|
| 1 |
|
| Jesu akataurazve kwavari nemienzaniso achiti, |
|
| 2 |
|
| “Umambo hwedenga hungafanidzwe namambo akaitira mwanakomana wake mabiko omuchato. |
|
| 3 |
|
| Akatuma varanda vake kundodaidza avo vakanga vakokwa kumabiko omuchato; asi havana kuda kuuya. |
|
| 4 |
|
| Akatumazve vamwe varanda achiti indotaurirai vakakokwa vaya kuti, ‘Onai, ndagadzirira mabiko angu, ndabaya mombe, ndikabaya zvimhuru zvangu zvakakora. Zvose zvagadzirirwa. Chiuyai kumabiko omuchato.’ |
|
| 5 |
|
| Asi ivo havana kumboita hanya nazvo, vakabva vatoenda zvavo, mumwe kupurazi yake, mumwe kushawo yake. |
|
| 6 |
|
| “Vamwewo vakatobata varanda vake vakavafumura vakavauraya. |
|
| 7 |
|
| Mambo akashatirwa akatumira masoja ake akaparadza mhondi idzodzo. Akapisa guta ravo. |
|
| 8 |
|
| Akazoti kuvaranda vake, ‘Muchato wagadzirirwa asi vaya vakakokwa vanga vasina kukodzera. |
|
| 9 |
|
| Saka endai pamharadzano dzemigwagwa mundokoka kumabiko omuchato vose vamunenge makwanisa kuwana.’ |
|
| 10 |
|
| Varanda vaya vakafamba nemigwagwa vakakokorodza vose vavakakwanisa kuwana, vakanaka navakaipa. Saizvozvo zimba romuchato rakazara navakanga vakokwa. |
|
| 11 |
|
| “Mambo paakauya kuzoona vaeni, akaona imomo mumwe munhu akanga asina hanzu yomuchato. |
|
| 12 |
|
| Akati kwaari, ‘Shamwari, wapinda seiko muno usina hanzu yomuchato?’ Akabva aomerwa nerokutaura. |
|
| 13 |
|
| Mambo akati kuna vashandi vake, ‘Musungei maoko namakumbo mumukande murima rokunze.’ ” Ikoko vanhu vachachema nokurumanidza mazino. |
|
| 14 |
|
| Nokuti vazhinji vanodaidzwa asi vashoma ndivo vanosarudzwa. |
|
| 15 |
|
| VaFarisei vakaenda vakandoita musangano kuti vangamubate sei mukutaura kwake. |
|
| 16 |
|
| Vakatuma kwaari vadzidzi vavo pamwechete nevechikwata chokwaHerodhi vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri munhu ari pachokwadi uye kuti munodzidzisa gwara raMwari zviri pachokwadi musingatyi munhu nokuti hamunei nechigaro chino munhu. |
|
| 17 |
|
| Saka tiudzei kuti munofungei, zviri pamutemo here kutera mutero kuna Siza kana kuti kwete?” |
|
| 18 |
|
| Jesu akaziva uipi hwavo akati, “Munondiedzereiko nhai imi vanyengedzi? |
|
| 19 |
|
| Ndiratidzei mari yacho yamunotera nayo mutero.” Vakamuunzira mari chena yainzi dhenari. |
|
| 20 |
|
| Jesu ndokuti kwavari, “Ko mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvani?” |
|
| 21 |
|
| Vakati, “NdezvaSiza.” Iye ndokuvati, “Ipai zvaSiza kuna Siza, mupewo zvaMwari kuna Mwari.” |
|
| 22 |
|
| Pavakazvinzwa zvakavashamisa vakamusiya voenda zvavo. |
|
| 23 |
|
| Pazuva rimwechetero, vaSadhusei vakauyawo kwaari. Ndivo vaya vanoti zvokumuka kwavakafa hakuna. Vakamubvunza vachiti, |
|
| 24 |
|
| “Mudzidzisi, Mosesi akati kana murume akafa asina vana munun'una wake anofanira kumugara nhaka kuti aberekere mukoma vana. |
|
| 25 |
|
| Zvino pakati pedu kwaiva navarume, mukoma nomunun'una vanomwe. Wokutanga akaroora akafa asina kuita vana. Akasiya mukadzi wake kumunun'una wake. |
|
| 26 |
|
| Ndizvozvowo zvakaitika kune wechipiri newechitatu kusvika kune wechinomwe. |
|
| 27 |
|
| Mushure mavo vose, mukadzi uya akafa. |
|
| 28 |
|
| Ko zvino pakumuka kwavakafa achava mukadzi woupi pavanomwe ivava nokuti akambova wavo vose zvavo?” |
|
| 29 |
|
| Jesu akavapindura achiti, “Munokanganisa, nokuti hamuzivi Magwaro Matsvene uye simba raMwari. |
|
| 30 |
|
| Nokuti pakumuka kwavanhu kubva kuvafi, havazoroori kana kuroorwa. Asi vanenge vaita savatumwa vokudenga. |
|
| 31 |
|
| Pane zvokumuka kwavakafa hamuna kuverenga here zvakataurwa naMwari kwamuri achiti, |
|
| 32 |
|
| ‘Ndini Mwari waAbhurahamu naMwari Isaki, naMwari Jakobho. Haasi Mwari wavakafa asi Mwari wavapenyu?’ ” |
|
| 33 |
|
| Uuzhinji hwavanhu pahwakazvinzwa hwakashamiswa nechidzidziso chake. |
|
| 34 |
|
| VaFarisei pavakanzwa kuti akapwisa vaSadhusei, vakaungana. |
|
| 35 |
|
| Mumwe wavo aiva, gweta, akamubvunza mubvunzo wokumuedza achiti, |
|
| 36 |
|
| “Mudzidzisi ndoupi murao mukuru mumutemo?” |
|
| 37 |
|
| Jesu akati kwaari, “Ida Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose. |
|
| 38 |
|
| Iwoyu ndiwo mutemo mukuru uye wokutanga. |
|
| 39 |
|
| Wechipiri wakafanana naiwo unoti, ‘Ida mumwe wako sokuda kwaunozviita iwe pachako.’ |
|
| 40 |
|
| Mirao miviri iyoyi ndiyo misimboti yemitemo yose navaporofita.” |
|
| 41 |
|
| VaFarisei pavakanga vakaungana, Jesu akavabvunza mubvunzo |
|
| 42 |
|
| achiti, “Munofungei nezvaKristu? Mwanakomana waani?” Vakati kwaari, “Mwana waDhavhidhi.” |
|
| 43 |
|
| Iye akati kwavari, “Ko sei Dhavhidhi, afemerwa naMweya Mutsvene, anomuti Tenzi paanoti, |
|
| 44 |
|
| “ ‘Tenzi akati kuna tenzi wangu gara kurudyi rwangu, kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako?’ |
|
| 45 |
|
| Ko zvino kana Dhavhidhi achimuti, ‘Tenzi,’ ko angave Mwana wake sei?” |
|
| 46 |
|
| Hapana akagona kumupindura kana izwi zvaro. Uyewo kubvira pazuva iroro hapana akazofemerazve kumubvunza mibvunzo mimwe. |
|
|
|
|