|
| 1 |
|
| Akapindazve musinagoge; zvino kwakanga kune munhu akanga ane ruoko rwakakokonyara. |
|
| 2 |
|
| Vakamutarisisa kuona kana angamuporesa nomusi weSabata; kuti vamupomere mhosva. |
|
| 3 |
|
| Zvino akati kumunhu akanga ano ruoko rwakakokonyara, “Simuka pakati pavo!” |
|
| 4 |
|
| Akati kwavari, “Zvakatenderwa here neSabata kuita zvakanaka kana zvakaipa, kuponesa munhu kana kuuraya?” Vakanyarara. |
|
| 5 |
|
| Zvino akati aringa–ringa achivatarira nokutsamwa, ane shungu nokuda kwokuoma kwemwoyo yavo, akati kumunhu, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza, ruoko rwake rukapora. |
|
| 6 |
|
| Zvino VaFarisi vakati vabuda, vakandorangana pakarepo navaHerodhi pamusoro pake kuti vangamuuraya sei. |
|
| 7 |
|
| Zvino Jesu akaenda navadzidzi vake kugungwa; vanhu vazhinji–zhinji vakamutevera vachibva Gareriya; nokuJudhiya, |
|
| 8 |
|
| neJerusaremu, neIdhumia, nemhiri kwaJodhani, nokunyika yeTaya neSidhoni, vanhu vazhinji zhinji vakati vanzwa zvaanoita, vakauya kwaari. |
|
| 9 |
|
| Akaudza vadzidzi vake kuti igwa rigare nokuda kwavazhinji, kuti varege kumutsikirira. |
|
| 10 |
|
| Nokuti akanga aporesa vazhinji; naizvozvo vose vakanga vaine zvirwere vaitsikinyidzana, kuti vachida kumubata panguva imwechete. |
|
| 11 |
|
| Nemweya yakaipa yakati kana yamuona, yaiwira pasi pamberi pake, ikadanidzira ichiti, “Ndiwe Mwanakomana waMwari!” |
|
| 12 |
|
| Akairayira zvikuru kuti irege kumuzivisa pachena. |
|
| 13 |
|
| Zvino akakwira mugomo akadana vaakanga achida, vakauya kwaari. |
|
| 14 |
|
| Akagadza vane gumi navaviri kuti vagare naye, avatume kuti vaparidze, |
|
| 15 |
|
| uye vave nesimba rokubudisa mweya yakaipa. |
|
| 16 |
|
| Akatumidza Simoni zita rinonzi Petirosi, |
|
| 17 |
|
| naJakobho, mwanakomana waZebhedhi, naJohani, munun'una waJakobho; akavatumidza ivo mazita anonzi Bhoanerigesi, ndokuti “Vanakomana vokutinhira;” |
|
| 18 |
|
| naAndireya, naFiripi, naBhatoromiyo, naTomasi, naJakobho mwanakomana waArifeusi, naTadhiasi, naSimoni muKenani, |
|
| 19 |
|
| naJudhasi Isikarioti akazomupandukirawo. Zvino akapinda mumba, |
|
| 20 |
|
| vazhinji vakaunganazve, nokudaro vakanga vasingagoni kunyangwe kudya chingwa. |
|
| 21 |
|
| Vanhu vokwake vakati vachizvinzwa, vakabuda kuzomubata, nokuti vakati, “Anopenga.” |
|
| 22 |
|
| Navanyori vakanga vaburuka vachibva Jerusaremu, vakati, “Ana Bheerizebhuri, anobudisa mweya yakaipa nomuchinda wemweya yakaipa.” |
|
| 23 |
|
| Zvino akavadanira kwaari, akati kwavari nemifananidzo. “Satani angabudisa Satani seiko? |
|
| 24 |
|
| Kana ushe huchizvipesanisa, ushe uhwo hahungagoni kumira. |
|
| 25 |
|
| Kana imba ichizvipesanisa, imba iyo haingagoni kumira. |
|
| 26 |
|
| Kana Satani achizvimukira, akazvipesanisa, haangagoni kumira, asi anopera. |
|
| 27 |
|
| “Hakuna munhu angapinda mumba moane simba, akatora nhumbi dzake, asati ambosunga ane simba; zvino angaparadza imba yake. |
|
| 28 |
|
| “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vanakomana vavanhu vacharegererwa zvivi zvose, nokushonha kwose kwavanoshonha Mwari nako; |
|
| 29 |
|
| asi ani naani ashonha Mweya Mutsvene, haangaregerwi nokusingaperi, asi ane mhosva yechivi chisingaperi.” |
|
| 30 |
|
| Nokuti vakati, “Ano mweya wakaipa.” |
|
| 31 |
|
| Zvino mai vake navanun'una vake vakauya, vakamira kunze, vakatumira nhume kwaari, kumudana. |
|
| 32 |
|
| Vazhinji vakanga vagere, vakamukomba, vakati kwaari, “Tarirai, mai venyu navanun'una venyu navakoma nehanzvadzi dzenyu vari kunze vachikutsvakai.” |
|
| 33 |
|
| Akavapindura, akati, “Mai vangu, vakoma navanun'una vangu ndivanaaniko?” |
|
| 34 |
|
| Zvino akaringa–ringa vanhu vakanga vagere, vakamukomba, akati, “Tarirai mai vanhu navakoma navanun'una vangu! |
|
| 35 |
|
| “Nokuti ani naani anoita kuda kwaMwari, ndiye mukoma nomunun'una wangu, nehanzvadzi, naamai.” |
|
|
|
|