|
| 1 |
|
| Jesu akabvapo akaenda kudunhu rokwake; vadzidzi vake vakamutevera. |
|
| 2 |
|
| Kuzoti wava musi weSabata, akatanga kudzidzisa musinagogu. Vazhinji vakamunzwa vakashamiswa kwazvo vachiti, “Ko nhaimi, uyu akawanepiko zvinhu izvi? Ko ungwaru hworudziiko hwakapiwa kune munhu uyu? Naizvoka zvishamiso zvaanoita namaoko ake! |
|
| 3 |
|
| Ko handiye muvezi here uyu, mwana waMaria, mukomanomunun'una nanaJemusi naJosesi naJudhasi naSimoni. Ko hanzvadzi dzake hadzisi pano nesu here?” Vakabva vamugumbukira. |
|
| 4 |
|
| Jesu ndokuti kwavari, “Hakuna kwaasingaremekedzwi muporofita kusara kwomudunhu rokwake, nomukati mehama dzake nomukati mevemba yake.” |
|
| 5 |
|
| Haana kuzogona kuita kana nechishamiso zvacho ikoko; akangoisa maoko ake pamisoro yavarwere vashomanana akavaporesa. |
|
| 6 |
|
| Akashamiswa kwazvo nokusadavira kwavo. Akapota nemisha achidzidzisa. |
|
| 7 |
|
| Akadaidza vane gumi navaviri kwaari ndokutanga kuvatuma vari vaviri vaviri achivapawo simba pamusoro pemweya yetsvina. |
|
| 8 |
|
| Akavaudza kuti varege kutakura chinhu parwendo rwavo kusiya tsvimbo chete, varege kutakura chingwa kana tsapo kana mari zvayo mumindya yavo. |
|
| 9 |
|
| Shangu vangapfeka zvavo, asi vagorega kupfeka hanzu mbiri. |
|
| 10 |
|
| Akatizve kwavari, “Kwose kwose kwamunopinda mumba, garai imomo kusvikira mazobvako. |
|
| 11 |
|
| Panzvimbo ipi neipi pavasingakugamuchirei kana pavasingakuteererei, pakubvapo kwenyu, gumai guruva retsoka dzenyu kuti rive chapupu kwavari.” |
|
| 12 |
|
| Nokudaro vakaenda vakandoparidza kuti vanhu vapinduke. |
|
| 13 |
|
| Vakadzinga mweya yakaipa mizhinji, vakazorawo varwere vazhinji mafuta, vachivaporesa. |
|
| 14 |
|
| Zvino mambo Herodhi akanzwa zvose izvi, nokuti zita raJesu rakanga rava nomukurumbira. Vamwe vaiti, “Johani Muombeki akamutswa muvafi, ndosaka ana masimba akadai maari okuita zvishamiso.” |
|
| 15 |
|
| Asi vamwe vaiti ndiEriya, vamwewo vachiti, “Muporofita akangofananawo navamwe vaporofita vakare.” |
|
| 16 |
|
| Asi Herodhi, paakanzwa izvi, akati, “Johani uya wandakadimbura musoro ndiye akamutswa.” |
|
| 17 |
|
| Nokuti Herodhi uyu akanga atuma vanhu kundobata Johani akamuisa mujeri pamusana paHerodhiasi, mudzimai waFiripi, munun'una wake waakatora. |
|
| 18 |
|
| Nokuti Johani aiti kuna Herodhi, “Hazvibvumirwi kuti iwe ugare nomukadzi womunun'una wako.” |
|
| 19 |
|
| Ipapo Herodhiasi aiva nedaka naJohani, achida kumuuraya, asi akakoniwa. |
|
| 20 |
|
| Pamusana pokuti Herodhi aitya Johani nokuti aiziva kuti munhu wakarurama, mutsvene, aimudzivirira. Zvaimutambudza kwazvo kunzwa zvaaireva asi zvaimufadza kuteerera zvaaitaura. |
|
| 21 |
|
| Zvino zuva rakanga rakamirirwa naHerodhiasi rakazosvika nomusi wokupemberera kuberekwa kwaHerodhi. Pazuva iroro, Herodhi akaitira mabiko vakuru — vakuru vehurumende yake navatungamiriri vehondo navakuru — vakuru veGarirea. |
|
| 22 |
|
| Mwanasikana waHerodhiasi akapinda akatamba akafadza Herodhi navakanga vagere pakudya naye. Ipapo mambo akati kumusikana, “Ndikumbire hako chero chaunoda ndinokupa.” |
|
| 23 |
|
| Uyezve akatopika kwaari achiti, “Ukandikumbira chipi nechipi zvacho ndinokupa, kunyange chikava chikamu chepakati nepakati chezvoushe hwangu.” |
|
| 24 |
|
| Zvino musikana uya akabuda panze akabvunza amai vake achiti, “Chii chandingakumbire?” Ivo vakati, “Musoro waJohani anoombeka.” |
|
| 25 |
|
| Musikana akabva apinda makare nokuchimbidza kuna Mambo ndokukumbira achiti, “Ndinoda kuti mundipe iye zvino, mudhishi, musoro waJohani Muombeki.” |
|
| 26 |
|
| Mambo zvakamurwadza chaizvo, asi nokuda kwemhiko dzake dzaakanga aita, uye pamusana pavaenzi vake, haana kuda kuramba. |
|
| 27 |
|
| Pakarepo mambo akatuma musoja wokuchengetedza mambo achimuti auye nomusoro waJohani. Iye akaenda akandomudimura musoro mujeri muya, |
|
| 28 |
|
| ndokuuya nawo uri mudhishi, akaupa kumusikana; musikana ndokuupawo kuna amai vake. |
|
| 29 |
|
| Zvino vadzidzi vaJohani zvavakazvinzwa, vakaenda, vakatora chitunha chake ndokuchiviga muguva. |
|
| 30 |
|
| Zvino vapositori vakadzoka kuna Jesu vachimurondedzera zvose zvavakanga vaita nezvavakanga vadzidzisa. |
|
| 31 |
|
| Ipapo iye akati kwavari, “Chiuyai imi muri moga tiende kunzvimbo isina vanhu mumbozorora.” Nokuti vanhu vazhinji vakarambouya nokuenda zvokuti vakanga vachishaiswa kunyange nenguva yokudya. |
|
| 32 |
|
| Vakabvapo negwa ndokuenda pachavo vari voga kunzvimbo isina vanhu. |
|
| 33 |
|
| Vanhu vazhinji vakavaona vachienda vakabva vavaziva ndokumhanyirako netsoka vachibva mumaguta ose, vakavatangira kusvikako. |
|
| 34 |
|
| Kuzoti Jesu asvikako akaona kuwanda kwavanhu ndokubva avanzwira tsitsi nokuti vakanga vakaita sehwai dzisina mufudzi, ndokutanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji. |
|
| 35 |
|
| Kuzoti zvino zuva rarereka, vadzidzi vake vakauya kwaari voti, “Ino inzvimbo isina vanhu uye zuva rarereka iri, |
|
| 36 |
|
| chiitai kuti vanhu vaende kumaruwa nokumisha yakapoteredza vandozvitengera zvokudya.” |
|
| 37 |
|
| Asi iye akavapindura achiti, “Vapei, iyemi, zvokudya.” Ivo ndokuti kwaari, “Mungati tiende tingondotenga zvingwa zvamazana maviri amadhenari kuti tigozovapa vadye here?” |
|
| 38 |
|
| Iye ndokuvati, “Ko mune zvingwa zvingani? Endai mundotarisa.” Kuzoti vazviona, vakati, “Zvishanu nehove mbiri.” |
|
| 39 |
|
| Iye akati vanhu vose vagariswe pasi pauswa hunyoro vakaita zvikwata — zvikwata. |
|
| 40 |
|
| Vakabva vagara pasi vakaita mapato — mapato, mamwe ezana mamwe emakumi mashanu. |
|
| 41 |
|
| Zvino akatora zvingwa zviya zvishanu nehove mbiri akatarisa kudenga ndokukomborera akamedura zvingwa zviya ozvipa kuvadzidzi kuti vape vanhu. Akavagoverawo vose hove dziya mbiri. |
|
| 42 |
|
| Vose vakadya; vakaguta. |
|
| 43 |
|
| Vakaunganidza zvimedu zvakasara zvezvingwa nezvehove zvikazadza matengu gumi namaviri. |
|
| 44 |
|
| Vakadya zvingwa zviya vaiva varume zviuru zvishanu. |
|
| 45 |
|
| Pakarepo akagombedzera vadzidzi vake kuti vakwire mugwa vafanoenda mhiri kuBhetisaidha iye achimboonekana negungano ravanhu riya. |
|
| 46 |
|
| Kuzoti apedza kuonekana navo, akakwira mugomo kundonamata. |
|
| 47 |
|
| Kuzoti ava madeko, igwa rakanga rava nechapakati pegungwa; iye achiri pavhu pakaoma oga. |
|
| 48 |
|
| Akazviona kuti vaishingaira kwazvo nokukwasva, nokuti mhepo yakanga yakanangana navo. Panguva inenge yomurirakamwe akauya kwavari achifamba pamusoro pegungwa, akaita soopfuurira. |
|
| 49 |
|
| Zvavakamuona achifamba pamusoro pegungwa, vakafunga kuti idzimudzangara, ndokubva varidza mhere; |
|
| 50 |
|
| nokuti vose vakamuona vakatya kwazvo. Pakarepo akabva ataura navo achiti, “Tsungai mwoyo. Ndini. Musatye.” |
|
| 51 |
|
| Akakwira mugwa muya mavaiva, mhepo ndokubva yanyarara. Vadzidzi vake vakashamiswa zvikuru, |
|
| 52 |
|
| nokuti havana kunge vanzwisisa nezvezvingwa zviya pamusana pokuti mwoyo yavo yakanga yakaomarara. |
|
| 53 |
|
| Zvino kuzoti vayambuka mhiri, vakasvika kudunhu reGenesareti ndokusungirira igwa pamahombekombe. |
|
| 54 |
|
| Vakati vachibuda mugwa riya vanhu vakabva vangomuziva. |
|
| 55 |
|
| Vanhu vakamhanyidzana mudunhu iroro rose. Vakatanga kutakura varwere pauvato hwavo vachienda navo kwose kwavainge vanzwa kuti ndokwaari. |
|
| 56 |
|
| Kuri kwose kwaakapinda mumisha, nomumaguta, nomumaruwa, vanhu vaivanzarika varwere pamisika vachimukumbirisa kuti varwere vabate kana mupendero zvawo wehanzu yake. Vose vakaubata vakaporeswa. |
|
|
|
|