|
| 1 |
|
| Zvino akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vamwe varipo kuna vamire pano, vasingazooni rufu, vasati vaona ushe hwaMwari huchiuya nesimba.” |
|
| 2 |
|
| Mazuva matanhatu akati apfuura, Jesu akatora Petirosi, naJakobho, naJohani, akaenda navo mugomo refu kurutivi vari voga; akasanduka pamberi pavo. |
|
| 3 |
|
| Nguo dzake dzikapenya, dzikachena zvikuru; hakuna musuki pano panyika, angagona kudzichenesa kudaro. |
|
| 4 |
|
| Ipapo Eriya naMosesi vakaonekwa navo, vachitaurirana naJesu. |
|
| 5 |
|
| Petirosi akati kuna Jesu, “Rabhi, zvakanaka zvatiri pano; ngativake matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEriya.” |
|
| 6 |
|
| Nokuti akanga asingazivi chaanotaura, nokuti vakatya zvikuru. |
|
| 7 |
|
| Zvino gore rikauya rikavafukidza, izwi rikabuda mugore, richiti, “Uyu Mwanakomana wangu mudiwa, mumunzwei!” |
|
| 8 |
|
| Kamwe, vakati vachiringaringa, havana kuzoona munhu, asi Jesu bedzi anavo. |
|
| 9 |
|
| Zvino vakati vachiburuka mugomo, akavaraira kuti, varege kuudza munhu zvavakanga vaona kusvikira Mwanakomana womunhu amuka kuvakafa. |
|
| 10 |
|
| Vakarichengeta shoko iro, vachiita nyaya pakati pavo, kuti, “Kumuka kwavakafa chiiko?” |
|
| 11 |
|
| Vakamubvunza, vachiti, “Vanyori vanotaurireiko vachiti, ‘Eriya anofanira kutanga kuuya?’ ” |
|
| 12 |
|
| Akati kwavari, “Eriya achatanga kuuya hake, avandudze zvinhu zvose, asi kwakagonyorwa seiko zvoMwanakomana womunhu, kuti achatambudzika zvikuru nokuzvidzwa? |
|
| 13 |
|
| Asi ndinoti kwamuri, Eriya akatosvika, vakamuitira zvose pavakanga vachida napo, sezvazvakanyorwa pamusoro pake.” |
|
| 14 |
|
| Vakati vasvika kuvadzidzi, vakaona vanhu vazhinji zhinji, vakavakomba, navanyori vachiita nyaya navo. |
|
| 15 |
|
| Pakarepo vazhinji vose vakati vachimuona, vakashamiswa kwazvo, vakamhanyira kwaari, vakamukwazisa. |
|
| 16 |
|
| Akavabvunza, akati, “Munoita nyaya neiko navo?” |
|
| 17 |
|
| Mumwe wavazhinji akamupindura, akati, “Mudzidzisi, ndauya kwamuri nomwanakomana wangu, anomweya wembeveve. |
|
| 18 |
|
| Kwose kwaanomubata, anomuwisira pasi, achipupuma furo, achigeda–geda meno, uye anoonda kwazvo. Ndakataura navadzidzi venyu kuti vaubudise, vakasagona.” |
|
| 19 |
|
| Akavapindura, akati, “Haiwa, rudzi rusingatendi, ndichagara nemi kusvikira rinhiko? Ndichakuitirai mwoyo murefu kusvikira rinhiko? Uyai naye kwandiri.” |
|
| 20 |
|
| Vakauya naye kwaari; akati achimuona, pakarepo mweya ukamubvundisa, akawira pasi, akakunguruka, achipupuma furo. |
|
| 21 |
|
| Zvino akabvunza baba vake, akati, “Yava nguva yakadiniko kubvira izvozvi zvichimuwira?” Akati, “Kubva pauduku hwake.” |
|
| 22 |
|
| “Kazhinji wakamuwisira mumoto kana mumvura kuti umuparadze; asi kana muchigona kuita chinhu, mutinzwire tsitsi, mutibatsire.” |
|
| 23 |
|
| Jesu akati kwaari, “Kana iwe uchigona kutenda, zvose zvingaitika kuna anotenda.” |
|
| 24 |
|
| Pakarepo baba vomwana vakachema, vachiti, “Ndinotenda, ndibatsirei pakusatenda kwangu.” |
|
| 25 |
|
| Zvino Jesu akati achiona vanhu vazhinji vachimhanyirana pamwechete, akarayira mweya wakaipa, akati kwauri, “Iwe, mweya wembeveve nematsi, ndinokurayira kuti ubve maari, urege kupindazve maari!” |
|
| 26 |
|
| Ukadanidzira, ukamubvundisa zvikuru, ukabuda; akafanana nomunhu akafa, nokudaro vazhinji vakati, “Afa.” |
|
| 27 |
|
| Asi Jesu akabata ruoko rwake, akamusimudza, iye akasimuka. |
|
| 28 |
|
| Zvino akati apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza vari voga vachiti, “Isu takanga tisingagoni neiko kuubudisa?” |
|
| 29 |
|
| Akati kwavari, “Rudzi urwu harungatongobudi, asi nokunyengetera.” |
|
| 30 |
|
| Vakabva ipapo, vakagura neGareriya, akaramba kuti zvizikanwe nomunhu. |
|
| 31 |
|
| Nokuti akadzidzisa vadzidzi vake, akati kwavari, “Mwanakomana womunhu achaiswa mumaoko avanhu, vachamuuraya; kana aurayiwa, achamukazve mazuva matatu apfuura.” |
|
| 32 |
|
| Asi havana kunzwisisa shoko iro, vakatya kumubvunza. |
|
| 33 |
|
| Vakasvika Kapenaume; zvino akati ava mumba, akavabvunza, achiti, “Makanga muchiita nyaya yeiko munzira?” |
|
| 34 |
|
| Vakaramba vanyerere, nokuti vakanga vaita nharo pakati pavo munzira, kuti mukuru ndiani. |
|
| 35 |
|
| Ipapo akagara pasi, akadana vane gumi navaviri, akati kwavari, “Kana munhu achida kuva wokutanga, achazova weshure kuna vose nomuranda wavose.” |
|
| 36 |
|
| Akatora mwana muduku, akamuisa pakati pavo; akamupfumbatira mumaoko akati kwavari, |
|
| 37 |
|
| “Ani naani anogamuchira mumwe wavaduku vakadai nezita rangu, anondigamuchireni; ani naani anondigamuchira ini, haagamuchiri ini, asi uya akandituma.” |
|
| 38 |
|
| Johani akati kwaari, “Mudzidzisi, taona munhu achibudisa mweya yakaipa muzita renyu, tikamudzivisa, nokuti haana kutitevera.” |
|
| 39 |
|
| Jesu akati, “Musamudzivisa, nokuti hakuna munhu angaita basa resimba nezita rangu, angakurumidza kutaura zvakaipa pamusoro pangu. |
|
| 40 |
|
| Nokuti asingapesani nesu, anesu. |
|
| 41 |
|
| Nokuti ani naani anokunwisai mukombe wemvura muzita rangu, nemhaka yokuti muri vaKristu, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haana kurasikirwa nomubairo wake. |
|
| 42 |
|
| “Ani naani anogumbusa mumwe wavaduku ava vanotenda kwandiri, zviri nani kwaari kuti guyo guru risungirirwe mumutsipa wake, akandirwe mugungwa. |
|
| 43 |
|
| Kana ruoko rwako ruchikugumbusa, urugure; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri chirema, pakuenda muGehena, mumoto usingadzimwi, una maoko maviri. [ |
|
| 44 |
|
| Apo pasingafi honye yavo, napasingadzimwi moto.] |
|
| 45 |
|
| Kana rutsoka rwako ruchikugumbusa, urugure; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uchikamhina, pakukandirwa muGehena, unetsoka mbiri. [ |
|
| 46 |
|
| Apo pasingafi honye yavo, napasingadzimwi moto.] |
|
| 47 |
|
| Kana ziso rako richikugumbusa, urirase; zviri nani kwauri kuti upinde muushe hwedenga une ziso rimwe, pakukandirwa muGehena, una meso maviri. |
|
| 48 |
|
| Apo pasingafi honye yavo, napasingadzimwi moto. |
|
| 49 |
|
| “Nokuti mumwe nomumwe acharangwa nomoto. |
|
| 50 |
|
| “Munyu wakanaka; asi kana munyu usichavavi, mungaurunga neiko? Ivai nomunyu mukati menyu, mugare norugare pakati penyu.” |
|
|
|
|