|
| 1 |
|
| Vazhinji zvavakaedza kurondedzera mashoko ezvinhu izvo zvakaitika pakati pedu, |
|
| 2 |
|
| sezvavakatipa ivo vakazviona nameso avo kubva pakutanga, navaiva vanyai veshoko, |
|
| 3 |
|
| neniwo, ndakati ndanatsofeya zvose kubva pakutanga, ndakati zvakanaka kuti ndikunyorereiwo nokutevedzanisa, imi Teofiro, makakurumbira; |
|
| 4 |
|
| kuti muzive kuti mashoko amakadzidziswa ndeezvokwadi. |
|
| 5 |
|
| Namazuva aHerodhi, mambo weJudhea, mumwe mupristi aivapo, ainzi Zekariya, wegovero raAbhia; mukadzi wake aiva wavanasikana vaAroni, zita rake rainzi Erizabheti. |
|
| 6 |
|
| Vakanga vakarurama vose, vari vaviri, pamberi paMwari, vachifamba nemirairo nezvakarurama zvose zvaIshe, vasina chavangapomerwa. |
|
| 7 |
|
| Vakanga vasina mwana, nokuti Erizabheti akanga asingabereki, uye vakanga vachembera vose vari vaviri. |
|
| 8 |
|
| Zvino, akati achibata basa roupristi pamberi paMwari, padzoro regovero rake, |
|
| 9 |
|
| akagoverwa netsika dzoupristi, kuti apinde mutemberi yaIshe, kuzopisa zvinonhuwira. |
|
| 10 |
|
| Vanhu vazhinji vose vakanga vachinyengetera kunze nenguva yokupisa zvinonhuwira. |
|
| 11 |
|
| Ipapo mutumwa waIshe akaonekwa naye, amire kurudyi rwearitari yezvinonhuwira. |
|
| 12 |
|
| Zekariya akatambudzika achimuona; kutya kukamuwira. |
|
| 13 |
|
| Mutumwa akati kwaari, “Usatya Zekariya, nokuti kukumbira kwako kwanzwika. Mukadzi wako Erizabheti achakuberekera mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Johani. |
|
| 14 |
|
| Iwe uchava nomufaro nokufarisisa, navazhinji vachafarira kuberekwa kwake. |
|
| 15 |
|
| Nokuti iye achava mukuru pamberi paIshe; haangatongonwi waini nezvinodhaka; achazadzwa noMweya Mutsvene kubva mudumbu ramai vake. |
|
| 16 |
|
| Achadzorera vazhinji vavana vaIsiraeri kuna Ishe, Mwari wavo. |
|
| 17 |
|
| “Achafamba pamberi pake noMweya nesimba raEria, kuti adzorere mwoyo yamadzibaba kuvana, navasingateereri kuuchenjeri hwavakarurama, agadzirire Ishe vanhu vakamugadzirirwa kwazvo.” |
|
| 18 |
|
| Zekariya akati kumutumwa, “Izvozvi ndichazviziva seiko? Nokuti ini ndava harahwa, nomukadzi wangu achembera.” |
|
| 19 |
|
| Mutumwa akapindura, akati kwaari, “Ndini Gabhurieri, ndinomira pamberi paMwari; ndatumwa kuti nditaure newe, ndikuparidzire mashoko awa akanaka. |
|
| 20 |
|
| “Tarira, uchanyarara, usingagoni kutaura, kusvikira zuva rinoitwa zvinhu izvi, nokuti hauna kutenda mashoko angu, achaitika nenguva yawo.” |
|
| 21 |
|
| Vanhu vakanga vakamirira Zekariya vakashamiswa nokunonoka kwake mutemberi. |
|
| 22 |
|
| Zvino akati achibuda, akasagona kutaura navo; vakaziva kuti akanga aona chiratidzo mutemberi; iye akaramba achininira namaoko, akaramba ari mbeveve. |
|
| 23 |
|
| Zvino mazuva okushumira kwake akati apera, akaenda kumba kwake. |
|
| 24 |
|
| Mazuva iwayo akati apfuura, Erizabheti mukadzi wake akava napamuviri, akazvivanza mwedzi mishanu, achiti, |
|
| 25 |
|
| “Ndizvo zvandakaitirwa naIshe namazuva aakanditarira, kuti abvise kunyadzwa kwangu pakati pavanhu.” |
|
| 26 |
|
| Nomwedzi wechitanhatu mutumwa Gabhurieri akatumwa naMwari kuguta reGariria, rinonzi Nazareta, |
|
| 27 |
|
| kumhandara yakanga yakaroorwa nomurume, ainzi Josefa, weimba yaDhavhidhi; zita remhandara rainzi Maria. |
|
| 28 |
|
| Mutumwa akapinda kwaari, akati, “Kwaziwa, iwe wakaropafadzwa, Ishe anewe!” |
|
| 29 |
|
| Iye akavhunduswa kwazvo neshoko iro, akafunga kuti kukwazisa kwakadaro ndokweiko. |
|
| 30 |
|
| Ipapo mutumwa akati kwaari, “Usatya Maria, nokuti wanzwirwa nyasha naMwari. |
|
| 31 |
|
| Tarira, uchava napamuviri, uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Jesu. |
|
| 32 |
|
| Iye achava mukuru, achanzi Mwanakomana woWokumusorosoro; Ishe Mwari achamupa chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi. |
|
| 33 |
|
| Achatonga imba yaJakobho nokusingaperi, noushe hwake hahungavi nomugumo.” |
|
| 34 |
|
| Ipapo Maria akati kumutumwa, “Izvozvi zvingava seiko, zvandisingazivi murume?” |
|
| 35 |
|
| Mutumwa akapindura, akati kwaari, “Mweya Mutsvene achauya pamusoro pako, nesimba roWokumusorosoro richakufukidza; saka icho chitsvene chichaberekwa chichanzi, Mwanakomana waMwari. |
|
| 36 |
|
| Uye tarira, Erizabheti, hama yako, naiye wava napamuviri pomwanakomana pakuchembera kwake; mwedzi uno wava wechitanhatu kuna iye ainzi haabereki. |
|
| 37 |
|
| “Nokuti hakuna shoko raMwari richashaiwa simba.” |
|
| 38 |
|
| Ipapo Maria akati, “Tarirai, ndiri mushandiri waIshe; ndiitirwe hangu sezvamataura.” Mutumwa akabva kwaari. |
|
| 39 |
|
| Namazuva iwayo Maria akasimuka, akakurumidza kuenda kunyika yamakomo, kuguta reJudhea; |
|
| 40 |
|
| akapinda mumba maZekariya, akakwazisa Erizabheti. |
|
| 41 |
|
| Zvino Erizabheti akati achinzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akakwakuka mudumbu rake; ipapo Erizabheti akazadzwa noMweya Mutsvene, |
|
| 42 |
|
| akadana nezwi guru, akati, “Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, nomwana wemimba yako akakomborerwazve! |
|
| 43 |
|
| Zvaita seiko kwandiri, kuti ndamutswa namai vaIshe wangu? |
|
| 44 |
|
| Nokuti, tarira, izwi rokukwazisa kwako rakati richisvika munzeve dzangu, mwana akakwakuka nomufaro mudumbu rangu. |
|
| 45 |
|
| Wakaropafadzwa iwe nokuti wakatenda, kuti zvakataurwa naIshe kwauri zvichaitika.” |
|
| 46 |
|
| Maria akati, “Mwoyo wangu unokudza Ishe, |
|
| 47 |
|
| Mweya wangu wakafara naMwari, Muponesi wangu; |
|
| 48 |
|
| Zvaakaona urombo hwomushandiri wake; Nokuti, tarira, kubva zvino marudzi ose achanditi, ndakaropafadzwa; |
|
| 49 |
|
| Nokuti uyo anamasimba akandiitira zvinhu zvikuru; Zita rake idzvene. |
|
| 50 |
|
| Ngoni dzake dziri kumarudzi namarudzi Avanhu vanomutya. |
|
| 51 |
|
| Wakaratidza simba rake noruoko rwake; Akaparadza vaizvikudza mundangariro dzemwoyo yavo; |
|
| 52 |
|
| Wakabvisa madzimambo pazvigaro zvavo zvoushe, Akasimudza vakaninipiswa; |
|
| 53 |
|
| Vane nzara akavagutsa nezvakanaka, Akadzosera vapfumi vasina; |
|
| 54 |
|
| Akabatsira Isiraeri, muranda wake, Kuti arangarire ngoni dzake, |
|
| 55 |
|
| Sezvaakareva kumadzibaba edu, Kuna Abhurahamu nokurudzi rwake nokusingaperi.” |
|
| 56 |
|
| Maria akagara naye mwedzi inenge mitatu, akadzokera kumusha kwake. |
|
| 57 |
|
| Zvino nguva yaErizabheti yokusunguka kwake yakasvika; akabereka mwanakomana. |
|
| 58 |
|
| Zvino vakavakidzana navo nehama dzavo vakati vanzwa kuti Ishe akanga amuitira ngoni huru, vakafara naye. |
|
| 59 |
|
| Zvino nezuva rorusere vakauya kuzodzingisa mwana, vakada kumutumidza zita rababa vake, Zekariya. |
|
| 60 |
|
| Ipapo mai vakapindura, vakati, “Kwete, achatumidzwa Johani.” |
|
| 61 |
|
| Vakati kwaari, “Hakuna munhu kuhama dzenyu akatumidzwa zita iro.” |
|
| 62 |
|
| Vakabvunza baba vake, vachidudzira namaoko, kuti anzi aniko? |
|
| 63 |
|
| Vakakumbira chinyorero vakanyora kuti, “Johani, ndiro zita rake.” Vakashamiswa vose. |
|
| 64 |
|
| Kamwe-kamwe muromo wake ukashamiswa, norurimi rwake rukasununguka, akataura, akarumbidza Mwari. |
|
| 65 |
|
| Kutya kukawira vose vakanga vagere navo; namashoko iwayo ose akanzwika kunyika yose yamakomo eJudhea. |
|
| 66 |
|
| Vose vakaanzwa, vakaachengeta mumwoyo mavo, vachiti, “Achazova mwana wakadiniko?” Nokuti ruoko rwaIshe rwakava naye. |
|
| 67 |
|
| Baba vake, Zekariya, vakazadzwa noMweya Mutsvene, vakaporofita, vachiti, |
|
| 68 |
|
| “Ishe, Mwari wavaIsiraeri, ngaakudzwe; Nokuti aakamutsa vanhu vake, nokuvadzikinura, |
|
| 69 |
|
| Akatisimudzira runyanga rwokuponeswa Mumba momuranda wake, Dhavhidhi; |
|
| 70 |
|
| Sezvaakataura nomuromo wavaporofita vake vatsvene, vakanga varipo kubva pakuvamba kwenyika, |
|
| 71 |
|
| Kutiponesa pavavengi vedu, napamaoko avose vanotivenga; |
|
| 72 |
|
| Kunzwira madzibaba edu ngoni, Nokurangarira sungano yake tsvene; |
|
| 73 |
|
| Kupika kwaakapika nako kuna baba vedu Abhurahamu, |
|
| 74 |
|
| Kutipa simba isu, tasunungurwa mumaoko avavengi vedu, Kuti timushumire tisingatyi, |
|
| 75 |
|
| Nohutsvene nokururama pamberi pake mazuva edu ose. |
|
| 76 |
|
| Iwe, Mwana, uchanzi muporofita woWokumusorosoro, Nokuti iwe uchatungamira pamberi paIshe, kumugadzirira nzira dzake; |
|
| 77 |
|
| Kuzivisa vanhu vake nzira yokuponeswa nayo, Vachiregererwa zvivi zvavo, |
|
| 78 |
|
| Nomwoyo munyoro waMwari wedu, Achatishanyira namambakwedza okudenga, |
|
| 79 |
|
| Kuvhenekera vagere murima nomumumvuri worufu; Nokuraramisa tsoka dzedu munzira yorugare.” |
|
| 80 |
|
| Mwana akakura, akasimba mumweya, akagara mumarenje, kusvikira zuva rokuratidzwa kwake kuvaIsiraeri. |
|
|
|
|