|
| 1 |
|
| Zvino chaunga chavo chose chikasimuka, vakamutungamirira kuna Pirato. |
|
| 2 |
|
| Zvino vakatanga kumupomera mhosva, vachiti: Takawana uyu achitsausa rudzi, achidzivisa kupa mutera kuna Kesari; achiti iye pachake ndiKristu Mambo. |
|
| 3 |
|
| Ipapo Pirato akamubvunza achiti: Ko uri Mambo wavaJudha here? Akamupindura, akati: Unoreva iwe. |
|
| 4 |
|
| Zvino Pirato akati kuvaprista vakuru nechaunga: Handiwani mhosva kumunhu uyu. |
|
| 5 |
|
| Ivo vakanyanya kusimbisa, vachiti: Unomutsa vanhu, achidzidzisa muJudhiya rose, achitanga paGariri kusvikira pano. |
|
| 6 |
|
| Pirato wakati anzwa zveGariri, akabvunza kana munhu uyu ari muGariri. |
|
| 7 |
|
| Akangoti anzwa kuti ndoweushe bwaHerodhe, akamutumira kunaHerodhe, iye wakanga ari muJerusarema amene pamazuva iwayo. |
|
| 8 |
|
| Zvino Herodhe wakati achivona Jesu akafara kwazvo-kwazvo; nokuti waishuva kumuvona kwe\add nguva\add* refu, nokuti wakanga anzwa zvinhu zvizhinji pamusoro pake; akatarisira kuti uchavona chimwe chiratidzo chingaitwa naye. |
|
| 9 |
|
| Akamubvunza namashoko mazhinji; asi iye haana kumupindura chinhu. |
|
| 10 |
|
| Zvino vaprista vakuru navanyori vakamira vakamupomera mhosva zvine simba. |
|
| 11 |
|
| NaHerodhe navarwi vake vakamuzvidza, nokusweveredza; vakazomupfekedza, nguvo dzinobwinya, vakamudzosera kunaPirato. |
|
| 12 |
|
| Nomusi iwoyo Pirato naHerodhe vakava shamwari; nokuti paimbova neruvengo pakati pavo. |
|
| 13 |
|
| Zvino Pirato wakati adanira pamwechete vaprista vakuru navatongi navanhu. |
|
| 14 |
|
| akati kwavari: Mavuya nomunhu uyu kwandiri sounotsausa vanhu; zvino tarirai ini ndabvunzisisa pamberi penyu, ndikasawana mumunhu uyu mhosva yezvinhu zvamunomupomera; |
|
| 15 |
|
| kwete, kunyange naHerodhevo; nokuti ndinokutumaizve kwaari; zvino tarirai, hapana chakafanira rufu chakaitwa naye. |
|
| 16 |
|
| Naizvozvo ndichamurova ndigo\add mu\add*sunungura. |
|
| 17 |
|
| Nokuti waifanira kuvasunungurira mumwe pamutambo. |
|
| 18 |
|
| Asi vose vakadanidzira pamwe chete vachiti: Kure nouyu, mutisunungurire Bharabhasi! |
|
| 19 |
|
| Iye wakanga akandirwa mutirongo nemhaka yerimwe bope rakanga ramutswa muguta, nokuvuraya. |
|
| 20 |
|
| Zvino Pirato achida kusunungura Jesu, akataurazve kwavari. |
|
| 21 |
|
| Asi ivo vakadanidzira, vachiti: Rovera, murovere! |
|
| 22 |
|
| Akati kwavari rwechitatu: Nemhaka yei, waita chakaipa chipiko? Handina kuwana mhosva yorufu maari; naizvozvo ndichamurova ndigo\add mu\add*sunungura. |
|
| 23 |
|
| Asi ivo vakasimbisa namanzwi makuru, vachikumbira kuti aroverwe. Manzwi avo naavaprista vakuru akakunda. |
|
| 24 |
|
| Zvino Pirato akapa mutongo kuti zviitwe sezvavakakumbira; |
|
| 25 |
|
| akavasunungurira uyo wavakakumbira, wakanga akandwa mutirongo nemhaka yebope neyokuvuraya; akakumikidza Jesu kuzvodo zvavo. |
|
| 26 |
|
| Zvino vakati vachienda naye, vakabata mumwe, \add wainzi\add* Simoni muKurini, achibva kuruwa vakaisa muchinjikwa pamusoro pake, kuti atakure shure kwaJesu. |
|
| 27 |
|
| Akateverwa nechaunga chikuru, navakadzi vaimuririravo nokumuchema. |
|
| 28 |
|
| Asi Jesu wakatendevukira kwavari, akati: Vakunda veJerusarema, musachema ini, asi muzvicheme imwi navana venyu; |
|
| 29 |
|
| nokuti tarirai, mazuva anovuya avachati nawo: Dzakaropafadzwa mhanje, nezvizvaro zvisina kutongobereka, namazamu asina kutongomwisa. |
|
| 30 |
|
| Zvino vachatanga kuti kumakomo: Wirai pamusoro pedu; nokuzvikomo: Tifukidzei. |
|
| 31 |
|
| Nokuti kana vachiita zvinhu izvi kumuti munyoro, zvinyi zvichaitwa kunowakawoma? |
|
| 32 |
|
| Zvino kwakanga kuna vamwe vaiti vezvakaipa vavirivo, kuti vavurawe pamwe chete naye. |
|
| 33 |
|
| Zvino vakati vasvika panzvimbo inonzi Dehenya, ipapo vakamurovera navaiti vezvakaipa mumwe kuruoko rworudyi nomumwe kuruboshwe. |
|
| 34 |
|
| Ipapo Jesu akati: Baba, vakangamwirei, nokuti havazivi chavanoita. Vakagovana nguvo dzake, vachikanda mijenya. |
|
| 35 |
|
| Vanhu vakamira, vakatarira. Navatongivo pamwechete navo vaka\add mu\add*sweveredza, vachiti: Wakaponesa vamwe; ngaazviponese; kana ari Kristu, musanangurwa waMwari. |
|
| 36 |
|
| Navarwivo vakamusweveredza, vakavuya \add kwaari\add* vakamupa vhiniga, |
|
| 37 |
|
| vachiti: Kana uri Mambo wavaJudha, zviponese. |
|
| 38 |
|
| Zvino; kwakanga kuno rugwarovo rwakanyorwa pamusoro pake namavara echiGiriki nechiRoma nechiHebheru, \add rwaiti\add*: UYU NDIMAMBO WAVAJUDHA. |
|
| 39 |
|
| Zvino mumwe wavaiti vezvakaipa vakanga vakaremberedzwa wakamutuka achiti: Kana uri Kristu, zviponese iwe nesu. |
|
| 40 |
|
| Mumwe akapindura, akamutsiura, achiti: Iwe hautyi kunyange naMwari kanhi, zvauri pakutongwa kumwe? |
|
| 41 |
|
| Isu zvirokwazvo zvakatiruramira, nokuti isu tinogamuchira mubairo wemabasa edu; asi uyu haana kuita chinhu chisakafanira. |
|
| 42 |
|
| Zvino akati kuna Jesu: Ishe mundirangarire kana masvika muushe bwenyu. |
|
| 43 |
|
| Jesu akati kwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Nhasi uchava neni muParadhiso. |
|
| 44 |
|
| Zvino yakanga yava nguva inenge yechitanhatu; kukavapo rima panyika yose, kusvikira panguva yepfumbamwe. |
|
| 45 |
|
| Zuva rikasvibiswa, vheiri retembere rikabvaruka napakati. |
|
| 46 |
|
| Zvino Jesu wakati adanidzira nenzwi guru, akati: Baba, mumavoko enyu ndinokumikidza mweya wangu; akati areva izvozvo, akapa mweya. |
|
| 47 |
|
| Ipapo mukuru wezana wakati avona zvakaitika, akarumbidza Mwari, achiti: Zvirokwazvo uyu wakanga ari munhu wakarurama. |
|
| 48 |
|
| Vazhinji vose vakanga vakavungana kuzovona izvozvo, vakati vachivona zvakaitika, vakadzoka vachirova zvifuva zvavo. |
|
| 49 |
|
| Navazikanwi vake vose, navakadzi vaimutevera vachibva Gariri, vakamira kure, vachivona zvinhu izvozvi. |
|
| 50 |
|
| Zvino tarira, murume wainzi Josefa, gurukota, murume wakanaka wakarurama; |
|
| 51 |
|
| iye wakanga asina kutenderana navo pakurangana nokuita kwavo; \add waiva\add* weArimatia, guta ravaJudha, iyevo wakanga achimirira ushe bwaMwari; |
|
| 52 |
|
| iye wakaenda kunaPirato akandokumbira mutumbi waJesu, |
|
| 53 |
|
| akauburusa, akauputira nerineni yakapfava, akauradzika mubwiro bwakanga bwakacherwa pabwe, makanga musina kumbovigwa munhu. |
|
| 54 |
|
| Zvino waiva musi wokugadzirira, sabata roswedera. |
|
| 55 |
|
| Navakadzivo, vakanga vavuya naye vachibva Gariri, vakatevera mumashure, vakavona bwiro, nomuisirwe womutumbi wake. |
|
| 56 |
|
| Vakadzoka, vakagadzira zvinonhuhwira nezvizoro vakazorora nesabata sezvinoreva murairo. |
|
|
|
|