|
| 1 |
|
| Vakati vasvika pedo neJerusarema, paBhetifage neBhetaniya, pagomo reMiorivhi, akatuma vaviri vavadzidzi vake, |
|
| 2 |
|
| akati kwavari: Endai kumusha wakatarisana nemwi; pakarepo kana muchangopinda mauri, muchawana dhongwana rakasungirwa, risina-kumbotaswa nomunhu; murisunugure, mugovuya \add naro\add*. |
|
| 3 |
|
| Kana munhu akati kwamuri: Munoitireiko izvi? Muti: Ishe unorida. Pakarepo ucharitumira pano. |
|
| 4 |
|
| Vakaenda, vakandowana dhongwana rakasungirwa pamukova kunze, pamharadzano dzenzira; vakarisunungura. |
|
| 5 |
|
| Vamwe vavakanga vamirepo vakati kwavari: Munoiteiko muchisunungura dhongwana? |
|
| 6 |
|
| Vakavavudza sezvakarairwa naJesu; vakavarega vachiinda. |
|
| 7 |
|
| Zvino vakavuya nedhongwana kunaJesu; vakakandira nguvo dzavo pamusoro paro, akagara pamusoro paro. |
|
| 8 |
|
| Navazhinji vakawarira nguvo dzavo munzira, navamwe vakatema matavi pamiti vakawarira munzira. |
|
| 9 |
|
| Zvino avo vakanga vachitungamira, navakanga vachitevera, vakadanidzira, vachiti: Hosana*! Wakaropafadzwa iye unovuya muzita raShe; |
|
| 10 |
|
| hwakaropafadzwa ushe hwaBaba vedu Dhavhidhi, hwunovuya muzita raIshe! Hosana* kumusoro-soro! |
|
| 11 |
|
| Ipapo Jesu wakapinda Jerusarema nemutembere; akati aringa-ringa zvinhu zvose, zuva zvarakanga ravira, akabuda, akaenda Bhetaniya navanegumi navaviri. |
|
| 12 |
|
| Zvino fume mangwana vakati vachibva Bhetaniya, akanzwa nzara. |
|
| 13 |
|
| Zvino \add wakati\add* achivona muvonde uri kure, unamashizha, akaendako achiti zvimwe angawana chinhu pauri; zvino achisvika pauri, haana kuwana chinhu, asi mashizha; nokuti yakanga isi nguva yamavonde. |
|
| 14 |
|
| Zvino Jesu akapindura, akati kwauri: Kusava nomunhu unozodya zvibereko pauri kubva zvino nokusingaperi. Vadzidzi vake vaka\add zvi\add*nzwa. |
|
| 15 |
|
| Vakasvika Jerusarema; Jesu akapinda mutembere, akatanga kudzingira panze avo vaitengesa navaitenga mutembere; akakwidibira matafura avaitsinhanhisa mari, nezvigaro zvaivo vaitengesa njiva. |
|
| 16 |
|
| Zvino akasatendera munhu kuti atakure mudziyo achipfuvura nemutembere. |
|
| 17 |
|
| Akadzidzisa, achiti kwavari: Hakuna kunyorwa here \add kuchinzi\add*: Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yamarudzi ose? Asi imwi makaiita bako ramakororo. |
|
| 18 |
|
| Zvino vanyori navaprista vakuru vaka\add zvi\add*nzwa, vakatsvaka kuti vangamuparadza sei; nokuti vakanga vachimutya, nokuti chaunga chose chakashamiswa nedzidziso yake. |
|
| 19 |
|
| Zvino ava madekwana, wakabuda kunze kweguta, |
|
| 20 |
|
| Zvino mangwanani vakati vachipfuvura, vakavona muvonde wawoma kubva pamidzi. |
|
| 21 |
|
| Petro akarangarira akati kwaari: Mudzidzisi, tarirai muvonde wamakatuka wawoma. |
|
| 22 |
|
| Jesu akapindura, akati kwavari: Ivai nokutenda kunaMwari. |
|
| 23 |
|
| Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Mumwe nomumwe unoti kugomo iri: Simudzwa, ukandwe mugungwa, asingakahadziki mumoyo make, asi achitenda kuti zvinhu izvo zvaanoreva zvichaitika, zvuchaitika kwaari zvose zvaanoreva. |
|
| 24 |
|
| Naizvozvo ndinoti kwamuri: Zvinhu zvose zvose zvamunokumbira muchinyengetera, tendai kuti muchagamuchira, zvino muchawana. |
|
| 25 |
|
| Kana mukamira muchinyengetera, kangamwirai kana munemhaka nomumwe; kuti naBaba venyuvo vari kudenga, vakukangamwirei kudarika kwenyu. |
|
| 26 |
|
| Asi kana imwi musingakangamwiri naBaba venyu vari kudenga havakangamwirivo kudarika kwenyu. |
|
| 27 |
|
| Vakasvikazve Jerusarema; zvino wakati achifamba mutembere, vaprista vakuru navanyori navakuru vakavuya kwaari, |
|
| 28 |
|
| zvino vakati kwaari: Unoita zvinhu izvozvi nesimba ripiko? Ndianiko wakakupa simba rokuita zvinhu izvi? |
|
| 29 |
|
| Jesu akapindura akati kwavari: Nenivo ndichakubvunzai mubvunzo mumwe, mundipindure, neni ndichakuvudzaivo simba randinoita naro zvinhu izvozvi. |
|
| 30 |
|
| Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabva kudenga, kana kuvanhu? Ndipindurei, |
|
| 31 |
|
| Vakataurirana, vachiti: Kana tikati: Kudenga, uchati: Makagoregerei kumutenda? |
|
| 32 |
|
| Asi kana tikati: Kuvanhu; vakanga vachitya vanhu; nokuti vose vakanga vachiverenga Johwani kuti muporofita zvirokwazvo. |
|
| 33 |
|
| Vakapindura vachiti kuna Jesu: Hatizivi. Jesu akapindura akati kwavari: Nenivo handingakuvudziyivo kuti ndinoita zvinhu izvi nesimba ripi. |
|
|
|
|