|
| 1 |
|
| Vakazosvika mhiri kwegungwa, kudunhu ravaGerasa. |
|
| 2 |
|
| Jesu achingobuda mugwa, akasangana nomunhu aiva nomweya wakaipa, achibva kumakuva. |
|
| 3 |
|
| Munhu uyu aigara mumakuva. Pakanga pasisina kana nomunhu zvake aigona kumusunga kunyange nengetani, |
|
| 4 |
|
| nokuti aimbosungwa namajoti nengetani kazhinji, asi aidambura ngetani nokuita majoti udimbu — udimbu. Naizvozvo kwakanga kusisina aigona kumudzikamisa. |
|
| 5 |
|
| Nguva dzose, siku nesikati, ainge ari ikoko kumakuva nomumakomo achingozhambarara uye achizvicheka — cheka namabwe. |
|
| 6 |
|
| Paakaona Jesu achiri chinhambwe, akamhanyira kwaari akamupfugamira, |
|
| 7 |
|
| ndokuzhamba nezwi guru achiti, “Unei neni, Jesu Mwanakomana waMwari Wokumusorosoro. Ndinoti nezita raMwari rega, kunditambudza.” |
|
| 8 |
|
| Nokuti Jesu akanga amuti, “Iwe mweya wetsvina, buda mumunhu uyu.” |
|
| 9 |
|
| Jesu akamubvunza kuti, “Zita rako ndiani?” Iye akapindura achiti, “Zita rangu ndinonzi Hondo nokuti takawanda.” |
|
| 10 |
|
| Akateterera Jesu chaizvo kuti arege kuidzingira kunze kwedunhu iroro. |
|
| 11 |
|
| Ipapo paiva nedanga guru renguruve dzakanga dzichifura zvadzo mujinga megomo. |
|
| 12 |
|
| Mweya iya yakamuteterera ichiti, “Titumirei zvedu munguruve kuti tipinde madziri.” |
|
| 13 |
|
| Akaibvumidza. Mweya yakaipa yakabuda ikandopinda munguruve dziya. Danga rose renguruve dzaikarosvitsa zviuru zviviri dzakati ware dzoteremuka napamawere ndokunoti rove — rove mugungwa kunyuramo. |
|
| 14 |
|
| Vafudzi vadzo ndokutiwo ware kutiza vakandotaurira vanhu veguta nevemumaruwa. Vanhu vakauya kuzoona zvakanga zvaitika. |
|
| 15 |
|
| Pavakasvika pana Jesu vakaona munhu uya aipoterwa nemweya yakaipa agere zvake, akatosimirawo, pfungwa dzake dzatodzikama, iye uya aiva nehondo yemweya yakaipa, vakabva vatya. |
|
| 16 |
|
| Vaya vakanga vazviona vakarondedzera vanhu zvakanga zvaitika kumunhu akanga akapoterwa nemweya yakaipa nezvakaitikawo kunguruve. |
|
| 17 |
|
| Ivo vakatanga kukumbira Jesu kuti abve zvake mudunhu ravo. |
|
| 18 |
|
| Paakanga ava kupinda mugwa, munhu uya akambenge akapoterwa nemweya yakaipa akamuteterera kuti aende naye. |
|
| 19 |
|
| Asi Jesu haana kumubvumira, akatomuti, “Chienda kumusha kwako, kuhama dzako, undodziudza zvawaitirwa naTenzi nokukunzwira tsitsi kwaaita.” |
|
| 20 |
|
| Munhu uya akabvapo ndokutanga kuparidza mudunhu reDhekapori zvinhu zvaakaitirwa naJesu. Vanhu vose vakashamiswa kwazvo nazvo. |
|
| 21 |
|
| Zvino kuzoti Jesu ayambukirazve mhiri kwegungwa negwa, vanhu vazhinji vakamuunganira. Akanga ari padyo negungwa. |
|
| 22 |
|
| Zvino mumwe wavatungamiri vesinagogu, ainzi Jairosi akasvikapo. Pakuona kwakaita Jesu, akazviwisira patsoka dzake. |
|
| 23 |
|
| Akamuteterera kwazvo achiti, “Mwanasikana wangu muduku atova kutandadza. Uyai, muise maoko enyu paari aporeswe, ararame.” |
|
| 24 |
|
| Jesu akaenda naye. Gurusvusvu ravanhu rakamutevera richidzvinyirirana naye. |
|
| 25 |
|
| Zvino paiva nomumwe mukadzi aiva nechirwere chebaro kwamakore gumi namaviri. |
|
| 26 |
|
| Akanga aona nhamo mudzin'anga dzakawanda maaifamba, maakanga apedzera zvinhu zvake zvose asi pasina kana chiyamuro; akatenge otonyanya kurwara. |
|
| 27 |
|
| Zvaakanga anzwa nezvaJesu akauya necheshure kwake, ari mukati moruzhinji, ndokusvikobata hanzu yake, |
|
| 28 |
|
| nokuti aiti, “Kana ndikangobata kunyange hanzu dzake bedzi, ndichabva ndapora.” |
|
| 29 |
|
| Pakarepo ropa rakabva raganhuka kubuda, akabva azvinzwa mumuviri wake kuti chirwere charapwa. |
|
| 30 |
|
| Pakarepowo Jesu akabva aziva nechomumwoyo kuti simba rabuda maari; akatendeukira mukati megurusvusvu ravanhu achiti, “Ndiani abata hanzu yangu?” |
|
| 31 |
|
| Ipapo vadzidzi vake vakati kwaari, “Muri kuona gurusvusvu ravanhu richidzvinyirirana nemi, asi imi moti, ‘Ndiani andibata?’ ” |
|
| 32 |
|
| Akaringa — ringa achida kuona kuti akanga aita izvi ndiani. |
|
| 33 |
|
| Mukadzi uya, achiziva zvakanga zvaitika kwaari, zvakanga zvoti kutya, zvikati kungwenda ndokuuya ozviwisira mberi kwake omuudza chokwadi chizere. |
|
| 34 |
|
| Iye ndokumuti, “Mukunda, chitendero chako chakuporesa; chienda hako norugare, uyezve chirwere chako ngachipere uve wadi.” |
|
| 35 |
|
| Achiri kutaura kudaro, vamwe vakabva kumba kwomutungamiri wesinagogu uya vachiti, “Mwanasikana wenyu atofa. Muchiri kunetserei mudzidzisi?” |
|
| 36 |
|
| Jesu paakazvinzwa, akati kumutungamiri wesinagogu, “Regai henyu kutya ingotendai bedzi.” |
|
| 37 |
|
| Haana kubvumira vamwe vose kumutevera kusiya Pita, naJemusi, naJohani munun'una waJemusi. |
|
| 38 |
|
| Zvino pavakasvika kumba kwomutungamiri wesinagogu, akawana paine mhere mhere kwazvo yokuchema nokuungudza kukuru. |
|
| 39 |
|
| Paakapinda akati kwavari, “Seiko muchiita mhere mhere muchichema kudai? Mwana haana kufa kwete, asi akakotsira.” |
|
| 40 |
|
| Ivo vakamuseka. Zvino akaburitsa vose panze, akatora baba vomwana naamai vake navaya vaaiva navo, ndokupinda maiva nomwana. |
|
| 41 |
|
| Akamubata ruoko ndokuti kwaari, “Tarita kumi,” zvinoreva kuti, “Musikana, ndinoti kwauri muka.” |
|
| 42 |
|
| Pakarepo musikana uya akasimuka, ndokufamba (sezvo akanga ava namakore gumi namaviri). Vanhu vose vakabva vashamiswa zvikuru kwazvo. |
|
| 43 |
|
| Jesu akavakohomedza kuti zvirege kuzivikanwa kana nomunhu zvake ndokuvaudza kuti vape musikana chokudya. |
|
|
|
|