|
| 1 |
|
| Ipapo Jesu akataura kuvanhu vazhinji nokuvadzidzi vake achiti, |
|
| 2 |
|
| “Vadzidzisi vomurayiro navaFarisi vagere pachigaro chaMozisi. |
|
| 3 |
|
| Saka munofanira kuvateerera muite zvinhu zvose zvavanokuudzai. Asi musaita zvavanoita, nokuti havaiti zvavanoparidza. |
|
| 4 |
|
| Vanosunga mitoro inorema voitakudza pamafudzi avanhu, asi ivo pachavo havadi kusimudza munwe kuti vaibvise. |
|
| 5 |
|
| Vanoita zvinhu zvose kuti vaonekwe navanhu. Vanotambanudza mafirakiteri avo uye vanorebesa pfunha dzenguo dzavo. |
|
| 6 |
|
| Vanoda zvigaro zvapamberi pamitambo nezvigaro zvapamusorosoro mumasinagoge. |
|
| 7 |
|
| Vanofarira kukwaziswa pamisika uye kuti vanzi ‘Rabhi’ navanhu.” |
|
| 8 |
|
| “Asi imi hamufaniri kunzi ‘Rabhi’ nokuti munongova naTenzi mumwe chete uye mose muri hama. |
|
| 9 |
|
| Musadana ani zvake ari panyika muchiti, ‘Baba’ nokuti munongova naBaba mumwe chete uye vari kudenga. |
|
| 10 |
|
| Uye musadaidzwa muchinzi ‘mudzidzisi’ nokuti muno Mudzidzisi mumwe chete iye Kristu. |
|
| 11 |
|
| Mukuru pakati penyu ndiye achava muranda wenyu. |
|
| 12 |
|
| Nokuti ani naani anozvikudza achaninipiswa uye ani naani anozvininipisa achakudzwa. |
|
| 13 |
|
| “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Nokuti munopfigira vanhu umambo hwedenga vachizviona. Imi pachenyu hamupindi, uye vaya vanoedza kupinda hamuvatenderi. |
|
| 14 |
|
| Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Munoparadza dzimba dzechirikadzi, uye munoita minyengetero mirefu kuti muonekwe. Naizvozvo muchatongwa zvakaomesesa. |
|
| 15 |
|
| “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Munofamba panyika napamakungwa kuti mutendeutse munhu mumwe chete. Kana atendeuka munomuita mwanakomana wegehena kakapetwa kaviri panemi. |
|
| 16 |
|
| “Mune nhamo imi vatungamiri mapofu! Imi munoti, ‘Kana munhu akapika netemberi, hazvina hazvo mhosva, asi kana munhu akapika negoridhe romutemberi anosungwa nemhiko yake.’ |
|
| 17 |
|
| Imi mapenzi amapofu! Chikuru chii: Goridhe netemberi inoita kuti goridhe rive dzvene? |
|
| 18 |
|
| Uyezve imi munoti, ‘Kana munhu upi zvake akapika nearitari hazvirevi chinhu, asi kana munhu upi zvake akapika nechipo chiri pairi, asungwa nemhiko yake.’ |
|
| 19 |
|
| Imi mapofu! Chikuru chii: Chipo kana kuti aritari inoita kuti chipo chive chitsvene? |
|
| 20 |
|
| Naizvozvo, uyo anopika nearitari anopika nayo nezvose zviri pairi. |
|
| 21 |
|
| Uye uyo anopika netemberi anopika nayo uye naiye anogara mairi. |
|
| 22 |
|
| Uye uyo anopika netemberi anopika nechigaro choushe chaMwari uye naiye anogara pachiri. |
|
| 23 |
|
| “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munopa chegumi chezvose zvinonhuwira zvinoti: mindi, anisi nekumini. Asi moshaya hanya nezvinhu zvinokosha zvomurayiro zvinoti: kururamisira, ngoni nokutendeka. Maifanira kuita izviwo musingakanganwi zvokutanga. |
|
| 24 |
|
| Imi vatungamiri mapofu, munomimina nyunyu asi muchimedza ngamera. |
|
| 25 |
|
| “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munosuka mikombe nendiro kunze asi mukati menyu muzere namakaro nokusazvidzora. |
|
| 26 |
|
| Iwe bofu romuFarisi! Tanga wachenesa mukati momukombe nendiro, uye ipapo kunze kwazvo kuchachenawo. |
|
| 27 |
|
| “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Makafanana namakuva akacheneswa kunze anotaridzika kuva akanaka kunze asi mukati muzere mapfupa avanhu vakafa nezvinhu zvose zvine tsvina. |
|
| 28 |
|
| Nenzira imwe cheteyo, munoonekwa navanhu kunze semakarurama asi mukati menyu muzere nounyengeri uye nohuipi. |
|
| 29 |
|
| “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munovaka makuva avaprofita nokushongedza makuva avakarurama. |
|
| 30 |
|
| Uye moti, ‘Dai takanga tararama pamazuva amadzitateguru edu, tingadai tisina kubatsirana navo pakuteura ropa ravaprofita.’ |
|
| 31 |
|
| Saka muri kuzvipupurira pachenyu kuti muri zvizvarwa zvaivavo vakaponda vaprofita. |
|
| 32 |
|
| Zvino chizadzisai chiyero chechivi chamadzitateguru enyu! |
|
| 33 |
|
| “Imi nyoka! Imi vana venyoka! Muchatiza seiko kutongwa kunokuendesai kugehena? |
|
| 34 |
|
| Naizvozvo ndiri kukutumirai vaprofita navachenjeri navadzidzisi. Vamwe vavo muchavauraya uye muchavaroverera pamuchinjikwa; vamwe muchavarova mumasinagoge enyu uye muchavadzingirira kubva kune rimwe guta kusvikira kune rimwe guta. |
|
| 35 |
|
| Uye nokudaro, ropa ravakarurama vose rakateurwa panyika richauya pamusoro penyu kubvira paropa raAbheri akanga akarurama kusvikira paropa raZakaria mwanakomana waBherekia uyo wamakauraya pakati petemberi nearitari. |
|
| 36 |
|
| Ndinokuudzai chokwadi kuti zvose izvi zvichava pamusoro porudzi urwu. |
|
| 37 |
|
| “Iwe Jerusarema, Jerusarema! Iwe unouraya vaprofita nokutaka namabwe avo vanotumirwa kwauri, kazhinji sei kandaidisa kuunganidza vana vako sezvinoita nhunzvi yehuku inounganidza hukwana dzayo pasi pamapapiro ayo. |
|
| 38 |
|
| Tarira, wasiyirwa imba yako rangova dongo. |
|
| 39 |
|
| Ndinokuudza kuti, hauchazondionizve kusvikira wati, ‘Akaropafadzwa anouya muzita raIshe.’ ” |
|
|
|
|