Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Vakati vachiswedera Jerusaremu, paBhetifage neBhetania, pagomo reMiorivhi, akatuma vaviri vavadzidzi vake, |
| 2 |
| akati kwavari, “Endai kumusha wakatarisana nemi; pakarepo kana muchipinda mauri, muchawana mhuru yembongoro yakasungirwa, isina kumbotasva nomunhu; muisunungure, mugouya nayo. |
| 3 |
| Kana munhu akati kwamuri, munoitireiko kudaro? Muti, Ishe anoida. Pakarepo achaidzora pano.” |
| 4 |
| Vakaenda, vakandowana mhuru yembongoro yakasungirwa kunze pamusuwo, pamharadzano dzenzira, vakaisunungura. |
| 5 |
| Vamwe vakanga vamirepo, vakati kwavari, “Munoiteiko zvamunosunungura mhuru yembongoro?” |
| 6 |
| Vakavaudza sezvavakarairwa naJesu; vakavarega. |
| 7 |
| Zvino vakauya nemhuru yembongoro kuna Jesu, vakawarira nguo dzavo pamusoro payo; iye ndokuitasva. |
| 8 |
| Vazhinji vakawarira nguo dzavo panzira, navamwe mashizha avakanga vatema mubundo. |
| 9 |
| Avo vakanga vachitungamira, navakanga vachitevera vakadanidzira, vachiti, “Hosana, ngaakudzwe iye anouya muzita raIshe. |
| 10 |
| Ngahukudzwe ushe hwababa vedu Dhavhidhi, hunouya! Hosana kumusoro–soro!” |
| 11 |
| Ipapo Jesu akapinda Jerusaremu mutemberi; akati aringa–ringa zvinhu zvose, zuva zvarakanga ravira, akabuda, akaenda Bhetania ana vane gumi navaviri. |
| 12 |
| Fume mangwana vakati vachibva Bhetania, akaziya; |
| 13 |
| zvino akati achiona muonde uri kure unamashizha, akaendako, achiti, zvimwe angawana chinhu pauri; zvino achisvika pauri, haana kuwana chinhu, asi mashizha bedzi; nokuti yakanga isi nguva yamaonde. |
| 14 |
| Akapindura, akati kwavari, “Kusava nomunhu, anozodya michero pauri nokusingaperi.” Vadzidzi vake vakazvinzwa. |
| 15 |
| Vakasvika Jerusaremu; akapinda mutemberi, akatanga kubudisa vaitengesa, navaitenga mutemberi; akawisa matafura avaitsinhanhisa mari, nezvigaro zvavaitengesa njiva. |
| 16 |
| Akasatendera munhu kuti atakure nhumbi mutemberi. |
| 17 |
| Akadzidzisa, achiti kwavari, “Hakuna kunyorwa here kuchinzi, ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yamarudzi ose?’ Asi imi makaiita bako ramakororo.” |
| 18 |
| Vapristi vakuru navanyori vakati vachizvinzwa, vakatsvaka pavangamuuraya napo; nokuti vakanga vachimutya, nokuti vazhinji vose vakashamiswa nokudzidzisa kwake. |
| 19 |
| Zvino, nguva dzose kana ava madekwana, waienda kunze kweguta. |
| 20 |
| Vakati vachipfuura napo mangwanani, vakaona muonde waoma kubva pamidzi. |
| 21 |
| Petirosi akarangarira, akati kwaari, “Rabhi, tarirai muonde wamakatuka waoma.” |
| 22 |
| Jesu akapindura, akati kwavari, “Ivai nokutendeka kuna Mwari. |
| 23 |
| Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe anoti kugomo iri, simudzwa, ukandwe mugungwa, asinganyunyuti mumwoyo make, asi achitenda kuti zvaanoreva zvichaiitika, achava nazvo. |
| 24 |
| Saka ndinoti kwamuri, zvinhu zvose–zvose zvamunokumbira nokunyengetera, tendai kuti mazvigamuchira, mugova nazvo. |
| 25 |
| Kana mukamira muchinyengetera, regererai kana mune mhaka nomumwe, kuti naBaba venyu vari kudenga, vazokuregereiwo imi kudarika kwenyu; [ |
| 26 |
| asi kana musingakanganwiriyi imi, nababa venyu vari kudenga havangakukanganwiriyi imi kudarika kwenyu.]” |
| 27 |
| Vakasvikazve Jerusaremu. Zvino akati achifamba mutemberi, vapristi vakuru navanyori navakuru vakauya kwaari; |
| 28 |
| vakati kwaari, “Munoita zvinhu izvozvi nesimba ripiko? Ndianiko akakupai simba iri, kuti muite izvi?” |
| 29 |
| Jesu akati kwavari, “Neni ndichakubvunzaiwo shoko rimwe, mundipindure, neni ndichakuudzaiwo simba randinoita naro zvinhu izvozvi. |
| 30 |
| Rubhabhatidzo rwaJohani rwakabva kudenga here kana kuvanhu? Ndipindurei.” |
| 31 |
| Vakataurirana, vachiti, “Kana tikati, ‘Kudenga,’ achati, ‘Makagoregerei kumutenda?’ |
| 32 |
| Asi tingati, ‘Kuvanhu, here?’ ” Vakanga vachitya vanhu vazhinji, nokuti vose vakanga vachiti Johani muporofita zvirokwazvo. |
| 33 |
| Vakapindura vachiti kuna Jesu, “Hatizivi.” Jesu akati kwavari, “Neni handingakuudziyiwo simba randinoita naro zvinhu izvi.” |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/mark/011.mp3
16
11