Shona Bible 2002
|
| 1 |
| Namazuva iwayo Johani Mubhabhatidzi akauya achiparidza murenje reJudhea, achiti, |
| 2 |
| “Tendeukai, nokuti ushe hwokudenga hwaswedera pedyo.” |
| 3 |
| Nokuti uyu ndiye wakarehwa nomuporofita Isaya, achiti, “Izwi raanodana murenje: ‘Gadzirai nzira yaIshe, Ruramisai migwagwa yake.’ ” |
| 4 |
| Iye Johani aiva nenguo yamakushe engamera, nebhanhire reganda pachiuno chake; zvokudya zvake zvaiva mhashu nouchi hwemusango |
| 5 |
| Zvino veJerusaremu rose neJudhea nenyika yose yakapoteredza Jorodhani vakabudira kwaari, |
| 6 |
| vakabhabhatidzwa naye murwizi Jorodhani vachireurura zvivi zvavo. |
| 7 |
| Asi akati achiona vazhinji vavaFarisi navaSadhusi vachiuya kuzobhabhatidzwa, akati kwavari, “Vana venyoka, ndianiko akakunyeverai kuti mutize kutsamwa kunouya? |
| 8 |
| Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka. |
| 9 |
| Musafunga kutaura mumwoyo menyu, muchiti, ‘Abhurahamu ndibaba vedu;’ nokuti ndinoti kwamuri, ‘Mwari angamutsira Abhurahamu vana pamabwe awa.’ |
| 10 |
| Zvino sanhu ratoiswa pamudzi wemiti; saka muti mumwe nomumwe usingabereki michero yakanaka, unotemwa, ukakandirwa mumoto. |
| 11 |
| Ini ndinokubhabhatidzai nemvura, kuti mutendeuke; asi anouya shure kwangu, anesimba, kupfuwureni, wandisakafanira kutakura shangu dzake; iye achakubhabhatidzai naMweya Mutsvene nomoto. |
| 12 |
| Rusero rwake ruri muruoko rwake; achanatsa buriro rake kwazvo; achaunganidzira koroni mudura, asi hundi achaipisa mumoto usingadzimwi.” |
| 13 |
| Zvino Jesu akabva Gariria, akasvika kuna Jorodhani kuzobhabhatidzwa naJohani. |
| 14 |
| Asi Johani akaedza kumudzivisa, akati, “Ndini ndinofanira kubhabhatidzwa nemi, ko mouya kwandiri sei?” |
| 15 |
| Asi Jesu akapindura akati, “Chirega hako zvino, nokuti saizvozvo zvakafanira kuti tizadzise kururama kwose.” Johani ndokubva atenda hake. |
| 16 |
| Jesu, akati abhabhatidzwa, pakarepo akabuda mumvura; zvino, tarira, denga rakamuzarukira, akaona Mweya waMwari achiburuka senjiva, akauya pamusoro pake. |
| 17 |
| Zvino tarira, izwi rakabva kudenga, richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu mudiwa, wandinofarira!” |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona2002/matthew/003.mp3
28
3