|
| 1 |
|
| Namazuva iwayozve kwakanga kuna vazhinji zhinji, vakanga vasina zvavangadya, akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari, |
|
| 2 |
|
| “Ndine tsitsi navanhu vazhinji, nokuti atova mazuva matatu avakagara neni vasina zvavangadya. |
|
| 3 |
|
| Kana ndikavaendesa kumusha kwavo vane nzara, vachaziya panzira; vamwe vavo vanobva kure.” |
|
| 4 |
|
| Vadzidzi vake vakapindura, vakati kwaari, “Munhu angawanepiko murenje muno, zvingwa zvingagutisa vanhu ava?” |
|
| 5 |
|
| Akavabvunza, akati, “Mune zvingwa zvinganiko?” Vakati, “Zvinomwe.” |
|
| 6 |
|
| Zvino akarayira vanhu vazhinji kuti vagare pasi, akatora zvingwa zvinomwe, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi vake, kuti vaise pamberi pavo; vakazviisa pamberi pavazhinji. |
|
| 7 |
|
| Uye vakanga vane hove duku shomanene; zvino akatenda, Mwari akati zviiswewo pamberi pavo. |
|
| 8 |
|
| Vakadya, vakaguta, ndokuunganidza zvimedu zvakasara, matengu manomwe. |
|
| 9 |
|
| Vanenge vaiva zviuru zvina; akavaendesa. |
|
| 10 |
|
| Pakarepo akapinda muigwa navadzidzi vake, akasvika kumativi enyika yeDharimanuta. |
|
| 11 |
|
| Zvino VaFarisi vakabuda, vakatanga kuita nyaya naye, vachitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga, vachimuedza. |
|
| 12 |
|
| Akagomera zvikuru mumweya make, akati “Rudzi urwu runotsvakireiko chiratidzo? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, rudzi urwu harungapiwi chiratidzo.” |
|
| 13 |
|
| Ipapo akavasiya, akapindazve muigwa, akayambukira mhiri. |
|
| 14 |
|
| Vakanga vakanganwa kutora zvingwa muigwa; vakanga vasina zvingwa muigwa, asi chimwe bedzi. |
|
| 15 |
|
| Zvino akavaraira, akati, “Chenjerai, mutye mbiriso yaVaFarisi nembiriso yaHerodhi.” |
|
| 16 |
|
| Vakarangana vakati, “Anodaro nokuti hatine zvingwa.” |
|
| 17 |
|
| Zvino Jesu akati achizviziva, akati kwavari, “Munorangana nemhaka yeiko kuti hamune zvingwa? Hamuzivi, nokunzwisisa here? Mwoyo yenyu ichiri mikukutu here? |
|
| 18 |
|
| Zvamuna meso, hamuoni here? Zvamune nzeve, hamunzwi here? Hamurangariri here? |
|
| 19 |
|
| Musi wandakamedurira vane zviuru zvishanu zvingwa zvishanu, makanonga matengu manganiko azere nezvimedu?” Vakati kwaari, “Gumi namaviri.” |
|
| 20 |
|
| “Nomusi wandakamedurira vane zviuru zvina zvingwa zvinomwe, makanonga matengu manganiko akazadzwa nezvimedu?” Vakati, “Manomwe.” |
|
| 21 |
|
| Akati kwavari, “Ko hamunzwisisi nazvino here?” |
|
| 22 |
|
| Zvino vakasvika Bhetisaidha; vakauya nebofu, vakakumbira zvikuru kwaari, kuti amunyangate. |
|
| 23 |
|
| Akabata ruoko rwebofu, akariisa kunze kwomusha, ndokupfira mate pamaziso aro, akaisa maoko pamusoro pake, akamubvunza achiti, “Unoona chinhu here?” |
|
| 24 |
|
| Iye akatarira, akati, “Ndinoona vanhu, ndinovaona vachifamba vakafanana nemiti.” |
|
| 25 |
|
| Zvino akaisazve maoko pamusoro pamaziso aro, iye akatarisisa, akaporeswa, akaona zvose zvakanaka. |
|
| 26 |
|
| Akamuendesa kumba kwake akati, “Usatongopinda mumusha.” |
|
| 27 |
|
| Zvino Jesu navadzidzi vake vakaenda kumisha yeSizaria Firipi; munzira akabvunza vadzidzi vake akati kwavari, “Vanhu vanoti ndini aniko?” |
|
| 28 |
|
| Vakapindura vachiti kwaari, “Vamwe vanoti, ‘Johani Mubhabhatidzi; vamwe Eriya, vamwezve mumwe wavaporofita.’ ” |
|
| 29 |
|
| Zvino akavabvunza, akati, “Ko imi munoti ndini ani?” Petirosi akapindura, akati kwaari, “Ndimi Kristu.” |
|
| 30 |
|
| Akavaraira zvikuru kuti varege kuzivisa munhu izvozvo nezvake. |
|
| 31 |
|
| Zvino akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana womunhu anofanira kutambudzika zvizhinji nokuraswa navakuru, navapristi vakuru, navanyori, auraiwe, amukezve mazuva matatu apfuura. |
|
| 32 |
|
| Akataura shoko iro pachena. Zvino Petirosi akaenda naye vari voga, akatanga kumutsiudza. |
|
| 33 |
|
| Asi iye akatendeuka, ndokutarira vadzidzi vake, akaraira Petirosi, akati, “Ibva shure kwangu, Satani, nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvavanhu.” |
|
| 34 |
|
| Zvino akadanira kwaari vanhu vazhinji navadzidzi vake, akati kwavari, “Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere. |
|
| 35 |
|
| Nokuti ani naani anoda kuponesa upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu nokweVhangeri, achahuponesa. |
|
| 36 |
|
| “Nokuti munhu achagobatsirweiko, kana awana nyika yose, akarasikirwa noupenyu hwake? |
|
| 37 |
|
| Nokuti munhu acharipeiko kuti adzikinure upenyu hwake? |
|
| 38 |
|
| Nokuti ani naani anonyara pamusoro pamashoko angu parudzi urwu rwohupombwe norwokutadza, Mwanakomana womunhu achanyarawo pamusoro pake, musi waanouya navatumwa vatsvene nokubwinya kwaBaba vake.” |
|
|
|
|