” |
|
| 5 |
|
| Vakati kwaari, “MuBheterehemu reJudhea; nokuti ndizvo zvakanyorwa nomuporofita, zvichinzi; |
|
| 6 |
|
| ‘Newe Bheterehemu, nyika yeJudhea, Hausi muduku kwazvo kuvabati vaJudha; Nokuti mauri muchabuda Mutungamiriri, Achafudza vanhu vangu vaIsiraeri.’ ” |
|
| 7 |
|
| Zvino Herodhi akadana vachenjeri, vari voga, akavabvunzisisa nguva yakaonekwa nyeredzi navo, |
|
| 8 |
|
| akavatuma Bheterehemu, akati, “Endai munatsobvunzisisa zvomwana; kana mamuwana, mundiudze, kuti neniwo ndiuye kuzomupfugamirawo.” |
|
| 9 |
|
| Vakati vanzwa mambo, vakaenda; zvino, tarira, nyeredzi yavakanga vaona kumabvazuva, yakavatungamirira, kusvikira yandomira pamusoro peimba makanga munomwana. |
|
| 10 |
|
| Vakati vaona nyeredzi, vakafara nomufaro mukuru-kuru. |
|
| 11 |
|
| Vakapinda mumba, vakawana mwana naMaria mai vake; vakawira pasi, vakamupfugamira; vakasunungura mabutwa avo, vakamupa zvipo zvendarama, nezvinonhuwira, nemura. |
|
| 12 |
|
| Vakati vanyeverwa pakurota naMwari, kuti varege kudzokera kuna Herodhi, vakaenda kunyika yavo neimwe nzira. |
|
| 13 |
|
| Vakati vaenda, tarira, mutumwa waIshe akaonekwa naJosefa pakurota, achiti, “Simuka, utore mwana namai vake, utizire Ijipiti, ugareko kusvikira ndichikuudza; nokuti Herodhi achatsvaka mwana kuti amuuraye.” |
|
| 14 |
|
| Akasimuka, akatora mwana namai vake usiku, akaenda Ijipiti, |
|
| 15 |
|
| akagarako kusvikira Herodhi afa, kuti zviitike zvakarehwa naIshe nomuromo womuporofita, achiti, “Ndakadana mwanakomana wangu abve Ijipiti.” |
|
| 16 |
|
| Zvino Herodhi, akati aona kuti anyengerwa navachenjeri, akatsamwa kwazvo-kwazvo; akatuma vanhu kundouraya vana vakomana vose vaiva muBheterehemu munyika yose yakapoteredza, vaiva namakore maviri navaduku kwavari, iri nguva yaakanzwisisa kuvachenjeri. |
|
| 17 |
|
| Zvikaitika zvakarehwa nomuporofita Jeremiya, achiti, |
|
| 18 |
|
| “Izwi rakanzwika muRama, Rokuchema nokurira kukuru; Rakeri achichema vana vake, Asingadi kunyaradzwa, nokuti havachipo.” |
|
| 19 |
|
| Herodhi akati afa, tarira, mutumwa waIshe akaonekwa naJosefa pakurota muIjipiti, |
|
| 20 |
|
| akati, “Simuka, utore mwana namai vake, uende kunyika yaIsiraeri, nokuti vaitsvaka kuuraya mwana vakafa.” |
|
| 21 |
|
| Akasimuka, ndokutora mwana namai vake, akasvika kunyika yaIsiraeri. |
|
| 22 |
|
| Asi, akati achinzwa kuti Arikerao wava mambo panzvimbo yababa vake Herodhi, akatya kuendako; akanyeverwa mukurota, akaenda kumativi enyika yeGariria; |
|
| 23 |
|
| akandogara muguta rinonzi Nazareta, kuti zvakarehwa navaporofita zviitike, kuti achanzi muNazareta. |
|
|
|
|