Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Jesu akati apedza kutaura zvinhu izvi zvose, akati kuvadzidzi vake, |
| 2 |
| “Sezvamunoziva, Pasika yasarirwa namazuva maviri kuti isvike, Mwanakomana woMunhu achaendeswa kuti andorovererwa pamuchinjikwa.” |
| 3 |
| Ipapo vaprista vakuru navakuru vavanhu vakandoungana mumuzinda womuprista mukuru, ainzi Kaifasi, |
| 4 |
| uye vakarangana kuti vasunge Jesu namano vagomuuraya. |
| 5 |
| Vakati, “Asi kwete panguva yoMutambo nokuti pangaita bope pakati pavanhu.” namazana amadhora |
| 6 |
| Jesu paakanga ari muBhetani mumba momurume ainzi Simoni waMaperembudzi, |
| 7 |
| mumwe mukadzi akauya kwaari nechinu chamafuta anonhuwira, omutengo mukuru, akasvikoadururira pamusoro wake, agere patafura. |
| 8 |
| Vadzidzi vakati vachiona izvi, vakatsamwa uye vakati, “Kuparadza kwakadai kwaitirweiko? |
| 9 |
| Mafuta anonhuwira angadai atengeswa nomutengo mukuru kwazvo uye mari yacho yapiwa varombo.” |
| 10 |
| Achiziva izvi, Jesu akati kwavari, “Munotambudzireiko mukadzi uyu? Andiitira chinhu chakanaka kwazvo. |
| 11 |
| Varombo munavo nguva dzose, asi ini hamuneni nguva dzose. |
| 12 |
| Paadira mafuta anonhuwira pamuviri wangu, azviita kuti agadzirire kuvigwa kwangu. |
| 13 |
| Ndinokuudzai chokwadi kuti, kwose kwose kuchaparidzwa vhangeri iri munyika yose, zvaaita izvi zvichange zvichitaurwawo kuti vamurangarire nazvo.” |
| 14 |
| Ipapo mumwe wavane gumi navaviri, ainzi Judhasi Iskarioti, akaenda kuvaprista vakuru |
| 15 |
| akandobvunza achiti, “Muchandipei kana ndikamuuyisa kwamuri?” Saka vakamuverengera makumi matatu esirivha. |
| 16 |
| Kubva ipapo zvichienda mberi Judhasi akamirira mukana wokuti amuise kwavari. |
| 17 |
| Pazuva rokutanga roMutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, vadzidzi vakauya kuna Jesu vakasvikomubvunza vachiti, “Ndokupi kwamunoda kuti tindokugadzirirai kuti mugodyira Pasika?” |
| 18 |
| Akavapindura akati, “Endai muguta kuno mumwe murume munosvikomuudza kuti, ‘Mudzidzisi anoti: Nguva yangu yakatarwa yava pedyo. Ndichapemberera Pasika navadzidzi vangu mumba mako.’ ” |
| 19 |
| Saka vadzidzi vakaita sokurayirwa kwava kanga vaitwa vakandogadzira Pasika. |
| 20 |
| Ava madekwana Jesu akagara patafura navane gumi navaviri. |
| 21 |
| Vari pakati pokudya akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti mumwe wenyu achandipandukira.” |
| 22 |
| Vakasuwa zvikuru uye vakatanga, mumwe nomumwe kuti, “Chokwadi, ndini here, Ishe?” |
| 23 |
| Jesu akapindura akati, “Munhu aisa ruoko neni mundiro, ndiye achandipandukira |
| 24 |
| Mwanakomana woMunhu achaenda hake sokunyorwa kwazvakaitwa nezvake. Asi ane nhamo munhu uyo anopandukira Mwanakomana woMunhu! Zvingadai zvaiva nani kwaari dai asina kuberekwa.” |
| 25 |
| Zvino Judhasi uyo aizomupandukira akati, “Chokwadi, ndini here, Rabhi?” Jesu akapindura akati, “Hongu, ndiwe.” |
| 26 |
| Vachiri kudya, Jesu akatora chingwa, akavonga akachimedura, uye akapa vadzidzi vake, achiti, “Torai mudye; uyu ndiwo muviri wangu.” |
| 27 |
| Ipapo akatora mukombe, akavonga uye akavapa achiti, “Inwai mose. |
| 28 |
| Iri iropa rangu resungano itsva rinodururirwa vazhinji kuti vagoregererwa zvivi zvavo. |
| 29 |
| Ndinokuudzai kuti, handichazonwi zvibereko zvomuzambiringa kubvira zvino kusvikira zuva iro randichazvinwa patsva nemi muumambo hwaBaba vangu.” |
| 30 |
| Vakati vaimba rwiyo, vakabuda vakaenda kuGomo reMiorivhi. |
| 31 |
| Ipapo Jesu akati kwavari, “Usiku huno imi mose muchatiza nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “ ‘Ndicharova mufudzi, boka ramakwai rigopararira.’ |
| 32 |
| Asi mushure mokunge ndamuka, ndichafanotungamira kuGarirea.” |
| 33 |
| Petro akapindura akati, “Kunyange vamwe vose vakatiza nokuda kwenyu, ini handizoiti izvozvo.” |
| 34 |
| Jesu akati, “Ndinokuudza chokwadi kuti usiku huno chaihwo, jongwe risati rarira uchandiramba katatu.” |
| 35 |
| Asi Petro akati kwaari, “Kunyange ndichifanira kufa nemi, handingatongokurambai.” Vamwe vadzidzi vose vakadarowo. |
| 36 |
| Ipapo Jesu akaenda navadzidzi vake kunzvimbo inonzi Getsemani, uye akati kwavari, “Garai pano ini ndichienda apo kundonyengetera.” |
| 37 |
| Akatora Petro navanakomana vaZebhedhi vaviri akaenda navo, uye akatanga kuva neshungu, uye akatambudzika. |
| 38 |
| Ipapo akati kwavari, “Mweya wangu uri kushungurudzika kwazvo kusvika pakufa. Garai pano uye murinde pamwe chete neni.” |
| 39 |
| Akaenda mberi zvishoma, akawira pasi nechiso chake akanyengetera achiti, “Baba vangu, kana zvichibvira mukombe uyu ngaubviswe kwandiri. Asi kwete kuda kwangu asi kuda kwenyu.” |
| 40 |
| Ipapo akadzokera kuvadzidzi vake akavawana vavata. Akabvunza Petro achiti, “Varume, matadza kurinda neni kweawa imwe chete? |
| 41 |
| Rindai uye munyengetere kuti murege kupinda mukuedzwa. Mweya unoda, asi muviri wakaneta.” |
| 42 |
| Akaendazve kechipiri akanyengetera achiti, “Baba vangu, kana zvisingagoni kuti mukombe uyu ubviswe kwandiri kunze kwokutenge ndaunwa, kuda kwenyu ngakuitwe.” |
| 43 |
| Paakadzoka, akavawanazve vavata nokuti meso avo akanga azere nehope. |
| 44 |
| Saka akavasiya akaendazve uye akanyengetera kechitatu, achitaura zvimwe chetezvo. |
| 45 |
| Ipapo akadzokazve kuvadzidzi akati kwavari, “Muchakavata uye muchakazorora here? Tarirai, nguva yava pedyo, uye Mwanakomana woMunhu ari kupandukirwa achiiswa mumaoko avatadzi. |
| 46 |
| Simukai, ngatichiendai! Anondipandukira uya ouya!” |
| 47 |
| Paakanga achiri kutaura kudaro, Judhasi, mumwe wevane gumi navaviri akasvika. Akauya navanhu vazhinji vakanga vakabata minondo netsvimbo, vakanga vatumwa navaprista, vakuru navakuru vavanhu. |
| 48 |
| Zvino uya akamupandukira ainge avaudza chiratidzo achiti, “Uyo wandinotsvoda ndiye; mumusunge.” |
| 49 |
| Judhasi akaenda pakarepo kuna Jesu akati, “Kwaziwai, Rabhi!” uye akamutsvoda. |
| 50 |
| Jesu akamupindura achiti, “Shamwari, ita zvawavinga.” Ipapo varume vakaswedera pedyo vakabata Jesu, vakamusunga. |
| 51 |
| Ipapo mumwe waavo vaiva naJesu akavhomora munondo wake ndokugura nzeve yomuranda womuprista mukuru. |
| 52 |
| Zvino Jesu akati kwaari, “Dzorera munondo wako mumuhara mawo, nokuti vose vanovhomora munondo vachafa nomunondo. |
| 53 |
| Unofunga kuti handigoni here kukumbira kuna Baba vangu, vakandipa iye zvino, vatumwa vanopfuura mapoka makumi gumi namaviri? |
| 54 |
| Asi Magwaro angagozadziswa sei anoti zvinofanira kuitika saizvozvo?” |
| 55 |
| Panguva iyoyo Jesu akati kuvanhu vazhinji vaivapo, “Ko, ndinotungamira vapanduki here zvamauya neminondo netsvimbo kuzondibata? Mazuva ose ndaigara mutemberi ndichidzidzisa uye hamuna kundisunga. |
| 56 |
| Asi izvi zvose zvaitika kuti zvakanyorwa navaprofita zvizadziswe.” Ipapo vadzidzi vose vakamusiya uye vakatiza. |
| 57 |
| Vaya vakanga vasunga Jesu vakaenda naye kuna Kayafasi, muprista mukuru, uko kwakanga kwakaungana vadzidzisi vomurayiro navamwe vakuru. |
| 58 |
| Asi Petro akamutevera ari chinhambwe kusvikira paruvazhe rwomuprista mukuru. Akapinda akagara pasi pamwe chete navarindi kuti aone maperero azvo. |
| 59 |
| Vaprista vakuru nedare rose ramakurukota vakanga vachitsvaka zvapupu zvenhema kuti zvipomere Jesu mhosva kuti vamuuraye. |
| 60 |
| Asi havana zvavakawana, kunyange zvazvo zvapupu zvenhema zvakauya pamberi. Pakupedzisira, vaviri vakauya |
| 61 |
| vakati, “Munhu uyu akati, ‘Ndinogona kuputsa temberi yaMwari ndigoivakazve namazuva matatu.’ ” |
| 62 |
| Ipapo muprista mukuru akasimuka akati kuna Jesu, “Ko, haupinduri here? Uchapupu uhu hunorehwa navarume ava pamusoro pako ndohwei?” |
| 63 |
| Asi Jesu akaramba anyerere. Muprista mukuru akati kwaari, “Ndinokurayira, sezvo wapika naMwari mupenyu, kuti, ‘Tiudze kana uri iwe Kristu, Mwanakomana waMwari.’ ” |
| 64 |
| Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo zvamataura. Asi ndinoti kwamuri mose: Munguva inouya muchaona Mwanakomana woMunhu agere kurudyi rwaSamasimba uye achiuya ari mumakore okudenga.” |
| 65 |
| Ipapo muprista mukuru akabvarura nguo dzake akati, “Ataura zvinomhura. Tichagodirei zvimwe zvapupu? Tarirai, zvino manzwa kumhura kwake. |
| 66 |
| Munofungei nazvo?” Vakapindura vachiti, “Anofanira kufa!” |
| 67 |
| Ipapo vakamusvipira mate kumeso uye vakamurova netsiva. Vamwe vakamurova nembama |
| 68 |
| uye vakati, “Profita kwatiri, Kristu. Ndiani akurova?” |
| 69 |
| Zvino Petro akanga agere panze muruvazhe, uye mumwe muranda wechisikana akauya kwaari akati, “Newewo wakanga una Jesu weGarirea.” |
| 70 |
| Asi akaramba pamberi pavo vose achiti, “Handizivi zvauri kutaura nezvazvo.” |
| 71 |
| Ipapo akabuda akandomira pasuo apo paakaonekwa nomumwe musikana uyo akati kuvanhu vose vaivapo, “Munhu uyu akanga ana Jesu weNazareta.” |
| 72 |
| Akarambazve, akapika achiti, “Murume uyu handimuzivi!” |
| 73 |
| Mushure mechinguva, vaya vakanga vamirepo vakaenda kuna Petro vakasvikoti, “Zvechokwadi uri mumwe wavo nokuda kwamatauriro ako.” |
| 74 |
| Ipapo akatanga kuzvituka uye akapika kwavari achiti, “Murume uyu handimuzivi!” Pakarepo jongwe rakarira. |
| 75 |
| Ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rataurwa naJesu rokuti: “Jongwe risati rarira uchandiramba katatu.” Ipapo akabuda kunze akandochema zvikuru. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/matthew/026.mp3
28
26