|
| 1 |
|
| Jesu akabuda mutemberi, uye paakanga achifamba kudaro, vadzidzi vake vakaswedera kwaari vakamuratidza dzimba dzetemberi. |
|
| 2 |
|
| Iye akati kwavari, “Muri kuona zvinhu izvi zvose here? Ndinokuudzai chokwadi kuti hakuna ibwe richasara pano riri pamusoro perimwe; ose achawisirwa pasi.” |
|
| 3 |
|
| Jesu akati agara paGomo reMiorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari voga vakati, “Tiudzei kuti zvinhu izvi zvichaitika rini, uye kuti chiratidzo chokuuya kwenyu nokuguma kwenyika chichava chei?” |
|
| 4 |
|
| Jesu akapindura akati, “Chenjerai kuti murege kunyengerwa nomunhu. |
|
| 5 |
|
| Nokuti vazhinji vachauya muzita rangu vachiti, ‘Ndini Kristu,’ uye vachinyengera vazhinji. |
|
| 6 |
|
| Muchanzwa nezvehondo uye neguhu rehondo, asi chenjerai kuti murege kuvhundutswa nazvo. Zvinhu zvakadaro zvinofanira kuitika asi kuguma kunenge kusati kwasvika. |
|
| 7 |
|
| Nokuti rudzi ruchamukira rumwe rudzi noumambo huchamukira humwe umambo. Kuchava nenzara nokudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakasiyana-siyana. |
|
| 8 |
|
| Asi zvose izvi mavambo okurwadziwa kwokubereka. |
|
| 9 |
|
| “Ipapo muchaiswa kuna vanokutambudzai mugourayiwa, uye muchavengwa nendudzi dzose nokuda kwangu. |
|
| 10 |
|
| Panguva iyoyo vazhinji vachadzokera shure kubva pakutenda uye vachamukirana vagovengana, |
|
| 11 |
|
| uye vaprofita vazhinji venhema vachamuka uye vachanyengera vanhu vazhinji. |
|
| 12 |
|
| Nokuda kwokuwanda kwokusarurama, rudo rwavazhinji ruchatonhora. |
|
| 13 |
|
| Asi uyo achatsungirira kusvikira kumagumo, achaponeswa. |
|
| 14 |
|
| Uye vhangeri iri roumambo richaparidzwa munyika yose souchapupu kumarudzi ose, ipapo kuguma kuchasvika. |
|
| 15 |
|
| “Saka pamunoona ‘nyangadzi yokuparadza’ yakataurwa nomuprofita Dhanieri, imire panzvimbo tsvene, anoverenga nganzwisise, |
|
| 16 |
|
| ipapo vari muJudhea ngavatizire kumakomo. |
|
| 17 |
|
| Uyo ari padenga reimba yake ngaarege kuburuka kuti andotora chinhu chipi zvacho chiri mumba make. |
|
| 18 |
|
| Ari mumunda ngaarege kudzokera kundotora nguo yake. |
|
| 19 |
|
| Zvichaoma sei mumazuva iwayo kuvakadzi vane mimba navaya vanoyamwisa! |
|
| 20 |
|
| Nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuitika panguva yechando kana nomusi weSabata. |
|
| 21 |
|
| Nokuti ipapo pachava nenhamo huru isina kumbovapo kubva pakuvamba kwenyika kusvika zvino uye haizombovapozve. |
|
| 22 |
|
| Dai mazuva iwayo asina kutapudzwa, hapana munhu airarama, asi nokuda kwavasanangurwa, mazuva iwayo achatapudzwa. |
|
| 23 |
|
| Panguva iyoyo, mukanzwa munhu anoti kwamuri, ‘Tarirai, hoyu Kristu!’ kana kuti, ‘Hoyo Kristu,’ musazvitenda. |
|
| 24 |
|
| Nokuti kuchamuka vanaKristu venhema navaprofita venhema avo vachaita zviratidzo nezvishamiso kuti vanyengere kunyange navasanangurwa kana zvichigoneka. |
|
| 25 |
|
| Tarirai, ndafanokuudzai zvisati zvaitika. |
|
| 26 |
|
| “Saka kana munhu upi zvake akakuudzai kuti, ‘Tarirai uyo ari kurenje,’ musabuda kuti muendeko kana kuti akati, ‘Tarirai, ari mudzimba dzomukati,’ musazvitenda. |
|
| 27 |
|
| Sezvinoita mheni inopenya kumabvazuva ichionekwawo kumavirira, ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana woMunhu. |
|
| 28 |
|
| Pose pano mutumbi ndipo pachaungana magora. |
|
| 29 |
|
| “Pakarepo shure kwokutambudzika kwamazuva iwayo, ‘zuva richasviba, uye mwedzi hauzovheneki; nyeredzi dzichawa kubva kudenga, namasimba omuchadenga achazungunuswa.’ |
|
| 30 |
|
| “Ipapo chiratidzo choMwanakomana woMunhu chichaonekwa kudenga, uye ndudzi dzose dzenyika dzichachema. Vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya ari mumakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru. |
|
| 31 |
|
| Uye achatuma vatumwa vake nokurira kwehwamanda kukuru uye vachaunganidza vasanangurwa vake kubva kumhepo ina dzenyika, kubva kuno rumwe rutivi rwedenga kusvikira kuno rumwe. |
|
| 32 |
|
| “Zvino dzidzai chidzidzo ichi kubva pamuonde: Panopfava matavi awo uye mashizha awo otungira, munoziva kuti zhizha rava padyo. |
|
| 33 |
|
| Saizvozvowo, nemiwo pamunoona zvinhu zvose izvi muzive kuti nguva yangu yava pedyo, yava pamusiwo. |
|
| 34 |
|
| Ndinokuudzai chokwadi kuti rudzi urwu harungatongopfuuri kusvikira zvinhu zvose izvi zvaitika. |
|
| 35 |
|
| Denga nenyika zvichapfuura asi mashoko angu haangatongopfuuri. |
|
| 36 |
|
| “Hapana anoziva musi kana nguva kunyange vatumwa vokudenga kana Mwanakomana, asi Baba chete. |
|
| 37 |
|
| Sezvazvakanga zvakaita pamazuva aNoa, ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu. |
|
| 38 |
|
| Nokuti sapamazuva iwayo mafashamu asati auya, vanhu vaidya nokunwa, vaiwana, nokuwanikwa kusvikira pazuva iro Noa akapinda muareka, |
|
| 39 |
|
| uye vakanga vasingazivi chinhu pamusoro pezvaizoitika kusvikira mafashamu avakukura vose. Ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu. |
|
| 40 |
|
| Varume vaviri vachange vari mumunda, mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa. |
|
| 41 |
|
| Vakadzi vaviri vachange vachikuya paguyo, mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa. |
|
| 42 |
|
| “Naizvozvo, garai makagadzirira nokuti hamuzivi zuva iro Ishe wenyu achauya naro. |
|
| 43 |
|
| Asi nzwisisai izvi: Dai muridzi weimba aiziva kuti inguva ipi yousiku ichauya mbavha, angadai airinda uye haaizotendera kuti imba yake ipazwe. |
|
| 44 |
|
| Naizvozvo nemiwo garai makagadzirira nokuti Mwanakomana woMunhu achauya nenguva yamusingamutarisiri. |
|
| 45 |
|
| “Ndiani zvino muranda akatendeka uye akachenjera uyo akaiswa natenzi wake kuti atarire varanda veimba yake kuti agovapa zvokudya panguva yakafanira? |
|
| 46 |
|
| Akaropafadzwa muranda uyo anowanikwa achiita izvozvo pakudzoka kwatenzi wake. |
|
| 47 |
|
| Ndinokuudzai chokwadi kuti achamugadza kuti ave mutariri wepfuma yake yose. |
|
| 48 |
|
| Asi ngatimboti muranda uyo akaipa uye oti mumwoyo make, ‘Tenzi wangu achange asipo kwenguva refu,’ |
|
| 49 |
|
| uye ipapo iye otanga kurova vamwe varanda uye kudya nokunwa nezvidhakwa. |
|
| 50 |
|
| Tenzi womuranda uyo achauya pazuva raasingatarisire napanguva yaasingazivi. |
|
| 51 |
|
| Achasvikomugura-gura agomuisa panzvimbo imwe chete navanyengeri apo pachava nokuchema nokurumanya kwameno. |
|
|
|
|