|
| 1 |
|
| Ava mangwana, vapristi vakuru vose navakuru vavanhu vakarangana pamusoro paJesu kuti vamuuraye; |
|
| 2 |
|
| vakamusunga, vakaenda naye, vakamuisa kuna Pirato, aiva gavhuna. |
|
| 3 |
|
| Zvino Judhasi, uyo akamupandukira, akati achiona kuti atongerwa kufa, ndokuzvidya mwoyo, akadzosera mari iya makumi matatu esirivha kuvapristi vakuru navakuru vavanhu, |
|
| 4 |
|
| achiti, “Ndatadza, ndapandukira ropa risina chipomerwa.” Vakati, “Tine mhaka yeiko nazvo? Imhaka yako.” |
|
| 5 |
|
| Akakandira pasi mari iya mutemberi; akabva, akaenda ndokuzvisungirira. |
|
| 6 |
|
| Vapristi vakuru vakatora mari yesirivha, vakati, “Hazvina kufanira kuti ichengetwe munovigwa mari, zvauri mutengo weropa.” |
|
| 7 |
|
| Vakarangana, vakatenga nawo munda womuumbi wehari kuzovigapo vatorwa. |
|
| 8 |
|
| Naizvozvo munda uyo wakanzi, “Munda weropa” kusvikira zuva ranhasi. |
|
| 9 |
|
| Zvino zvakarehwa nomuporofita Jeremiya zvakaitika, zvinoti: “Vakatora mari yesirivha makumi matatu, Mutengo womunhu aitengeswa, Wakatarwa navana VaIsiraeri; |
|
| 10 |
|
| Vakatenga nawo munda womuumbi wehari, Sezvandakarairwa naIshe.” |
|
| 11 |
|
| Zvino Jesu akamira pamberi pagavhuna, gavhuna akamubvunza, akati, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akati kwaari, “Ndizvo zvamataura.” |
|
| 12 |
|
| Asi akati achipomerwa mhosva navapristi vakuru navakuru, haana kupindura chinhu. |
|
| 13 |
|
| Zvino Pirato akati kwaari, “Haunzwi zvinhu zvizhinji zvavanokupomedzera here?” |
|
| 14 |
|
| Asi haana kuvapindura, kunyangwe neshoko rimwechete, gavhuna akashamiswa kwazvo–kwazvo nazvo. |
|
| 15 |
|
| Zvino, pamutambo mubati aisisunungurira vanhu vazhinji musungwa mumwe, wavanenge vaida. |
|
| 16 |
|
| Nenguva iyo vaiva nomusungwa akakurumbira, ainzi Bharabhasi. |
|
| 17 |
|
| Naizvozvo vakati vaungana, Pirato akati kwavari, “Munoda kuti ndikusunungurirei aniko? Bharabhasi, kana Jesu, anonzi Kristu?” |
|
| 18 |
|
| Nokuti akanga achiziva kuti vakanga vamuisa kwaari negodo. |
|
| 19 |
|
| Zvino akati agere pachigaro chokutonga, mukadzi wake akatumira izwi kwaari, achiti, “Usava nemhaka nomunhu uyo akarurama; nokuti ndakatambudzika zvikuru nhasi pakurota nokuda kwake.” |
|
| 20 |
|
| Vapristi vakuru navakuru vakagombedzera vanhu vazhinji kuti vakumbire Bharabhasi, Jesu aurawe. |
|
| 21 |
|
| Gavhuna akapindura, akati kwavari, “Munoda kuti ndikusunungurirei aniko kuna ivavo vaviri?” Vakati, “Bharabhasi.” |
|
| 22 |
|
| Pirato akati kwavari, “Ndichagoiteiko naJesu, anonzi Kristu?” Vose vakati kwaari, “Ngaaroverwe pamuchinjikwa.” |
|
| 23 |
|
| Iye akati, “Chakaipa chaakagoita ndecheiko?” Vakanyanyisa kudanidzira, vachiti, “Ngaaroverwe pamuchinjikwa!” |
|
| 24 |
|
| Zvino Pirato, achiona kuti hazvibatsiri, asi kuti potomuka bope, akatora mvura, akageza maoko ake pamberi pavanhu vazhinji, achiti, “Handine mhaka neropa romunhu uyu akarurama; imhaka yenyu!” |
|
| 25 |
|
| Vanhu vose vakapindura, vakati, “Ropa rake ngarive pamusoro pedu napamusoro pavana vedu.” |
|
| 26 |
|
| Zvino akavasunungurira Bharabhasi, asi Jesu akamurovesa kwazvo, akamuisa kwavari, kuti aroverwe pamuchinjikwa. |
|
| 27 |
|
| Zvino varwi vaPirato vakaenda naJesu mumuzinda wagavhuna hondo yose ikaunganira kwaari. |
|
| 28 |
|
| Vakamubvisa nguo dzake, vakamufukidza nguo tsvuku; |
|
| 29 |
|
| vakaruka korona yeminzwa, ndokuiisa pamusoro wake; norutsanga muruoko rwake rworudyi; vakapfugama pamberi pake, vakamuseka, vachiti, “Kwaziwai, Mambo wavaJudha!” |
|
| 30 |
|
| Vakamupfira mate, vakatora rutsanga, vakaramba vachimurova musoro. |
|
| 31 |
|
| Vakati vamuseka, vakamubvisa nguo tsvuku, vakamupfekedza nguo dzake, vakaenda naye kundomurovera pamuchinjikwa. |
|
| 32 |
|
| Vakati vachibuda, vakawana munhu weKurini, ainzi Simoni; vakamumanikidza iye kuti atakure muchinjikwa wake. |
|
| 33 |
|
| Vakati vasvika panzvimbo inonzi, Gorogota, ndokuti, “Nzvimbo yedehenya,” |
|
| 34 |
|
| vakamupa waini yakavhenganiswa nenduru, kuti anwe; asi akati aravira, akaramba kunwa. |
|
| 35 |
|
| Vakati vamurovera pamuchinjikwa, vakagovana nguo dzake pakati pavo, vachikanda mijenya, (kuti zvakarehwa nomuporofita zviitike, zvinoti: Vakagovana nguo dzangu pakati pavo, vakakanda mijenya pamusoro pezvokufuka zvangu) |
|
| 36 |
|
| Vakagara, vakamurindapo. |
|
| 37 |
|
| Vakaisa pamusoro wake rugwaro rwemhosva yake, rwokuti, “UYU NDI JESU MAMBO WAVAJUDHA.” |
|
| 38 |
|
| Vakarovera pamwechete naye makororo maviri, mumwe kurudyi, mumwe kuruboshwe. |
|
| 39 |
|
| Vakanga vachipfuura, vakamunyomba, vachidzungudza misoro yavo, |
|
| 40 |
|
| vachiti, “Iwe wokuputsa temberi, nokuivakazve namazuva matatu, chizviponesa. Kana uri Mwanakomana waMwari, buruka pamuchinjikwa.” |
|
| 41 |
|
| Saizvozvo vapristi vakuru, navanyori navakuru, vakamuseka, vachiti, |
|
| 42 |
|
| “Akaponesa vamwe; haagoni kuzviponesa! Ndiye Mambo waVaIsiraeri! Ngaaburuke zvino pamuchinjikwa, titende kwaari. |
|
| 43 |
|
| Aivimba naMwari; ngaachimusunungura zvino pamuchinjikwa, kana achimuda; nokuti akati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari.’ ” |
|
| 44 |
|
| Namakororo akanga aroverwa pamuchinjikwa pamwechete naye, akamuzvidza saizvozvo. |
|
| 45 |
|
| Zvino kubva panguva yechitanhatu kusvikira panguva yepfumbamwe, rima rakavapo panyika yose. |
|
| 46 |
|
| Nenguva inenge yepfumbamwe, Jesu akadana nezwi guru, achiti, “Eri, Eri, rama sabakitani?” Ndokuti, “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?” |
|
| 47 |
|
| Vamwe vakanga vamirepo, vachinzwa, vakati, “Uyo anodana Eriya.” |
|
| 48 |
|
| Pakarepo mumwe wavo wakamhanya, akatora chifovefove, akachizadza nevhiniga, ndokuchiisa parutsanga, akamunwisa. |
|
| 49 |
|
| Vamwe vakati, “Regai, timboona kana Eriya achizouya kumuponesa.” |
|
| 50 |
|
| Zvino Jesu akadanidzirazve nezwi guru, ndokubva afa. |
|
| 51 |
|
| Ipapo tarira, chidzitiro chetemberi chakabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi; nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka; |
|
| 52 |
|
| mahwiro akazaruka, zvitunha zvizhinji zvavarurami, vakanga vavete, zvakamutswa; |
|
| 53 |
|
| zvikabuda pamahwiro, iye akati amuka, vakapinda muguta dzvene, vakaonekwa navazhinji. |
|
| 54 |
|
| Zvino mukuru wezana, navagariri vaJesu naye, vakati vachiona kudengenyeka kwenyika, nezvakaitwa, vakatya zvikuru, vakati, “Zvirokwazvo uyu akanga ari Mwanakomana waMwari.” |
|
| 55 |
|
| Vakadzi vazhinji vakanga varipo, vakatarira vari kure, vakanga vatevera Jesu, vachibva Gareriya vachimushandira. |
|
| 56 |
|
| Pakati pavo kwakanga kuna Maria Magadharene, naMaria mai vaJakobho naJose, namai vavanakomana vaZebhedhi. |
|
| 57 |
|
| Zvino ava madeko kukasvika mumwe mupfumi weArimatia, ainzi Josefa, akanga ari mudzidzi waJesu, |
|
| 58 |
|
| akaenda kuna Pirato, akakumbira chitunha chaJesu. Pirato akarayira kuti apiwe. |
|
| 59 |
|
| Josefa akatora chitunha, akachiputira nomucheka muchena, |
|
| 60 |
|
| akauviga muhwiro hwake hutsva, hwaakanga azvigadzirira iye; akakungurusira ibwe guru pamuromo wehwiro, akabva oenda. |
|
| 61 |
|
| Maria Magadharene, nomumwe Maria, vakanga varipo vagere vakatarisana nohwiro. |
|
| 62 |
|
| Fume mangwana ndiro zuva raitevera zuva roKugadzirira vapristi vakuru naVaFarisi vakaungana kuna Pirato, |
|
| 63 |
|
| vakati, “Ishe, tinorangarira kuti munyengeri uyu, achiri mupenyu, akati, ‘Mazuva matatu apfuura, ndichamuka.’ |
|
| 64 |
|
| “Saka rairai kuti hwiro huchengetwe kusvikira pazuva retatu, kuti vadzidzi varege kuuya kumuba, vagoti kuvanhu, akamutswa kuvakafa; kurasika kwokupedzisira kukazopfuura kwokutanga.” |
|
| 65 |
|
| Pirato akati kwavari, “Imi muna vagariri; endai muhuchengete sezvamunoziva.” |
|
| 66 |
|
| Vakaenda, vakandochengeta hwiro, vakaisa chinamatidzo chokusimbisa pabwe. |
|
|
|
|