|
| 1 |
|
| Mugore regumi neshanu rokutonga kwaTibheriasi Kesari, Pondio Pirato paakanga ari mubati weJudhea, Herodhi ari mubati weGarirea, munun'una wake Firipi ari mubati weIturea neTirakoniti, uye Risania ari mubati weAbhurini, |
|
| 2 |
|
| panguva youprista hwaAnasi naKefasi, shoko raMwari rakasvika kuna Johani mwanakomana waZekaria mugwenga. |
|
| 3 |
|
| Iye akaenda munyika yose yakapoteredza Jorodhani, achiparidza rubhabhatidzo rwokutendeuka kuti vanhu varegererwe zvivi. |
|
| 4 |
|
| Sezvazvakanyorwa mubhuku ramashoko aIsaya muprofita zvichinzi: “Inzwi rounodana murenje, ‘Gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake. |
|
| 5 |
|
| Mipata yose ichafushirwa, makomo ose nezvikomo zvichaderedzwa. Migwagwa yakakombama ichatwasanudzwa, pasakaenzana pachaenzaniswa. |
|
| 6 |
|
| Uye marudzi ose avanhu achaona ruponeso rwaMwari.’ ” |
|
| 7 |
|
| Johani akati kuvanhu vazhinji vaiuya kuzobhabhatidzwa naye, “Imi vana venyoka! Ndianiko akuyambirai kuti mutize kutsamwa kuchauya? |
|
| 8 |
|
| Chiberekai zvibereko zvinoenderana nokutendeuka. Uye musatanga kuti mumwoyo menyu, ‘Abhurahama ndiye baba vedu.’ Nokuti ndinoti kwamuri Mwari anogona kumutsira Abhurahama vana pamabwe aya. |
|
| 9 |
|
| Demo ratoiswa pamidzi yemiti, uye muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka uchatemwa ugokandwa mumoto.” |
|
| 10 |
|
| Vanhu vazhinji vakati, “Zvino toita seiko?” |
|
| 11 |
|
| Johani akapindura akati, “Munhu ane nguo mbiri ngaagovane neasina, uye naane zvokudya ngaaitewo saizvozvo.” |
|
| 12 |
|
| Vateresi vakauyawo kuzobhabhatidzwa. Vakamubvunza vakati, “Mudzidzisi, toita seiko?” |
|
| 13 |
|
| Akati kwavari, “Musatora mari inopfuura mwero wamunofanira kutora.” |
|
| 14 |
|
| Ipapo vamwe varwi vakamubvunza vakati, “Tinofanira kuita seiko?” Iye akati, “Musatorera vanhu mari nechisimba uye musapomera vanhu nhema, mugutsikane nomubayiro wenyu.” |
|
| 15 |
|
| Vanhu vakanga vakamirira vakatarisira, uye vose vakanga vachikahadzika mumwoyo mavo kuti zvimwe Johani akanga ari iye Kristu. |
|
| 16 |
|
| Johani akavapindura vose achiti, “Ini ndinokubhabhatidzai nemvura. Asi shure kwangu kunouya mumwe ane simba kundipfuura, ini handina kukodzera kuti ndisunungure rukanda rweshangu dzake. Iye achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nomoto. |
|
| 17 |
|
| Rusero rwake rwuri muruoko rwake kuti apepete paburiro rake uye agounganidza gorosi mudura, asi hundi achaipisa nomoto usingadzimwi.” |
|
| 18 |
|
| Uye namamwe mashoko mazhinji, Johani akakurudzira vanhu akaparidza vhangeri kwavari. |
|
| 19 |
|
| Asi Johani akati atsiura Herodhi mutongi nokuda kwaHerodhiasi, mukadzi womukoma wake, uye nezvimwe zvinhu zvose zvakaipa zvaakanga aita, |
|
| 20 |
|
| Herodhi akawedzera pazviri zvose nokuita izvi: Akapfigira Johani mutorongo. |
|
| 21 |
|
| Vanhu vose vakati vachiri kubhabhatidzwa, Jesu akabhabhatidzwawo. Uye akati achinyengetera, denga rakazaruka, |
|
| 22 |
|
| Mweya Mutsvene akauya pamusoro pake nomufananidzo wenjiva. Uye inzwi rakabva kudenga richiti, “Ndiwe mwanakomana wangu, wandinoda; ndiwe wandinofarira kwazvo.” |
|
| 23 |
|
| Zvino Jesu pachake akanga ava namakore anenge makumi matatu paakatanga ushumiri hwake. Akanga ari mwanakomana, sokuonekwa kwazvo, waJosefa, mwanakomana waHeri, |
|
| 24 |
|
| mwanakomana waMatati, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waMereki, mwanakomana waJani, mwanakomana waJosefa, |
|
| 25 |
|
| mwanakomana waMatatiasi, mwanakomana waAmosi, mwanakomana waNahumi, mwanakomana waEsiri, mwanakomana waNagai, |
|
| 26 |
|
| mwanakomana waMaati, mwanakomana waMatatiasi, mwanakomana waSemeini, mwanakomana waJoseki, mwanakomana waJodha, |
|
| 27 |
|
| mwanakomana waJoanani, mwanakomana waResa, mwanakomana waZerubhabheri, mwanakomana waShearitieri, mwanakomana waNeri, |
|
| 28 |
|
| mwanakomana waMereki, mwanakomana waAdhi, mwanakomana waKosamu, mwanakomana waErimadhami, mwanakomana waEri, |
|
| 29 |
|
| mwanakomana waJoshua, mwanakomana waEriezeri, mwanakomana waJerimi, mwanakomana waMatati, mwanakomana waRevhi, |
|
| 30 |
|
| mwanakomana waSimeoni, mwanakomana waJudha, mwanakomana waJosefa, mwanakomana waJonami, mwanakomana waEriakimi, |
|
| 31 |
|
| mwanakomana waMerea, mwanakomana waMena, mwanakomana waMatata, mwanakomana waNatani, mwanakomana waDhavhidhi, |
|
| 32 |
|
| mwanakomana waJese, mwanakomana waSarumoni, mwanakomana waNahashoni, |
|
| 33 |
|
| mwanakomana waAminadhabhi, mwanakomana waRami, mwanakomana waHezironi, mwanakomana waPerezi, mwanakomana waJudha, |
|
| 34 |
|
| mwanakomana waJakobho, mwanakomana waIsaka, mwanakomana waAbhurahama, mwanakomana waTera, mwanakomana waNahori, |
|
| 35 |
|
| mwanakomana waSerugi, mwanakomana waReu, mwanakomana waPeregi, mwanakomana waEbha, mwanakomana waShera, |
|
| 36 |
|
| mwanakomana waKainani, mwanakomana waArifasadhi, mwanakomana waShamu, mwanakomana waNoa, mwanakomana waRameki, |
|
| 37 |
|
| mwanakomana waMetusera, mwanakomana waEnoki, mwanakomana waJaredhi, mwanakomana waMaharareri, mwanakomana waKenani, |
|
| 38 |
|
| mwanakomana waEnoshi, mwanakomana waSeti, mwanakomana waAdhamu, mwanakomana waMwari. |
|
|
|
|