|
| 1 |
|
| Zvino kuzoti Sabata rapfuura, mambakwedza ezuva rokutanga revhiki, Maria Magadharena nomumwe Maria uya vakaenda kuguva. |
|
| 2 |
|
| Heko kundengendeka kukuru kwenyika kwakaitika nokuti mutumwa waMwari akaburuka kubva kudenga. Akauya akakungurutsa dombo riya ndokugara pamusoro paro. |
|
| 3 |
|
| Aitarisika semheni, hanzu dzake dzakachena kuti mbuu samazaya echando. |
|
| 4 |
|
| Mapurisa aya akadedera nokumutya vakati papata sokunge vafa. |
|
| 5 |
|
| Asi mutumwa akati kumadzimai, “Imi musatye henyu nokuti ndinoziva kuti murikutsvaka Jesu akaroverwa pamuchinjikwa. |
|
| 6 |
|
| Haapo pano nokuti amuka sezvaakareva. Uyai muone paanga arere. |
|
| 7 |
|
| Zvino chiendai nokukurumidza mundoudza vadzidzi vake kuti amuka muvafi. Arikufanokutungamirirai kuGarirea. Muchamuona ikoko. Hezvoka ndakutaurirai.” |
|
| 8 |
|
| Nokudaro vakabva paguva nokukurumidza zvabatana nokutya nokufara kukuru. Vakamhanya kundoudza vadzidzi vake. |
|
| 9 |
|
| Jesu akabva asangana navo akati, “Kwaziwai” ivo vakauya kwaari vakabata tsoka dzake vachimugwadamira. |
|
| 10 |
|
| Jesu akati kwavari, “Musatye. Chiendai mundotaurira hama dzangu kuti dziende kuGarirea. Ndiko kwavachandiona ikoko.” |
|
| 11 |
|
| Madzimai aya pavakanga vachienda, mamwe mapurisa aya akaenda muguta akataurira vapristi vakuru zvose zvakanga zvaitika. |
|
| 12 |
|
| Vakaita dare navakuru vakuru ndokuita zano rokupa masoja chitsama chakati kuti chemari |
|
| 13 |
|
| vachiti, “Taurirai vanhu kuti vadzidzi vake vakauya usiku vakamuba isu takakotsira.” |
|
| 14 |
|
| Izvi zvikanzwika munzeve dzagavhuna, isu ndisu tichapedzerana naye kuti murege kuva nechinokutambudzai. |
|
| 15 |
|
| Saizvozvowo vakatora mari iya vakaita sezvavakanga vataurirwa. Rungano urwu rwakaparidzirwa muvaJudha kusvika pari nhasi. |
|
| 16 |
|
| Vane gumi nomumwechete vakaenda kuGarirea, kugomo ravakanga vataurirwa naJesu. |
|
| 17 |
|
| Pavakamuona vakamugwadamira asi vamwe vakanga vasina chokwadi nazvo. |
|
| 18 |
|
| Jesu akauya akati kwavari, “Simba rose pasi nokudenga rakapiwa kwandiri. |
|
| 19 |
|
| Naizvozvo endai mundodzidzisa marudzi ose avanhu muvaombeke muzita raBaba neroMwanakomana neraMweya Mutsvene |
|
| 20 |
|
| muchivadzidzisa kuchengeta zvose zvandakuudzai. Uye tarisai muone, ndinemi nguva dzose kusvikira kuguma kwapasi.” |
|
|
|
|