Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Zvino zvakaitika nerime ramazuva iwayo, achidzidzisa vanhu mutembere, nokuparidza evhangeri, vaprista vakuru navanyori vakasvika navakuru, |
| 2 |
| vakataura kwaari vachiti: Tivudzei; munoita zvinhu izvi nesimba ripi, kana ndianiko iye wakakupai simba iri? |
| 3 |
| Akapindura akati kwavari: Ndichakubvunzaivo ini shoko rimwe; ndivudzei: |
| 4 |
| Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabva kudenga kana kuvanhu? |
| 5 |
| Vakataurirana, vachiti: Kana tikati: Kudenga, uchati: Zvino makagoregerei imwi kumutenda? |
| 6 |
| Asi kana tikati: Kuvanhu, vanhu vose vachatitaka namabwe; nokuti ivo vaiva nechokwadi kuti Johwani waiva muporofita. |
| 7 |
| Vakapindura, vachiti havazivi kwa\add rwa\add*kabva. |
| 8 |
| Zvino Jesu akati kwavari: Nenivo handingakuvudziyi kuti ndinoita zvinhu izvi nesimba ripi. |
| 9 |
| Zvino wakatanga kuvudza vanhu mufananidzo uyu: Mumwe munhu wakasima munda wemizambiringa, akaupa varimi, akaenda kune imwe nyika nguva refu; |
| 10 |
| nenguva yakafanira wakatuma muranda kuvarimi, kuti vamupe zvezvibereko zvomunda wemizambiringa; asi varimi vakamurova, vaka\add mu\add*dzosa asina chinhu. |
| 11 |
| Akatumazve mumwe muranda; naiyevo vakamurova vaka\add mu\add*nyadzisa, vaka\add mu\add*dzosa asina chinhu. |
| 12 |
| Akatumazve wechitatu; zvino uyuvo vakamukuvadza, vaka\add mu\add*dzingira kunze. |
| 13 |
| Zvino mwene womunda wemizambiringa akati: Ndichaiteiko? Ndichatuma mwanakomana wangu unodikamwa, zvimwe vakavona iye vachamukudza. |
| 14 |
| Asi varimi vakati vachimuvona vakarangana pakati pavo, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; vuyai, ngatimuvuraye, kuti nhaka igova yedu. |
| 15 |
| Vakamudzingira kunze komunda wemizambiringa, vakavuraya. Zvino mwene womunda wemizambiringa uchavaitireiko? |
| 16 |
| Uchavuya, akaparadza varimi ivava, akapa munda womuzambiringa vamwe. Zvino vachinzwa, vakati: Zvisadaro! |
| 17 |
| Asi wakavatarisa, akati: Zvino chinyiko ichi chakanyorwa, \add chinoti\add*: Ibwe rakarambwa navavaki, Ndiro rakazova musoro wekona? |
| 18 |
| Mumwe nomumwe unowira pamusoro pebwe iro, uchavhunika; asi ani nani warinowira richamukuya kuita upfu. |
| 19 |
| Zvino vaprista vakuru navanyori nenguva iyoyo vakatsvaka kumubata, asi vakatya vanhu; nokuti vakaziva kuti wakavareva ivo nomufananidzo uyo. |
| 20 |
| Vaka\add mu\add*cherekedza, vakatumira vashori vakazviita savanhu vakarurama, kuti vamubate pakutaura kwake, kuti vamukumikidze kuushe nesimba romutongi. |
| 21 |
| Vakamubvunza, vachiti: Mudzidzisi, Tinoziva kuti munotaura nokudzidzisa zvakarurama, uye hamugamuchiri \add zvinovonekwa zvo\add*munhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi, |
| 22 |
| Zviri pamutemo here kwatiri kuripira Kesari mutero, kana kwete? |
| 23 |
| Asi iye achiziva vumhare bwavo, akati kwavari: Munondiidzireiko? |
| 24 |
| Ndiratidzei dhenari*; Rinomufananidzo norunyoro rwaaniko? Vakapindura vakati: ZvaKesari. |
| 25 |
| Ipapo akati kwavari: Naizvozvo ipai kunaKesari zvinhu zvaKesari, nokunaMwari zvinhu zvaMwari. |
| 26 |
| Vakakoniwa kumubata namashoko ake pamberi pavanhu; vakashamiswa nokupindura kwake; ndokunyarara. |
| 27 |
| Zvino kwakavuya kwaari vamwe vavaSajusi, ivo vanoramba kuti kune kumuka kwavakafa, vakamubvunza, |
| 28 |
| vachiti: Mudzidzisi, Mozisi wakatinyorera \add kuti\add* kana mukoma womunhu akafa anomukadzi, asi iye akafa asina vana, munun'una wake unofanira kutora mukadzi wake, amutsire mukoma wake rudzi. |
| 29 |
| Zvino kwakanga kuna vanakomana vomunhu mumwe vanomwe; wedangwe akatora mukadzi, akafa asina vana; |
| 30 |
| nowechipiri akatora mukadzi, akafa asina mwana; |
| 31 |
| nowechitatu akamutora. zvikadarovo navanomwe vakasasiya vana, vakafa. |
| 32 |
| Pakupedzisira mukadzi akafavo. |
| 33 |
| Naizvozvo pakumuka kwavakafa, uchava mukadzi waaniko kwavari? Nokuti vanomwe vakava naye somukadzi. |
| 34 |
| Zvino Jesu akapindura akati kwavari: Vanakomana venyika ino vanowana; uye vanowaniswa; |
| 35 |
| asi avo vachanzi vakafanira kuwana nyika iyo nokumuka kwavakafa, havawani, kana kuwaniswa. |
| 36 |
| Nokuti havazofizve; nokuti vachaenzana navatumwa, uye vava vanakomana vaMwari zvavari vanakomana vokumuka kwavakafa. |
| 37 |
| Asi kuti vakafa vanomutswazve, kunyange Mozisivo wakaratidza pagwenzi, paakati Ishe ndiye Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho. |
| 38 |
| Nokuti Mwari haazi Mwari wavakafa, asi wavapenyu; nokuti vose vapenyu kwaari. |
| 39 |
| Ipapo vamwe vavanyori vakapindura vakati: Mudzidzisi, mataura zvakanaka. |
| 40 |
| Pashure paizvozvo havana kuzotsunga kumubvunzazve chinhu. |
| 41 |
| Zvino akati kwavari: Vanoreva seiko kuti Kristu Mwanakomana waDavhidhi? |
| 42 |
| Nokuti Dhavhidhi pachake wakareva mubhuku yaMapisarema \add achiti\add*: Ishe wakati kuna She wangu: Gara kuruoko rwangu rworudyi, |
| 43 |
| Kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako. |
| 44 |
| Naizvozvo Dhavhidhi unomuidza Ishe, zvino ungagova Mwanakomana wake seiko? |
| 45 |
| Zvino vanhu vose vachizvinzwa, wakati kuvadzidzi vake: |
| 46 |
| Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguvo refu, vachida kukwaziswa pamisika, nezvigaro zvapamusorosa mumasinagoge, novugaro bwapamberi pamabiko; |
| 47 |
| vanoparadza dzimba dzechirikadzi, vanonyengera nokuita minyengetero mirefu; ivavo vachatongerwa kurashwa kukuru. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/luke/020.mp3
24
20