|
| 1 |
|
| Akapinda muigwa, akayambuka, ndokusvika kuguta rake. |
|
| 2 |
|
| Zvino vakauya kwaari nomunhu akanga akafa mitezo achiona kutenda kwavo, akati kumunhu akanga akafa mitezo, “Mwana, tsunga mwoyo, waregererwa zvivi zvako.” |
|
| 3 |
|
| Zvino vamwe vavanyori vakati mumwoyo yavo, “Munhu uyu anoshonha Mwari.” |
|
| 4 |
|
| Asi Jesu achiziva mifungo yavo, akati, “Munofungireiko zvakaipa mumwoyo yenyu? |
|
| 5 |
|
| Nokuti Chiiko chakareruka, kuti, ‘Waregererwa zvivi zvako,’ kana kuti, ‘Simuka, ufambe?’ |
|
| 6 |
|
| Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi,” (akati kumunhu akanga akafa mitezo,) “Simuka, tora nhoo dzako, uende kumba kwako!” |
|
| 7 |
|
| Akasimuka, akaenda kumba kwake. |
|
| 8 |
|
| Vanhu vazhinji vakati vachizviona, vakatya, vakarumbidza Mwari, akapa vanhu simba rakadai. |
|
| 9 |
|
| Jesu akati achibvapo, akaona munhu, ainzi Mateu, agere panotereswa, akati kwaari, “Nditevere!” Ipapo akasimuka, akamutevera. |
|
| 10 |
|
| Zvino akati agere pakudya mumba, tarira, vateresi vazhinji navatadzi vakauya vakagara pakudya naJesu navadzidzi vake. |
|
| 11 |
|
| Zvino VaFarisi vachizviona, vakati kuvadzidzi vake, “Mudzidzisi wenyu anodyireiko navateresi navatadzi?” |
|
| 12 |
|
| Iye, achizvinzwa, akati, “Vasingarwari havatsvaki n'anga, asi vanorwara. |
|
| 13 |
|
| Asi endai, mudzidze kuti ndokudiniko kuti, ‘Ndinoda ngoni, handidi chibayiro;’ nokuti handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi.” |
|
| 14 |
|
| Zvino vadzidzi vaJohani vakauya kwaari, vakati, “Isu, naVaFarisi, tinozvinyimireiko zvokudya kazhinji, asi vadzidzi venyu havazvinyimi neiko?” |
|
| 15 |
|
| Jesu akati kwavari, “Shamwari dzemuwani dzingachema seiko muwani dzichinaye? Asi mazuva achasvika, achabviswa muwani kwavari; nenguva iyo vachazvinyima zvokudya. |
|
| 16 |
|
| “Hakuna munhu anoisa chiremo chitsva panguo yakasakara; nokuti chakasonerwa chinobvarura nguo, buri rikanyanya. |
|
| 17 |
|
| Havadiriwo waini itsva muhombodo tsaru, nokuti hombodo dzingaparuka, waini ikateuka, nehombodo dzikapararawo; asi vanodira waini itsva muhombodo itsva, zviviri zvose zvichengeteke.” |
|
| 18 |
|
| Akati achavaudza izvozvo, mumwe mukuru akasvikapo, akamupfugamira, akati, “Mukunda wangu afa ikozvino, asi uyai muise ruoko rwenyu pamusoro pake, ararame.” |
|
| 19 |
|
| Ipapo Jesu akasimuka, akamutevera navadzidzi vake. |
|
| 20 |
|
| Zvino mumwe mukadzi, aiva nokurwara kwokubuda ropa makore ane gumi namaviri, akauya shure kwake, akabata mupendero wenguo yake; |
|
| 21 |
|
| nokuti akati nechomumwoyo, “Kana ndikabata nguo yake bedzi, ndichaponeswa.” |
|
| 22 |
|
| Asi Jesu akatendeuka, akamuona, akati, “Mukunda, tsunga mwoyo, kutenda kwako kwakuponesa.” Mukadzi akaponeswa kubva panguva iyo. |
|
| 23 |
|
| Zvino Jesu akati asvika mumba momukuru, akaona varidzi venyere navanhu vazhinji vachiita mhere–mhere, |
|
| 24 |
|
| akati kwavari, “Ibvai, nokuti musikana haana kufa, asi avete.” Vakamuseka. |
|
| 25 |
|
| Asi vanhu vazhinji vakati vabudiswa, akapinda, akabata ruoko rwake, musikana ndokumuka. |
|
| 26 |
|
| Mukurumbira wazvo ukapararira kunyika iyo yose. |
|
| 27 |
|
| Zvino Jesu akati achibvapo, mapofu maviri akamutevera, akadanidzira, achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwirei ngoni!” |
|
| 28 |
|
| Akati apinda mumba, mapofu akauya kwaari; Jesu akati kwaari, “Munotenda kuti ndinogona kuita izvozvo here?” Akati kwaari, “Hongu, Ishe!” |
|
| 29 |
|
| Zvino akabata meso avo, akati, “Muitirwe sokutenda kwenyu.” |
|
| 30 |
|
| Meso avo akasvinudzwa. Jesu akavaraira zvikuru, akati, “Chenjerai kuti zvirege kuzikanwa nomunhu.” |
|
| 31 |
|
| Asi vakabuda, vakamurumbidza munyika iyo yose. |
|
| 32 |
|
| Vakati vachibuda, tarira, vakauya kwaari nomunhu akanga ari mbeveve aiva nomweya wakaipa. |
|
| 33 |
|
| Mweya wakaipa ukati wabudiswa, mbeveve ikataura; vanhu vazhinji vakashamiswa, vakati, “Hakuna kumboonekwa zvakadai pakati paVaIsiraeri.” |
|
| 34 |
|
| Asi VaFarisi vakati, “Anobudisa mweya yakaipa nomukuru wemweya yakaipa.” |
|
| 35 |
|
| Zvino Jesu wakapota namaguta ose nemisha, achidzidzisa mumasinagoge avo, achiparidza vhangeri youshe, nokuporesa kurwara kwose noukosha hwose. |
|
| 36 |
|
| Asi akati achiona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vaneta, vakaraswa, samakwai asina mufudzi. |
|
| 37 |
|
| Zvino akati kuvadzidzi vake, “Zvirokwazvo kukohwa kukuru, asi vakohwi vashoma. |
|
| 38 |
|
| Naizvozvo kumbirai kuna Ishe wokukohwa kuti abudise vakohwi mukukohwa kwake.” |
|
|
|
|