|
| 1 |
|
| Zvino mabiko ezvingwa zvisinembiriso aiswedera, anonzi paseka. |
|
| 2 |
|
| Vaprista vakuru navanyori vakatsvaka kuti vangamuvuraya sei; nokuti vakanga vachitya vanhu. |
|
| 3 |
|
| Zvino wakapinda Satani kuna Judhasi wainzi Isikariyoti, waiverengwa pavanegumi navaviri. |
|
| 4 |
|
| Akaenda, akandorangana navaprista vakuru namachinda, kuti ungamutengesa kwavari sei. |
|
| 5 |
|
| Vakafara, vakatenderana kumupa mari. |
|
| 6 |
|
| Iye akatenda, akatsvaka nguva yakafanira yokumutengesa nayo kwavari pasina chaunga. |
|
| 7 |
|
| Zvino zuva rezvingwa zvisinembiriso rakati rasvika, raifanira kubayiwa paseka naro. |
|
| 8 |
|
| akatuma Petro naJohwani, achiti: Endai mundotigadzirira paseka, kuti tidye. |
|
| 9 |
|
| Zvino vakati kwaari: Munoda kuti tigadzirirepiko? |
|
| 10 |
|
| Akati kwavari: Tarirai, kana mapinda muguta, munhu uchasangana nemwi akatakura chirongo chemvura; mumutevere iye mumba maanopinda. |
|
| 11 |
|
| Muti kumwene weimba: Mudzidzisi unoti kwauri: Imba yavaeni iripiko, mandingadyira paseka navadzidzi vangu? |
|
| 12 |
|
| Uchakuratidzai imba huru yokumusoro yakarongedzwa; gadzirai ipapo. |
|
| 13 |
|
| Vakaenda, vakandowana sezvaakanga avavudza; vakagadzira paseka. |
|
| 14 |
|
| Zvino nguva yakati yasvika, akagara pasi navapositora vanegumi navaviri vanaye. |
|
| 15 |
|
| Akati kwavari: Nechishuvo ndakashuva zvikuru kudya paseka iyi nemwi ndisati ndatambudzika. |
|
| 16 |
|
| Nokuti ndinoti kwamuri: Handichazoidyizve, kusvikira yazadziswa muushe hwaMwari. |
|
| 17 |
|
| Zvino akatora mukombe; akavonga, akati: Torai ichi, mugovane pakati penyu. |
|
| 18 |
|
| Nokuti ndinoti kwamuri: Handichatongomwizve zvibereko zvomuzambiringa, kusvikira ushe bwaMwari bwasvika. |
|
| 19 |
|
| Akatora chingwa, akavonga, akamedura, akavapa, achiti: uyu muviri wangu, unopiwemwi; itai izvi muchindirangarira. |
|
| 20 |
|
| Saizvozvovo mukombe vapedza kurayira, achiti: Mukombe uyu, sungano itsva muropa rangu, rinotevurirwa imwi. |
|
| 21 |
|
| Asi tarirai, ruvoko rwaiye unondipandukira runeni patafura. |
|
| 22 |
|
| Zvino zvirokwazvo mwanakomana womunhu unoenda hake sezvazvakatemwa; asi vurombo kumunhu uyo waanotengeswa naye! |
|
| 23 |
|
| Ipapo vakatanga kubvunzana pakati pavo kuti ndianiko pavari uchaita chinhu ichi. |
|
| 24 |
|
| Zvino nharo dzakamukavo pakati pavo \add kuti\add* ndiani kwavari uchaverengwa somukuru. |
|
| 25 |
|
| Akati kwavari: Madzimambo avahedheni anotonga pamusoro pavo, navanoratidza simba pamusoro pavo vanonzi vabatsiri. |
|
| 26 |
|
| Zvino imwi zvisadaro, asi mukuru kwamuri ngaave somuduku, nomutungamiriri somushandiri. |
|
| 27 |
|
| Nokuti ndianiko mukuru, uyo ugere pakudya kana unoshandira? Haazi iye ugere pakudya here? Asi ini ndiri pakati penyu sounoshandira. |
|
| 28 |
|
| Imwi ndimwi makagara neni pamiidzo yangu. |
|
| 29 |
|
| Ndinokugoverai ushe, saBaba vangu vakandisarudza. |
|
| 30 |
|
| kuti mugodya nokumwa patafura yangu muushe bwangu, mugare pazvigaro zvoushe, muchitonga marudzi anegumi namaviri avaIsraeri. |
|
| 31 |
|
| Ishe akati: Simoni! Simoni! Tarira Satani wakakumbira kuti a\add ku\add*zungure iwe sezviyo; |
|
| 32 |
|
| asi ini ndakunyengeterera iwe, kuti kutenda kwako kurege kupera; iwe kana watendevuka, usimbise hama dzako. |
|
| 33 |
|
| Asi wakati kwaari: Ishe, ndakazvigadzirira kuenda nemwi mutirongo, kunyange kurufu. |
|
| 34 |
|
| Asi iye wakati: Ndinokuvudza, Petro, jongwe haringariri nhasi usati waramba katatu kuti unondiziva. |
|
| 35 |
|
| Zvino akati kwavari: Pandakakutumai, musinechikwama nehombodo neshangu, makashaiwa chinhu here? Vakati: Hapana. |
|
| 36 |
|
| Zvino akati kwavari: Asi zvino, unechikwama, ngaatore, saizvozvovo unehombodo; neusina, ngaatengese nguvo yake atenge munondo. |
|
| 37 |
|
| Nokuti ndinoti kwamuri: Izvi zvakanyorwa zvinofanira kuzadziswa kwandiri, \add zvinoti\add*: Wakaverengwa pamwe chete navadariki vomurairo; nokuti izvo zvakanyorwa pamusoro pangu zvine mugumo. |
|
| 38 |
|
| Ipapo vakati: Ishe, tarirai, heyi minondo miviri. Akati kwavari: Zvaringana. |
|
| 39 |
|
| Zvino wakabuda, akaenda sezvaaisiita kugomo reMiorivhi; navadzidzi vakevo vakamutevera. |
|
| 40 |
|
| Wakati asvika panzvimbo, akati kwavari: Nyengeterai kuti murege kupinda pakuidzwa. |
|
| 41 |
|
| Akabva kwavari, chinhambwe chingasvika ibwe kana rikaposherwa; akafugama akanyengetera, |
|
| 42 |
|
| achiti: Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu kwandiri; Asi zvirokwazvo kusava kuda kwangu, asi kwenyu ngakuitwe. |
|
| 43 |
|
| Ipapo kwakavonekwa mutumwa kwaari, wakabva kudenga achimusimbisa. |
|
| 44 |
|
| Zvino, ari pakutambudzika kukuru, wakanyanya kunyengetera; ziya rake rikaita samadomwe makuru eropa achidonhera pasi. |
|
| 45 |
|
| Zvino wakati asimuka pakunyengetera, akaenda kuvadzidzi vake, akavawana vavata neshungu. |
|
| 46 |
|
| Akati kwavari: Mavatireiko? Mukai munyengetere, kuti murege kupinda pakuidzwa. |
|
| 47 |
|
| Wakati achataura, tarira, chaunga naiye wainzi Judhasi, mumwe wavanegumi navaviri, akavatungamirira, akaswedera kunaJesu, kuti amusvete. |
|
| 48 |
|
| Asi Jesu wakati kwaari: Judhasi, unotengesa Mwanakomana womunhu nokusveta here? |
|
| 49 |
|
| Zvino vaiva vakamukomba vakati vachivona zvaizoitika, vakati kwaari: Ishe, totema nemunondo here? |
|
| 50 |
|
| Ipapo mumwe wavo akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake yorudyi. |
|
| 51 |
|
| Jesu akapindura akati: Regai zvisvike ipapo. Akabata nzeve yake, akamuporesa. |
|
| 52 |
|
| Zvino Jesu akati kuvaprista vakuru namachinda etembere, navakuru vakanga vavuya kwaari: Mabuda neminondo netsvimbo semunorwisa gororo here? |
|
| 53 |
|
| Ini ndaiva nemwi mutembere mazuva ose, mukasatandavadzira ruvoko kwandiri; asi zvino inguva yenyu, nesimba rerima. |
|
| 54 |
|
| Zvino vakamutora, vakaenda naye, vakandomuisa kumba komuprista mukuru. Petro akatevera ari kure. |
|
| 55 |
|
| Vakati vavesa moto pakati pebiravira, vakagara pasi pamwechete, Petro akagara pasi pakati pavo. |
|
| 56 |
|
| Zvino mumwe murandakadzi wakamuvona agere pamoto akamutarisisa, akati: Uyu munhuvo wakanga anaye. |
|
| 57 |
|
| Asi iye wakaramba, achiti: Mukadzi, handimuzivi. |
|
| 58 |
|
| Shure kwechinguvana, mumwezve akamuvona, akati: Iwevo uri mumwe wavo. Petro akati: Murume, handizini. |
|
| 59 |
|
| Nguva inenge seora rimwe yakati yapfuvura, mumwezve akasimbisa ane chokwadi, achiti: Zvirokwazvo uyu wakanga anayevo; nokuti muGariri. |
|
| 60 |
|
| Petro akati: Murume, handizivi zvaunoreva. Pakarepo, achataura jongwe rikarira. |
|
| 61 |
|
| Ipapo Ishe akatendevuka akatarira Petro. Petro akarangarira shoko raShe, kuti akamuvudza sei, \add achiti\add*: Jongwe risati rarira, uchandiramba katatu. |
|
| 62 |
|
| Petro akabuda, akachema zvikuru. |
|
| 63 |
|
| Varume vakanga vabata Jesu, vakamusweveredza, noku\add mu\add*rova. |
|
| 64 |
|
| Vakati vamuvhara kumeso, vakamurova kumeso, vakamubvunza, vachiti: Profita! Ndiani wakurova? |
|
| 65 |
|
| Nezvimwe zvizhinji vakareva kwaari, vachimunyomba. |
|
| 66 |
|
| Zvino kwakati kwaedza, vakuru vavanhu navaprista vakuru navanyori vakavungana, vakamuisa kumakurukota avo vachiti: |
|
| 67 |
|
| Kana uri Kristu, tivudze. Akati kwavari: Kana ndikakuvudzai, hamungatendi; |
|
| 68 |
|
| uye kana ndikabvunza, hamungandipinduri kana ku\add ndi\add*sunungura. |
|
| 69 |
|
| Kubva zvino Mwanakomana womunhu uchagara kurudyi rwesimba rwaMwari. |
|
| 70 |
|
| Ipapo vose vakati: Saka uri Mwanakomana waMwari kanhi? Iye akati kwavari: Mareva kuti ndini iye. |
|
| 71 |
|
| Ivo vakati: Tichadireiko vuchapupu? Nokuti isu timene tazvinzwira pamuromo wake. |
|
|
|
|