|
| 1 |
|
| Jesu paakapinda mugwa, akayambuka ndokusvika kuguta rake. |
|
| 2 |
|
| Havo vamwe vanhu vakauya nomunhu akanga akatonhora mitezo akati rabada pabonde rake! Jesu paakaona chitendero chavo akati kune munhu uya akatonhora mitezo, “Tsunga mwoyo mwanangu, zvitadzo zvako zvaregererwa.” |
|
| 3 |
|
| Ipapo dzimwe nyanzvi dzomutemo dzakati, nechomumwoyo, “Munhu uyu ari kushonha Mwari.” |
|
| 4 |
|
| Zvino Jesu zvaaiziva zvavaifunga akati; “Munofungirei zvakaipa mumwoyo yenyu. |
|
| 5 |
|
| Ko chakareruka ndechipi kuti, ‘Zvitadzo zvako zvaregererwa.’ Kana kuti, ‘Simuka ufambe?’ |
|
| 6 |
|
| Zvino kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu ane simba panyika rokuregerera zvitadzo” akati kune munhu uya akanga akatonhora mitezo, “Simuka utore bonde rako uende kumusha.” |
|
| 7 |
|
| Akasimukawo akaenda kumusha. |
|
| 8 |
|
| Gungano riya parakazviona rakatya rikarumbidza Mwari akanga apa simba rakadaro kuvanhu. |
|
| 9 |
|
| Jesu paakabva ipapo avakuenda, akaona mumwe murume anonzi Mateu agere pahofisi yomutero. Akati kwaari, “Nditevere.” Iye akabva asimuka omutevera. |
|
| 10 |
|
| Paakanga akagara pakudya mumba, vateresi vazhinji navatadzi vakauya vakagara pasi vachidya naJesu navadzidzi vake. |
|
| 11 |
|
| VaFarisei pavakazviona vakati kuna vadzidzi vake, “Sei mudzidzisi wenyu achidya navateresi navatadzi?” |
|
| 12 |
|
| Paakazvinzwa akati; “Vakukutu havadi chiremba asi vanorwara. |
|
| 13 |
|
| Endai munodzidza izvi kuti zvinorevei zvokuti, ‘Ndinoda tsitsi kwete chibayiro’ nokuti handina kuuya kuzodaidza vakarurama asi vatadzi.” |
|
| 14 |
|
| Vadzidzi vaJohani vakauya kwaari vachiti, “Ko isu navaFarisei tinotsanya sei asi vadzidzi venyu havatsanyi?” |
|
| 15 |
|
| Jesu akati kwavari, “Vanhu vanenge vakokwa kumuchato vangasuwa here muwani vachinaye? Mazuva achauya pachabviswa muwani pavari. Ndipo pavachatsanya. |
|
| 16 |
|
| Hakuna munhu anosonerera chiremo chejira idzva pahanzu tsaru. Chigamba chinotobvarura hanzu tsaru iya. Ichitobva yanyanya kubvaruka. |
|
| 17 |
|
| Uye waini itsva haiiswi muzvigubhu zvamatehwe zvitsaru. Zvikaitwa saizvozvo, zvigubhu zvinoputika waini ichirasika zvoparara. Aiwa itsva inofanira kuiswa muzvigubhu zvitsva. Saizvozvo zvose zvinobva zvachengeteka.” |
|
| 18 |
|
| Jesu paakanga achiri kutaura kwavari mumwe mutungamiri akapinda akapfugama pamberi pake achiti, “Mwanasikana wangu afa iye zvino izvi. Uyai muzoisa ruoko rwenyu paari, achararama.” |
|
| 19 |
|
| Jesu akasimuka akamutevera pamwechete navadzidzi vake. |
|
| 20 |
|
| Pakabva pauya mumwe mudzimai akanga aine chirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri. Akauya necheshure kwake akabata mupendero wehanzu yake |
|
| 21 |
|
| nokuti akazviti nechemumwoyo, “Ndikangobata chete hanzu yake ndichava wadi.” |
|
| 22 |
|
| Jesu akatendeuka akamuona akati, “Tsunga mwoyo mukunda, chitendero chako chakuponesa.” |
|
| 23 |
|
| Jesu paakasvika kumba kwomutungamiri uya, akaona vokuridza nyere negungano ravanhu richiita mhere mhere. |
|
| 24 |
|
| Iye akati, “Budai nokuti musikana haana kufa, akakotsira.” Vakamuseka. |
|
| 25 |
|
| Chikwata chavanhu pachakaburitswa, Jesu akapinda akamubata ruoko. Musikana ndokubva amuka. |
|
| 26 |
|
| Mukurumbira wake wakapararira mudunhu iroro rose. |
|
| 27 |
|
| Jesu paakabva ipapo, varume vaviri vaiva mapofu vakamutevera vachidaidzira zvikuru vachiti, “Tinzwireiwo tsitsi, Mwanakomana waDhavhidhi.” |
|
| 28 |
|
| Paakapinda mumba mapofu aya akauya kwaari. Jesu akati kwaari, “Munotenda kuti ndinokwanisa kuita izvi here?” Vakati kwaari, “Hongu Tenzi.” |
|
| 29 |
|
| Akabata maziso avo akati, “Ngazviitwe kwamuri sokutenda kwenyu.” Maziso avo akabva azaruka. |
|
| 30 |
|
| Jesu akavakohomedza achiti, “Ngwarirai kuti pasave nomunhu anozviziva.” |
|
| 31 |
|
| Asi vakaenda vakaparadzira mukurumbira wake mudunhu rose iroro. |
|
| 32 |
|
| Pavakabva ipapo, pakauiswa munhu aiva mbeveve akagarwa nomweya wakaipa. |
|
| 33 |
|
| Mweya wakaipa pawakaburitswa, mbeveve iya yakataura. Gungano rakashamiswa richiti, “Hakuna kumboonekwa zvakadai muIsiraeri.” |
|
| 34 |
|
| Asi vaFarisei vakati, “Anodzinga mweya yakaipa nesimba rejinda roMweya yakaipa.” |
|
| 35 |
|
| Jesu akafamba nomumaguta ose nomumisha achidzidzisa mumasinagogu avo achiparidza Shoko Rakanaka roumambo achirapa zvirwere zvose namatenda ose. |
|
| 36 |
|
| Paakaona gungano ravanhu, akavanzwira tsitsi nokuti vaitambura vasina chingavabatsire sehwai dzisina mufudzi. |
|
| 37 |
|
| Ipapo akati kuna vadzidzi vake, “Zvinoda kukohwiwa zvakawanda asi vakohwi vashoma, |
|
| 38 |
|
| naizvozvo, namatai kuna Tenzi wezvinoda kukohwiwa kuti atumire vakohwi mumunda wake unoda kukohwiwa.” |
|
|
|
|