Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| “Panguva iyoyo umambo hwokudenga huchange hwakafanana navasikana gumi, vakatora mwenje yavo vakabuda kundochingamidza chikomba. |
| 2 |
| Vashanu vavo vakanga vari mapenzi uye vashanu vavo vakanga vakachenjera. |
| 3 |
| Mapenzi vaya vakatora mwenje yavo asi havana kuisa mafuta mairi. |
| 4 |
| Kunyange zvakadaro, vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo pamwe chete nemwenje yavo. |
| 5 |
| Chikomba chakanonoka kusvika, vakabatwa nehope ndokuvata. |
| 6 |
| “Pava pakati pousiku vakanzwa nemheremhere: ‘Chikomba chauya! Budai mumuchingamidze!’ |
| 7 |
| “Ipapo vasikana vose vakamuka uye vakagadziridza mwenje yavo. |
| 8 |
| Mapenzi akati kuna vakachenjera, ‘Tipeiwo mamwe emafuta enyu; mwenje yedu yava kudzima.’ |
| 9 |
| “Vakapindura vakati, ‘Kwete, zvimwe haangakwaniri isu nemi tose. Asi endai kuna vaya vanotengesa mafuta mugondozvitengera mamwe.’ |
| 10 |
| “Asi vachiri munzira kundotenga mafuta, chikomba chakasvika. Vasikana vakanga vakagadzirira vakapinda naye mumutambo wesvitsa uye musuo ukapfigwa. |
| 11 |
| “Pashure vamwe vaya vakadzokawo. Vakati, ‘Ishe! Ishe! Tizarurireiwo musuo!’ |
| 12 |
| “Asi akavapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi, handikuzivei.’ |
| 13 |
| “Naizvozvo garai makagadzirira nokuti hamuzivi musi kana nguva. |
| 14 |
| “Zvakare, zvichaita somurume akabuda kuti afambe rwendo, akadana varanda vake akavachengetesa pfuma yake. |
| 15 |
| Kuno mumwe akapa matarenda mashanua emari, uye kuno mumwe matarenda maviri, uye kuno mumwe tarenda rimwe chete, mumwe nomumwe maererano nokugona kwake. Ipapo akaenda zvake parwendo rwake. |
| 16 |
| Murume akapiwa matarenda mashanu akaenda pakarepo akandoshandisa mari yake akawanazve mamwe mashanu. |
| 17 |
| Saizvozvo uya aiva namatarenda maviri akawana mamwe maviri. |
| 18 |
| Asi murume akanga apiwa tarenda rimwe chete akaenda akandochera gomba muvhu ndokuviga mari yatenzi wake. |
| 19 |
| “Shure kwenguva refu tenzi wavaranda vaya akadzoka akagadzirisa nezvemari idzi navo. |
| 20 |
| Murume akanga apiwa matarenda mashanu akauya namamwe mashanu, akati, ‘Tenzi, makandipa matarenda mashanu, tarirai ndakawana mamwe mashanu.’ |
| 21 |
| “Tenzi wake akapindura akati, ‘Waita zvakanaka iwe muranda akanaka, akatendeka! Wanga wakatendeka pazvinhu zvishoma; ndichakuita mutariri wezvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro watenzi wako!’ |
| 22 |
| “Murume akanga apiwa matarenda maviri akauyawo. Akati, ‘Tenzi makandipa matarenda maviri, tarirai ndakawanazve mamwe maviri.’ |
| 23 |
| “Tenzi wake akapindura akati, ‘Waita zvakanaka, iwe muranda akanaka, akatendeka! Wanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuita mutariri wezvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro watenzi wako!’ |
| 24 |
| “Ipapo murume akanga apiwa tarenda rimwe chete akauya, akati, ‘Tenzi, ndakaziva kuti muri munhu akaoma, munokohwa pamusina kudyara uye munounganidza pamusina kukusha mbeu. |
| 25 |
| Nokudaro ndakatya ndikandocherera tarenda renyu muvhu. Tarirai, pfuma yenyu iyi.’ |
| 26 |
| “Tenzi wake akapindura akati, ‘Iwe muranda akaipa, ano usimbe! Saka wakanga uchiziva zvako kuti ndinokohwa pandisina kudyara nokuunganidza pandisina kukusha mbeu? |
| 27 |
| Zvino ungadai wakachengetesa mari yangu kune vamabhangi kuitira kuti pakudzoka kwangu ndaizoiwana yabereka. |
| 28 |
| “ ‘Mutorerei tarenda iri mupe kune uyo ane matarenda gumi. |
| 29 |
| Nokuti wose anazvo achapiwa zvimwe, achava nezvakawanda. Ani naani asina, kunyange nezvaanazvo achazvitorerwa. |
| 30 |
| Uye chikandai muranda uyo asingabatsiri kunze kurima, uko kuchava nokuchema nokurumanya kwameno.’ |
| 31 |
| “Mwanakomana woMunhu paanouya nokubwinya kwake, uye vatumwa vose vanaye, achagara pachigaro chake choushe mukubwinya kwokudenga. |
| 32 |
| Ndudzi dzose dzichaunganidzwa pamberi pake, achatsaura vanhu mumwe kubva kuno mumwe somufudzi anotsaura makwai kubva kumbudzi. |
| 33 |
| Achaisa makwai kurudyi rwake, uye mbudzi kuruboshwe rwake. |
| 34 |
| “Ipapo Mambo achati kuna avo vari kurudyi rwake, ‘Uyai imi makaropafadzwa naBaba vangu, mutore nhaka yenyu, umambo hwamakagadzirirwa kubva pakusikwa kwenyika. |
| 35 |
| Nokuti ndakanga ndine nzara mukandipa chokudya, ndakanga ndine nyota, mukandipa chokunwa, ndakanga ndiri mweni mukandipinza mumba, |
| 36 |
| ndakanga ndisina zvokupfeka mukandipfekedza, ndakanga ndichirwara mukandipepa, ndakanga ndiri mutorongo mukandishanyira.’ |
| 37 |
| “Ipapo vakarurama vachamupindura vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara tikakupai chokunwa? |
| 38 |
| Takakuonai riniko muri mweni tikakupinzai mumba, kana musina zvokupfeka tikakupfekedzai? |
| 39 |
| Takakuonai riniko muchirwara kana muri mutorongo tikakushanyirai?’ |
| 40 |
| “Mambo achapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi kuti, chose chamakaitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makazviitira ini.’ |
| 41 |
| “Ipapo achati kune avo vari kuruboshwe rwake, ‘Ibvai kwandiri imi makatukwa mupinde mumoto usingadzimi wakagadzirirwa dhiabhori navatumwa vake. |
| 42 |
| Nokuti ndakanga ndine nzara mukasandipa chokudya, ndakanga ndine nyota, mukasandipa chokunwa, |
| 43 |
| ndakanga ndiri mweni mukasandipinza mumba, ndakanga ndisina zvokupfeka mukasandipfekedza, ndakanga ndichirwara uye ndiri mutorongo mukasandishanyira.’ |
| 44 |
| “Naizvozvo vachapindura vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara kana mune nyota kana muri mweni kana musina zvokupfeka kana muchirwara kana muri mutorongo tikasakubatsirai?’ |
| 45 |
| “Achapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi kuti, zvose zvamusina kuitira mumwe wavaduku ava, hamuna kuzviitira ini.’ |
| 46 |
| “Ipapo vachaenda mukurangwa kusingaperi, asi vakarurama vachipinda muupenyu husingaperi.” |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/matthew/025.mp3
28
25