|
| 1 |
|
| Mumazuva iwayo Johani Mubhabhatidzi akauya achiparidza murenje reJudhea, |
|
| 2 |
|
| achiti, “Tendeukai, nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo.” |
|
| 3 |
|
| Uyu ndiye akataurwa kubudikidza nomuprofita Isaya zvichinzi: “Inzwi rounodanidzira murenje richiti, ‘Gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake.’ ” |
|
| 4 |
|
| Nguo dzaJohani dzakanga dzakagadzirwa nemvere dzengamera uye akanga akasunga bhanhire redehwe muchiuno chake. Zvokudya zvake zvaiva mhashu nouchi. |
|
| 5 |
|
| Vanhu vakabuda vakaenda kwaari vachibva muJerusarema nomuJudhea yose nomudunhu rose reJorodhani. |
|
| 6 |
|
| Vachireurura zvivi zvavo vakabhabhatidzwa naye murwizi rweJorodhani. |
|
| 7 |
|
| Asi paakaona vaFarisi navaSadhusi vachiuya kwaaibhabhatidzira akati kwavari, “Imi vana venyoka! Ndiani akakuyambirai kuti mutize kutsamwa kuchauya? |
|
| 8 |
|
| Berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka. |
|
| 9 |
|
| Uye musafunga kuti mungati, ‘Tina Abhurahama sababa vedu.’ Ndinokuudzai kuti Mwari anogona kumutsa vamwe vana vaAbhurahama kubva pamabwe aya. |
|
| 10 |
|
| Demo ratoiswa pamidzi yemiti uye muti wose usingabereki zvibereko zvakanaka uchatemwa ugokandwa mumoto. |
|
| 11 |
|
| “Ini ndinokubhabhatidzai nemvura kuti mutendeuke. Asi shure kwangu kuchauya mumwe mukuru kwandiri, wandisina kukodzera kunyange kutakura shangu dzake. Achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nomoto. |
|
| 12 |
|
| Rusero rwuri muruoko rwake, uye achanatsa buriro rake, achiunganidza gorosi mudura, uye achizopisa hundi mumoto usingadzimi.” |
|
| 13 |
|
| Ipapo Jesu akabva kuGarirea akauya kuJorodhani kuti azobhabhatidzwa naJohani. |
|
| 14 |
|
| Asi Johani akaedza kumudzivisa achiti, “Ini ndini ndinotofanira kubhabhatidzwa nemi, imi mouya sei kwandiri?” |
|
| 15 |
|
| Jesu akati, “Ngazvive saizvozvo iye zvino; zvakafanirwa kuti tiite izvi kuti tizadzise kururama kwose.” Ipapo Johani akabvuma hake. |
|
| 16 |
|
| Jesu angobhabhatidzwa, akabuda mumvura. Panguva iyoyo denga rakazaruka, uye akaona Mweya waMwari uchiburuka senjiva uye ukasvikogara paari. |
|
| 17 |
|
| Inzwi rakabva kudenga richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wandinoda, wandinofarira.” |
|
|
|
|