|
| 1 |
|
| Zvino akatangazve kudzidzisa pagungwa; vanhu vazhinji–zhinji vakaunganira kwaari, nokudaro akapinda muigwa, akagaramo; vazhinji vose vakanga vari pedyo negungwa pamhenderekedzo. |
|
| 2 |
|
| Akavadzidzisa zvizhinji nemifananidzo, akati kwavari pakudzidzisa kwake, |
|
| 3 |
|
| “Teererai, Mukushi akabuda kundokusha. |
|
| 4 |
|
| Akati achikusha, dzimwe mbeu dzakawira panzira; shiri dzikauya dzikadzidya. |
|
| 5 |
|
| Dzimwe dzakawira parukangarabwe, padzakanga dzisina ivhu zhinji; dzikamera pakarepo, nokuti dzakanga dzisina ivhu rakadzika; |
|
| 6 |
|
| asi zuva rakati rabuda, dzikapiswa; dzikaoma, nokuti dzakanga dzisina mudzi. |
|
| 7 |
|
| “Dzimwe dzakawira muminzwa; minzwa ikamera, ikadzivhunga, dzikasaita vana. |
|
| 8 |
|
| Dzimwe dzakawira muvhu rakanaka, dzikaita vana, nokuti dzakakura, dzikawanza; dzikabereka makumi matatu, namakumi matanhatu, nezana.” |
|
| 9 |
|
| Akati, “Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.” |
|
| 10 |
|
| Akati ari oga, vakanga vanaye vane gumi navaviri vakamubvunza zvemifananidzo. |
|
| 11 |
|
| Akati kwavari, “Imi makapiwa kuziva zvakavanzika zvoushe hwaMwari, asi kuna ava, vari kunze, zvose zvinoitwa nemifananidzo, |
|
| 12 |
|
| kuti, kuona vaone, asi varege kuonesesa, nokunzwa vanzwe, asi varege kunzwisisa, kuti zvimwe varege kutendeuka, vakaregererwa zvivi zvavo.” |
|
| 13 |
|
| Zvino akati kwavari, “Hamuzivi here mufananidzo uyu? Muchaziva seiko mifananidzo yose? |
|
| 14 |
|
| Mukushi ndiye anokusha shoko. |
|
| 15 |
|
| Vari munzira panokushwa shoko ndivo vanoti kana vanzwa, pakarepo Satani anouya, ndokubvisa shoko rakakushwa mavari. |
|
| 16 |
|
| Navakakushwa parukangarabwe vakaita saizvozvo, ndivo vanoti kana vanzwa shoko rakakushwa, vanorigamuchira pakarepo nomufaro, |
|
| 17 |
|
| asi havana mudzi mavari, asi ndivo vechinguva chiduku; pashure kana kutambudzika nokuvengwa zvichiuya nokuda kweshoko, pakarepo vanogumburwa. |
|
| 18 |
|
| “Vamwe vanokushwa muminzwa, ndivo vanonzwa shoko, |
|
| 19 |
|
| asi kufunganya kwenyika nokunyengera kwepfuma, nokuchiva zvimwe, kunopinda, kuchivhunga shoko, rikashaiwa zvibereko. |
|
| 20 |
|
| “Vakakushwa muvhu rakanaka, ndivo vanonzwa shoko, vakarigamuchira, vakabereka, mumwe makumi matatu, mumwe makumi matanhatu, mumwe zana.” |
|
| 21 |
|
| Zvino akati kwavari, “Mwenje uripo kuti uiswe pasi pedengu, kana pasi pomubhedha here? Hausipo kuti uiswe pachigadziko here? |
|
| 22 |
|
| Nokuti hapana chinhu chakavanzika chisingazooneswi, hapana chavigwa chisingazobudi pachena. |
|
| 23 |
|
| Kana munhu ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.” |
|
| 24 |
|
| Zvino akati kwavari, “Chenjerai zvamunonzwa. Chiero chamunoera nacho, nemi muchaerwa nacho; mukawedzerwa. |
|
| 25 |
|
| Nokuti uya ane chaanacho achapiwa, asi uya asina, achatorerwa kunyangwe nechaanacho.” |
|
| 26 |
|
| Zvino akati, “Ushe hwaMwari hwakafanana nomunhu anodyara mbeu muvhu, |
|
| 27 |
|
| akavata, akamuka, usiku namasikati; mbeu inomera, ichikura, iye asingazivi kuti zvinoitika sei; |
|
| 28 |
|
| ivhu rinongobereka haro, pakutanga chipande, pashure hura, pashure zviyo zvakakora pahura. |
|
| 29 |
|
| Kana yaibva, pakarepo anocheka nejeko, nokuti kukohwa kwasvika.” |
|
| 30 |
|
| Zvino akati, “Ushe hwaMwari tichahufananidza neiko? Tichahuenzanisira nomufananidzo upiko? |
|
| 31 |
|
| Hwakafanana netsanga yemasitadhi, iyo kana ichidyarwa muvhu iduku kumbeu dzose dzapanyika; |
|
| 32 |
|
| asi kana yadyarwa, inomera, ichiva huru kumiriwo yose ichiita matavi makuru, akadaro kuti shiri dzedenga dzinovakira matendere adzo imomo.” |
|
| 33 |
|
| Akasireva shoko kwavari nemifananidzo mizhinji yakadaro, pavaigona kunzwa napo. |
|
| 34 |
|
| Haana kutaura navo kunze kwemifananidzo, asi waizodudzira vadzidzi vake zvose vari voga. |
|
| 35 |
|
| Zvino nezuva iro, ava madekwana, akati kwavari, “Ngatiyambukire mhiri.” |
|
| 36 |
|
| Vakasiya vanhu vazhinji, vakaenda naye muigwa akangodaro; mamwe magwa akanga akamutevera. |
|
| 37 |
|
| Zvino dutu guru remhepo rakamuka, mafungu emvura akarova achipinda muigwa, rikanga roda kuzara. |
|
| 38 |
|
| Asi iye akanga ari mushure megwa avete pamutsago; vakamumutsa, vakati kwaari, “Mudzidzisi, hamune hanya kuti tofa here?” |
|
| 39 |
|
| Akamuka, akarayira mhepo, akati kugungwa, “Nyarara, ugadzikane!” Mhepo ikanyarara, kudzikama kukuru kukavapo. |
|
| 40 |
|
| Zvino akati kwavari, “Munotyireiko kudaro? Hamuna kutenda here?” |
|
| 41 |
|
| Vakatya nokutya kukuru, vakataurirana vachiti, “Ndianiko uyu, nokuti mhepo kunyangwe negungwa zvinomuteerera?” |
|
|
|
|