|
| 1 |
|
| “Umambo hwedenga huchafananidzwa navasikana vane gumi vakatora marambi avo vakaenda kundochingura muwani. |
|
| 2 |
|
| Vashanu vavo vakanga vasina kungwara, vamwe vashanuwo vakanga vakangwara. |
|
| 3 |
|
| Vakanga vasina kungwara vaya, pavakatora marambi avo, havana kutakura mamwe mafuta. |
|
| 4 |
|
| Asi vakachenjera vakatakura zvigubhu zvamafuta pamwechete namarambi avo. |
|
| 5 |
|
| Muwani paakanonoka vakanzwa hope ndokubva vakotsira. |
|
| 6 |
|
| Pakati pousiku pakaridzwa mhere yokuti, ‘Muwani wouya, budai mumuchingure.’ |
|
| 7 |
|
| Vasikana vaya vose vakamuka vakabatidza marambi avo. |
|
| 8 |
|
| Vasina kungwara vakati kuna vakangwara, ‘Tipungurireiwo mafuta enyu nokuti marambi edu ava kuda kudzima.’ |
|
| 9 |
|
| Asi vakangwara vakapindura vachiti, ‘Pamwe haangazotikwanira isu nemi. Zvirinani kuti muende kuna vanotengesa mundozvitengera.’ |
|
| 10 |
|
| Pavakanga vaenda kundotenga, muwani ndiye vhu kusvika. Vaya vakanga vakagadzirira vakapinda naye mumabiko omuchato. Gonhi ndiye dhwa kuzarirwa. |
|
| 11 |
|
| Mushure mezvo, vamwe vasikana vaya vakauya vachiti, ‘Tenzi, Tenzi tizarurireiwo.’ |
|
| 12 |
|
| Asi iye akapindura achiti, ‘Zvechokwadi ndinoti kwamuri handikuzivii. |
|
| 13 |
|
| Naizvozvo garirirai nokuti hamuzivi zuva kana nguva yacho.’ |
|
| 14 |
|
| “Ndinodaro nokuti umambo hwedenga huchaita somunhu akanga ava kuenda kurwendo akadaidza varanda vake akaturira kwavari zvinhu zvake. |
|
| 15 |
|
| Akapa mumwe wavo mari yematarenda mashanu, mumwe maviri, mumwe rimwechete, munhu nemunhu achipiwa maererano nezvaaikwanisa kuita. Ndokubva aenda zvake. |
|
| 16 |
|
| Uya akagamuchira mari yamatarenda mashanu akabva aenda pakarepo akandoita mhindu nayo, akaita mari yamamwe matarenda mashanu. |
|
| 17 |
|
| Ndizvozvowo zvakaita akapiwa mari yamatarenda maviri, akawana imwe mari yamatarenda maviri. |
|
| 18 |
|
| Asi uya akagamuchira mari yetarenda rimwechete akaenda akandoricherera pasi akaviga mari yatenzi wake. |
|
| 19 |
|
| Mumashure menguva ndefu, tenzi wavaranda vaya akauya akagadzirisana nezvemari yake navo. |
|
| 20 |
|
| Uya akagamuchira mari yamatarenda mashanu, akauya kwaari namamwe matarenda mashanu achiti, ‘Changamire, makandipa mari yamatarenda mashanu, haano matarenda mamwe mashanu andakashava.’ |
|
| 21 |
|
| Tenzi wake akati kwaari, ‘Hauchionaka muranda wakanaka wakatendeka. Wakatendeka mune zvidiki, ndavakukuita mutariri wezvakawanda. Saka chiuya tifare pamwechete neni tenzi wako.’ |
|
| 22 |
|
| Uya akapiwa mari yamatarenda maviri akauyawo achiti, ‘Changamire, makandipa mari yamatarenda maviri heino imwe mari yematarenda maviri yandakashava.’ |
|
| 23 |
|
| Tenzi wake akamuti, ‘Hauchionaka muranda wakanaka, wakatendeka. Wakatendeka mune zvidiki ndavakukuita mutariri wezvakawanda. Saka chiuya tifare pamwechete neni Tenzi wako.’ |
|
| 24 |
|
| Uyawo akagamuchira mari yetarenda rimwechete akauyawo akati, ‘Changamire, ndakazviziva kuti muri munhu akaoma. Imi munokohwa pamusina kudyara. Munounganidza pamusina kumbokusha. |
|
| 25 |
|
| Ndakatya, naizvozvo ndakaenda ndikandoviga mari yenyu pasi. Hei mari yenyu.’ |
|
| 26 |
|
| Tenzi wake akamupindura achiti, ‘Iwe uri muranda wakaipa, nyope yomunhu. Heya waitozviziva zvako kuti ndinokohwa pandisina kurima, ndichiunganidza pandisina kukusha? |
|
| 27 |
|
| Saka waifaniraka iwe kunge wakaisa mari yangu muBhangi. Pandainge ndauya ndaizowana mari yangu nemari yayainge yabereka. |
|
| 28 |
|
| Saka mutorerei mari iyoyo yetarenda muipe kune ane gumi remari yamatarenda. |
|
| 29 |
|
| Nokuti uyo anazvo anotopamhidzirwa zvimwe achitova nezvakatowanda — wanda asi uyo asina, kunyange chaanenge anacho achatorerwa. |
|
| 30 |
|
| Uye muranda uya asina maturo mukandei kunze kurima. Ikoko vanhu vachachema vachirumanidza mazino.’ |
|
| 31 |
|
| “Kana Mwanakomana womunhu wouya nembiri yake pamwechete navatumwa vose, achagara pachigaro chake choumambo chinembiri. |
|
| 32 |
|
| Marudzi ose avanhu achaunganidzwa pamberi pake. Iye achaparadzanisa vanhu, mumwe nomumwe, sokuparadzanisa kunoita mufudzi hwai nembudzi. |
|
| 33 |
|
| Achaisa hwai kurudyi rwake, mbudzi achidziisa kuruboshwe. |
|
| 34 |
|
| “Ipapo Mambo achati kuna vari kurudyi rwake, ‘Uyai imi makakomborerwa naBaba vangu, muwane nhaka youmambo yamakagadzirirwa kubvira pakutangisa kwapasi |
|
| 35 |
|
| nokuti ndakanga ndiine nzara mukandipa chokudya. Ndakanga ndiine nyota mukandipa chokunwa. Ndakanga ndiri muenzi mukandigamuchira. |
|
| 36 |
|
| Ndakanga ndisina chokupfeka mukandipfekedza. Ndakanga ndichirwara mukandishanyira. Ndaiva mujeri mukauya kwandiri?’ |
|
| 37 |
|
| “Vakarurama vachamupindura vachiti, ‘Tenzi ndirini watakakuonai muine nzara tikakupai chokudya kana kuti muine nyota tikakupai chokunwa? |
|
| 38 |
|
| Ndirini watakakuonai muri muenzi tikakugamuchirai kana kuti musina chokupfeka tikakupfekedzai? |
|
| 39 |
|
| Ndirini watakakuonai muchirwara kana kuti muri mujeri tikakushanyirai?’ |
|
| 40 |
|
| “Mambo achavapindura achiti, ‘Zvirokwazvo ndinoti kwamuri pamakaitira izvi kune mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makatoitira ini.’ |
|
| 41 |
|
| “Ipapo achati kuna vari kuruboshwe rwake, ‘Ibvai kwandiri imi makarengererwa rushambwa mupinde mumoto usingaperi wakagadzirirwa Dhiabhori navatumwa vake, |
|
| 42 |
|
| nokuti ndakanga ndiine nzara mukasandipa chokudya. |
|
| 43 |
|
| Ndakanga ndiine nyota mukasandipa chokunwa. Ndaiva mweni mukasandigamuchira. Ndakanga ndisina chokupfeka mukasandipa chokupfeka. Ndairwara uye ndaiva mujeri asi hamuna kundishanyira.’ |
|
| 44 |
|
| “Ivo vachapindurawo vachiti, ‘Tenzi ndirini watakakuonai muine nzara kana kuti muine nyota kana muri mweni kana musina chokupfeka kana kuti muchirwara kana kuti muri mujeri tikasakuitirai chinhu.’ |
|
| 45 |
|
| Iye achavapindura achiti, ‘Zvechokwadi chaizvo zvamusina kuzviita kuno mumwe wavadiki ava, hamuna kuzviita kwandiri?’ |
|
| 46 |
|
| “Ava vachaenda kuchirango chisingaperi asi vakarurama vachienda kuupenyu usingaperi.” |
|
|
|
|