Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Ipapo Jesu akatungamirirwa naMweya Mutsvene kurenje kuti andoedzwa nadhiabhori. |
| 2 |
| Mushure mokunge atsanya kwamazuva makumi mana nousiku huna namakumi mana, akanzwa nzara. |
| 3 |
| Muedzi akauya kwaari akasvikoti, “Kana uri Mwanakomana waMwari, rayira mabwe aya kuti ave chingwa.” |
| 4 |
| Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararame nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo waMwari.’ ” |
| 5 |
| Ipapo dhiabhori akamutora akaenda naye muguta dzvene uye akandomuita kuti amire pachiruvi chetemberi, akati, |
| 6 |
| “Kana uri Mwanakomana waMwari, zviwisire pasi, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Acharayira vatumwa vake pamusoro pako uye vachakusimudza namaoko avo kuti urege kugumburisa rutsoka rwako nebwe.” |
| 7 |
| Jesu akamupindura akati, “Kwakanyorwawo kuchinzi, ‘Usaedza Ishe Mwari wako.’ ” |
| 8 |
| Dhiabhori akamutorazve akaenda naye pamusoro pegomo refu kwazvo uye akamuratidza ushe hwose hwenyika nokubwinya kwahwo, |
| 9 |
| akati, “Zvose izvi ndichakupa kana ukandikotamira uye ukandinamata.” |
| 10 |
| Jesu akati kwaari, “Ibva pandiri Satani! Nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe Mwari wako uye umushumire iye oga.’ ” |
| 11 |
| Ipapo dhiabhori akamusiya, uye vatumwa vakauya vakamushandira. |
| 12 |
| Jesu akati anzwa kuti Johani akanga aiswa mutorongo, akadzokera kuGarirea. |
| 13 |
| Achibva kuNazareta, akaenda akandogara kuKapenaume, guta raiva pamahombekombe egungwa mudunhu reZebhuruni neNafutari, |
| 14 |
| kuti azadzise zvakarehwa nomuprofita Isaya achiti: |
| 15 |
| “Nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari, nzira inoenda kugungwa, ichitevedza Jorodhani, Garirea ravaHedheni, |
| 16 |
| vanhu vaigara murima vakaona chiedza chikuru; kune avo vaigara munyika yomumvuri worufu, chiedza chavhenekera.” |
| 17 |
| Kubva panguva iyoyo zvichienda mberi, Jesu akatanga kuparidza achiti, “Tendeukai nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo.” |
| 18 |
| Jesu paakanga achifamba pedyo negungwa reGarirea, akaona varume vaviri, Simoni ainzi Petro nomunun'una wake Andirea. Vakanga vachikanda mambure avo mugungwa nokuti vaiva vabati vehove. |
| 19 |
| Jesu akati kwavari, “Uyai munditevere, uye ndichakuitai vabati vavanhu.” |
| 20 |
| Pakarepo vakabva vasiya mambure avo, vakamutevera. |
| 21 |
| Achibva ipapo, akaonazve vamwe varume vaviri vaiva mukoma nomunun'una, Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomunun'una wake Johani. Vakanga vari mugwa nababa vavo Zebhedhi vachigadzira mambure avo. Jesu akavadana, |
| 22 |
| uye pakarepo vakasiya igwa nababa vavo vakamutevera. |
| 23 |
| Jesu akapota neGarirea rose achidzidzisa mumasinagoge avo nokuparidza nhau dzakanaka dzoumambo uye achiporesa hosha dzose nourwere hwose pakati pavanhu. |
| 24 |
| Mukurumbira wake wakapararira muSiria yose, uye vanhu vakauya kwaari navose vairwara nezvirwere zvakasiyanasiyana, avo vaitambudzwa namarwadzo akanyanya, vakanga vakabatwa namadhimoni, vaiva nezvipusha, nevakanga vakafa mitezo, uye akavaporesa. |
| 25 |
| Vanhu vazhinji kwazvo vaibva kuGarirea, Dhekapori, Jerusarema, Judhea nedunhu riri mhiri kweJorodhani vakamutevera. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/matthew/004.mp3
28
4