|
| 1 |
|
| Akati aburuka pagomo, vanhu vazhinji zhinji vakamutevera. |
|
| 2 |
|
| Tarira, munhu ana maperembudzi akauya kwaari, akamupfugamira, akati, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.” |
|
| 3 |
|
| Akatambanudza ruoko rwake, akamubata, akati, “Ndinoda; chinatswa!” Pakarepo maperembudzi ake akanatswa. |
|
| 4 |
|
| Jesu akati kwaari, “Tarira, usaudza munhu; asi enda, uzviratidze kumupristi, ubayire chipo chakarairwa naMosesi, chive chapupu kwavari.” |
|
| 5 |
|
| Akati apinda Kapenaume, mumwe mukuru wezana akauya kwaari, akakumbira zvikuru kwaari, |
|
| 6 |
|
| achiti, “Ishe, muranda wangu avete kumba, akafa mitezo, asi anotambudzika kwazvo.” |
|
| 7 |
|
| Akati kwaari, “Ndichauya kuzomuporesa.” |
|
| 8 |
|
| Mukuru wezana akapindura, akati, “Ishe, handina kufanirwa kuti mupinde mumba mangu; asi taurai henyu shoko rimwechete, muranda wangu achapora. |
|
| 9 |
|
| Nokuti neniwo ndiri munhu anorairwa, ndina varwi pasi pangu; ndinoti kuno mumwe, ‘Enda!’ Anoenda; kuno mumwe, ‘Uya!’ Anouya; nokumuranda wangu, ‘Ita chichi!’ Anochiita.” |
|
| 10 |
|
| Jesu, akati achinzwa izvozvo, akashamiswa, akati kuna vakanga vachitevera, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, “Handina kumboona kutenda kwakadai, kunyangwe napakati paVaIsiraeri. |
|
| 11 |
|
| Ndinoti kwamuri, vazhinji vachauya vachibva kumabvazuva, nokumavirira, vachagara naAbhurahamu, naIsaka, naJakobho, muushe hwedenga, |
|
| 12 |
|
| asi vanakomana voushe vachabudiswa kurima rokunze; apo pachava nokuchema nokugeda–geda kwameno.” |
|
| 13 |
|
| Zvino Jesu akati kumukuru wezana, “Enda uitirwe sokutenda kwako.” Muranda wake akapora nenguva iyo. |
|
| 14 |
|
| Jesu, akati achipinda mumba maPetirosi, akaona vambuya vaPetirosi vavete, vachinzwa fivha. |
|
| 15 |
|
| Akabata ruoko rwavo, fivha ikabva kwavari, vakasimuka, vakamushumira. |
|
| 16 |
|
| Ava madekwana, vakauya kwaari navazhinji vaiva nemweya yakaipa; akabudisa mweya neshoko, akaporesa vose vairwara. |
|
| 17 |
|
| Kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita Isaya, achiti, “Iye akatora utera hwedu, akatakura zvirwere zvedu.” |
|
| 18 |
|
| Jesu, akati achiona vanhu vazhinji vakamukomba, akaraira kuti vayambukire mhiri. |
|
| 19 |
|
| Zvino mumwe munyori akauya akati kwaari, “Mudzidzisi, ndichakuteverai kwose kwamunoenda.” |
|
| 20 |
|
| Jesu akati kwaari, “Makava ana mwena, neshiri dzokudenga dzina matendere; asi Mwanakomana womunhu haana paangatsamidza musoro wake.” |
|
| 21 |
|
| Mumwe wavadzidzi akati kwaari, “Ishe, nditenderei henyu, ndimbondoviga baba vangu.” |
|
| 22 |
|
| Asi Jesu wakati kwaari, “Nditevere; rega vakafa vavige vakafa vavo.” |
|
| 23 |
|
| Akati apinda muigwa, vadzidzi vake vakamutevera. |
|
| 24 |
|
| Ipapo dutu guru rikamuka mugungwa, nokudaro igwa rakafukidzwa namafungu; asi iye akanga avete. |
|
| 25 |
|
| Zvino vadzidzi vake vakauya, vakamumutsa, vakati, “Ishe, tiponesei, tofa!” |
|
| 26 |
|
| Akati kwavari, “Munotyireiko, imi vokutenda kushoma?” Zvino akamuka, akaraira dutu negungwa; kudzikama kukuru kukavapo. |
|
| 27 |
|
| Vanhu vakashamiswa, vakati, “Uyu munhu kunyi, zvaanotererwa nedutu negungwa?” |
|
| 28 |
|
| Akati asvika mhiri kunyika yavaGadhara, vanhu vaviri vaiva nemweya yakaipa vakasangana naye, vachibva kumakuva; vakanga vane hasha kwazvo kwazvo, naizvozvo kwakanga kusina munhu aigona kupfuura nenzira iyoyo. |
|
| 29 |
|
| Zvino vakadanidzira, vachiti, “Tinemhaka yeiko nemi, Mwanakomana waMwari? Mauya pano kuzotitambudza, nguva isati yasvika here?” |
|
| 30 |
|
| Kwakanga kune boka guru renguruve dzakanga dzichifura kure navo. |
|
| 31 |
|
| Mweya yakaipa ikakumbira zvikuru kwaari, ichiti, “Kana muchitibudisa, mutitumire kuboka renguruve.” |
|
| 32 |
|
| Akati kwairi, “Endai.” Ikabuda, ikapinda munguruve; boka rose rikamhanyira kumawere kugungwa, dzikafira mumvura. |
|
| 33 |
|
| Ipapo vaidzifudza vakatiza, vakaenda kuguta, vakataura zvose, nezvakaitirwa vakanga vane mweya yakaipa. |
|
| 34 |
|
| Zvino guta rose rikabuda kundosangana naJesu; vakati vachimuona, vakakumbira zvikuru kwaari kuti abve munyika yavo. |
|
|
|
|