|
| 1 |
|
| Zvino \add Jesu\add* wakapinda, akapfuvura nemuJeriko. |
|
| 2 |
|
| Zvino tarira, murume wainzi Zakewu nezita; iye wakanga ari mukuru pavateresi, uye waiva mufumi; |
|
| 3 |
|
| wakatsvaka kuvona Jesu, kuti ndiyani; asi wakanga asingagoni nokutsikirirwa, nokuti wakanga akafupika pachimiro. |
|
| 4 |
|
| Ipapo akamhanyira mberi, akakwira mumuti womuvonde kuti amuvone, nokuti wakanga achizopfuvura napo. |
|
| 5 |
|
| Zvino Jesu wakati achisvika panzvimbo iyo, akatarira mudenga, akamuvona, akati kwaari: Zakewu, kurumidza uburuke; nokuti nhasi ndinofanira kugara mumba mako. |
|
| 6 |
|
| Iye akakurumidza kuburuka, akamugamuchira achifara. |
|
| 7 |
|
| Zvino vakati va\add zvi\add*vona, vose vakan'un'una, vachiti: Unondova mweni womunhu mutadzi. |
|
| 8 |
|
| Ipapo Zakewu akamira, akati kunaShe: Tarirai, hafu yefuma yangu, ndinopa kuvarombo, uye kana ndakatora chinhu kune mumwe munhu nokunyengera, ndinodzosera runa. |
|
| 9 |
|
| Jesu akati kwaari: Nhasi ruponeso rwasvika mumba muno; nokuti naiyevo mwanakomana waAbhurahamu. |
|
| 10 |
|
| Nokuti Mwanakomana womunhu wakavuya kuzotsvaka nokuponesa chakarasika. |
|
| 11 |
|
| Vakati vachanzwa zvinhu izvozvi, akawedzera akataura mufananidzo, nokuti wakanga ava pedo neJerusarema, uye nokuti vaifunga kuti ushe bwaMwari bwobva bwovonekwa pakarepo. |
|
| 12 |
|
| Naizvozvo wakati: Mumwe munhu unembiri wakaenda kunyika iri kure, kuti andopiwa ushe agodzoka. |
|
| 13 |
|
| Akadana varanda vake vanegumi, akavapa pondo dzinegumi, akati kwavari: Bhindaukai kusvikira ndichivuya. |
|
| 14 |
|
| Asi vanhu venyika yake vakanga vachimuvenga, vakatuma nhume kumutevera, vachiti: Hatidi uyu kuti atitonge. |
|
| 15 |
|
| Zvino zvakaitika kuti adzoka apiwa ushe, akaraira kuti vaya varanda vaakanga apa mari, vadanirwe kwaari, anzwe kuti mumwe nomumwe wakawana zvakadini nokushambadzira kwake. |
|
| 16 |
|
| Wokutanga akasvika, akati: Ishe, pondo yenyu yakawana dzimwe pondo dzinegumizve. |
|
| 17 |
|
| Akati kwaari: Zvakanaka, uri muranda wakanaka; nokuti wakanga wakatendeka pazviduku-duku, uve nesimba pamaguta anegumi. |
|
| 18 |
|
| Wechipiri akasvika, achiti: Ishe, pondo yenyu yakawedzera pondo shanu. |
|
| 19 |
|
| Akati kwaarivo: Newe, uvevo pamusoro pemaguta mashanu. |
|
| 20 |
|
| Zvino mumwe akasvika, achiti: Ishe, tarirai pondo yenyu, yandakanga ndachengeta mumucheka; |
|
| 21 |
|
| nokuti ndakanga ndichikutyai, nokuti muri munhu wakawoma munotora zvamusakaisapo, muchicheka zvamusakadzvara. |
|
| 22 |
|
| Zvino akati kwaari: Ndichakutonga \add nezvino\add*buda mumuromo mako, muranda wakaipa. Wakanga uchiziva kuti ndiri munhu unehasha, ndichitora zvandisakaisa, nokucheka zvandisakadzvara; |
|
| 23 |
|
| naizvozvo wakaregereiko kuisa mari yangu mubhanga, kuti pakuvuya kwangu, ndigozoitora yava nemubairo. |
|
| 24 |
|
| Ipapo akati kunavakanga vamirepo: Mutorerei pondo mupe unepondo dzinegumi. |
|
| 25 |
|
| Vakati kwaari: Ishe, wava nepondo dzinegumi. |
|
| 26 |
|
| Nokuti ndinoti kwamuri: Wose unazvo uchapiwa; asi uyo usina, uchatorerwa nezvaanazvo. |
|
| 27 |
|
| Asi vavengi vangu avo, vakanga vasingadi kuti ndivatonge, vuyai navo pano, mu\add va\add*vuraye pamberi pangu. |
|
| 28 |
|
| Wakati areva izvozvi, akatungamira mberi, achikwira Jerusarema. |
|
| 29 |
|
| Zvino zvakaitika paaiswedera Bhetifage neBhetaniya, kugomo rinonzi reMiorivhi, akatuma vadzidzi vake vaviri, |
|
| 30 |
|
| achiti: Endai mumusha wakatarisana \add nemwi\add*; kana muchipinda mauri, muchawana dhongwana rakasungirwa, risina kumbotaswa nomunhu; murisunungure, mugo\add ri\add*vuyisa. |
|
| 31 |
|
| Kana mumwe munhu akakubvunzai \add achiti\add*: Muno\add ri\add*sunungurireiko? Muchataura kwaari kudai: Ishe unorida. |
|
| 32 |
|
| Avo vakatumwa vakaenda vakandowana sezvaakanga ataura kwavari. |
|
| 33 |
|
| Zvino vakati vachisunungura dhongwana, vene varo vakati kwavari: Munosunungurireiko dhongwana? |
|
| 34 |
|
| Ivo vakati: Ishe unorida. |
|
| 35 |
|
| Vakavuya naro kuna Jesu; vakakanda nguvo dzavo pamusoro pedhongwana, vakatasvisa Jesu pariri. |
|
| 36 |
|
| Zvino achifamba, vakawarira nguvo dzavo munzira. |
|
| 37 |
|
| Zvino wakati oswedera pamateru egomo reMiorivhi, chaunga chevadzidzi vake chose chikatanga kufara nokurumbidza Mwari nenzwi guru pamusoro pamabasa ose esimba avakanga vavona. |
|
| 38 |
|
| vachiti: Wakaropafadzwa mambo unovuya muzita raShe; rugare kudenga, nokubwinya kumuso-soro. |
|
| 39 |
|
| Vamwe vaFarisi kubva pakati pechaunga vakati kwaari: Mudzidzisi, tsiurai vadzidzi venyu. |
|
| 40 |
|
| Akapindura akati kwavari: Ndinokuvudzai kuti kana ava vakanyarara, mabwe angadanidzira pakarepo. |
|
| 41 |
|
| Zvino wakati aswedera pedo, akavona guta, akachema pamusoro paro, |
|
| 42 |
|
| achiti: Dai waiziva iwe zuva rako rino zvinhu zvorugare rwako, asi zvino zvakavanzirwa meso ako! |
|
| 43 |
|
| Nokuti mazuva achakusvikira, auchavakirwa nawo muchinjiziri navavengi vako, vachakukomba, nokukudzvinyidzira pamativi ose, |
|
| 44 |
|
| vachakuwisira pasi iwe navana vako mukati mako; havangasii mukati mako ibwe rimwe pamusoro perimwe; nokuti hauna kuziva nguva yokushanyirwa kwako. |
|
| 45 |
|
| Zvino wakapinda mutembere, akatanga kudzingira panze vakanga vachitengesamo navaitenga, |
|
| 46 |
|
| achiti kwavari: Kwakanyorwa \add kuti\add* imba yangu imba yokunyengetera; asi imwi makaiita bako ramakororo. |
|
| 47 |
|
| Waidzidzisa zuva rimwe nerimwe mutembere; asi vaprista vakuru navanyori navakuru vavanhu vakanga vachitsvaka kumuparadza. |
|
| 48 |
|
| Asi vakanga vasingawani zvavangaita, nokuti vanhu vose vakamunamatira vachimunzwa. |
|
|
|
|