|
| 1 |
|
| Akati achibuda mutemberi, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Mudzidzisi, tarirai mabwe, kunaka! Nedzimba kunaka!” |
|
| 2 |
|
| Jesu akati kwaari, “Unoona dzimba idzi huru? Hakungaregwi ibwe pamusoro pebwe, risingazowisirwi pasi.” |
|
| 3 |
|
| Zvino akati agere pagomo reMiorivhi, pakatarisana netemberi, Petirosi, naJakobho, naJohani, naAndireya vakamubvunza vari voga, vachiti, |
|
| 4 |
|
| “Tiudzei kuti izvozvi zvichagova rinhiko? Nechiratidzo chichava chipiko, kana izvozvi zvose zvoda kuitwa?” |
|
| 5 |
|
| Zvino Jesu akatanga kuvaudza, akati, “Chenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu. |
|
| 6 |
|
| Vazhinji vachauya nezita rangu, vachiti, ‘Ndini Kristu, vachitsausa vazhinji.’ |
|
| 7 |
|
| Kana muchinzwa zvokurwa, nenyaya yokurwa, musavhunduka; izvozvo zvinofanira kumboitika; asi kuguma kuchigere kusvika. |
|
| 8 |
|
| Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, ushe huchamukira ushe; kudengenyeka kwenyika kuchavapo kune dzimwe nzvimbo; nenzara dzichavapo. Ndiko kutanga kwenhamo. |
|
| 9 |
|
| “Zvichenjerei imi, nokuti vachakuisai kumakurukota, uye mucharohwa mumasinagoge, muchaiswa pamberi pamadzishe namadzimambo nokuda kwangu, chive chapupu kwavari. |
|
| 10 |
|
| Vhangeri inofanira kutanga kumboparidzirwa marudzi ose. |
|
| 11 |
|
| Kana vachienda nemi kunotongwa, vachikuisai kumakurukota, musambofunganya zvamuchataura, asi taurai chamunenge mapiwa nenguva iyo. Nokuti hamusirimi munotaura, asi ndiMweya Mutsvene. |
|
| 12 |
|
| Mukoma achaisa munun'una kurufu, nababa mwana wavo; navana vachamukira vabereki vavo nokuvaurayisa. |
|
| 13 |
|
| Muchavengwa navose nokuda kwezita rangu; asi anotsunga kusvikira pakuguma achaponeswa. |
|
| 14 |
|
| “Zvino kana muchiona nyangadzi yokuparadza imire paisina kufanira kumira anorava ngaacherekedze, vari muJudhiya ngavatizire kumakomo; |
|
| 15 |
|
| ari pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka, kana kupinda kuzotora chinhu mumba make. |
|
| 16 |
|
| Nowari mumunda ngaarege kudzokera shure kuzotora nguo yake. |
|
| 17 |
|
| Vachava nenhamo vane pamuviri navanoyamwisa namazuva iwayo! |
|
| 18 |
|
| Nyengeterai kuti zvirege kuva panguva yechando. |
|
| 19 |
|
| Nokuti namazuva iwayo kuchavapo kutambudzika, kusati kwakambovapo kwakadaro, kubva pakutanga kwokusikwa kwakasikwa naMwari, kusvikira zvino, uye hakuchazovipo. |
|
| 20 |
|
| “Dai Ishe asaitapudza mazuva iwayo, hakuna munhu airarama; asi nokuda kwavakasanangurwa vaakasanangura, akatapudza mazuva iwayo. |
|
| 21 |
|
| “Zvino kana munhu achiti kwamuri, ‘Tarirai Kristu ari pano, tarirai, ari apo,’ regai kutenda. |
|
| 22 |
|
| Nokuti vanaKristu venhema vachamuka, navaporofita venhema, vachaita zviratidzo nezvinoshamisa, kuti vatsause vakasanangurwa, kana zvichibvira. |
|
| 23 |
|
| Asi chenjerai imi; tarirai, ndagara ndakuudzai zvose! |
|
| 24 |
|
| “Asi namazuva iwayo, shure kwokutambudzika ikoko, zuva richasviba, nomwedzi hauchazobwinyi, |
|
| 25 |
|
| nenyenyedzi dzichawa kudenga, namasimba ari kudenga achazununguswa. |
|
| 26 |
|
| Ipapo vachaona Mwanakomana womunhu achiuya mumakore nesimba guru nokubwinya. |
|
| 27 |
|
| “Ipapo achatuma vatumwa, akaunganidza vakasanangurwa vake kunobva mhepo ina, kubva kurutivi rumwe rwenyika kusvikira kuno rumwe rutivi rwedenga. |
|
| 28 |
|
| “Dzidzai pamuonde mufananidzo uyu; kana davi rawo rava nyoro, mashizha achitunga, munoziva kuti zhizha rava pedyo. |
|
| 29 |
|
| Saizvozvo imiwo, kana moona izvozvo zvichiitwa, zivai kuti ava pedyo atosvika pamusuwo. |
|
| 30 |
|
| Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, rudzi urwu harungatongopfuuri, kusvikira izvozvo zvose zvaitika. |
|
| 31 |
|
| Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri. |
|
| 32 |
|
| “Asi kana riri zuva iro nenguva iyo, hakuna anozviziva, kunyangwe vatumwa vokudenga, kunyangwe Mwanakomana, asi Baba. |
|
| 33 |
|
| Chenjerai, murinde, nokunyengetera; nokuti hamuzivi kuti nguva ichasvika rinhi. |
|
| 34 |
|
| Zvakaita somunhu akaenda kune imwe nyika, akasiya imba yake, akapa varanda vake simba, mumwe nomumwe basa rake, akarayira murindi womusuwo kuti arindire. |
|
| 35 |
|
| Naizvozvo rindai, nokuti hamuzivi musi muridzi weimba anouya nawo, kana madeko, kana pakati pousiku, kana pakurira kwehuku, kana mangwanani; |
|
| 36 |
|
| kuti arege kuuya kamwe–kamwe, akakuwanai muvete. |
|
| 37 |
|
| Zvandinokuudzai imi, ndinoudza vose, ndichiti, ‘Rindai!’ ” |
|
|
|
|